RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 11/99 p. 6
  • Bhokisi Remibvunzo

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Bhokisi Remibvunzo
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1999
  • Mashoko Akafanana
  • Ngatichengetei Nzvimbo Yedu Yokunamatira Yakanaka
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2003
  • Tingabatsira Sei Kuti Imba Yedu yeUmambo Irambe Yakanaka?
    Ndivanaani Vari Kuita Kuda kwaJehovha Mazuva Ano?
  • Unorangarira Sei Horo Yenyu yoUmambo?
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1994
  • Iyi Ndiyo Nzvimbo Yedu Yokunamatira
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2015
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1999
km 11/99 p. 6

Bhokisi Remibvunzo

◼ Ndiani Anofanira Kuchenesa Horo yoUmambo?

Horo yoUmambo yakachena neinokwezva inoita kuti mashoko atinoparidza aremekedzwe. (Enzanisa na1 Petro 2:12.) Kuchengeta horo yakashambidzika uye yakarongedzwa kunokosha, uye munhu wose anogona kuva nemugove wekuichengeta yakanaka. Hatifaniri kungotarisira vanhu vashomanana kuita basa racho rose. Kazhinji, kuchenesa kunorongwa maererano nemapoka eFundo Yebhuku Yeungano, muitisi wefundo yacho kana kuti mubetseri wake achitungamirira. Muhoro dzinosangana ungano dzinopfuura imwe, vakuru vacharonga nhau dzacho kuitira kuti ungano dzose dzigovane mukuichengeta yakanaka.

Tingatarisira sei zvakanaka uyu mutoro? Horo yoUmambo inofanira kucheneswa maererano nepurogiramu yenguva dzose. Zvokushandisa uye michina zvinofanira kuvapo kuti zvishandiswe mukuchenesa. Ndaza yezvinhu zvinofanira kuitwa inofanira kutumirwa uko vashandi vangaiwana nokuda kwenhungamiro. Kungava nendaza mbiri dzakasiyana, imwe yokuchenesa kuri nyore panopera musangano mumwe nomumwe uye imwe yokunyatsochenesa kunoitwa vhiki nevhiki. Muitisi wefundo yebhuku anofanira kuronga zuva nenguva zvekunyatsochenesa zviri nyore kune vose vane mugove. Tsangadzi, maruva uye makwenzi zvinofanira kutarisirwa nguva dzose. Munofamba nevanhu nepanomiswa motokari zvinofanira kuchengetwa zvisina marara. Gore rimwe nerimwe kuchenesa kwenguva dzose kunofanira kuitwa, zvichida nokukurumidza Chirangaridzo chisati chaitwa. Izvi zvingasanganisira kugeza mahwindo nemadziro, kugeza kapeti, uye kuchenesa maketeni.

Chokwadi, tose zvedu tinogona kurerutsa basa racho nokusadonhedzera chingamu kana kuti marara mukati kana kuti kunze kwehoro. Tinogona kuchenesa chimbudzi pose patinongopedza kuchishandisa, tichichisiya chakachena nokuda kwemunhu anotevera. Ngwarirai kudzivisa kupwanya michina kana kuti kukuvadza midziyo. Cherechedzai mavara etsvina ari pakapeti, macheya akakuvadzwa, kusashanda zvakanaka kwepombi, magirobho akatsva, nezvimwe, uye kurumidzai kushuma zvinhu izvi kune hama inotarisira kuchengetedzwa kweHoro yoUmambo.

Tose ngatinzwe tichida kuita basa redu. Izvi zvinoita kuti imba yokunamatira inake uye zvinotisiyanisa sevanhu vakachena vanokudza Jehovha Mwari.—1 Pet. 1:16.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe