Uchati Kudii Kune Asingatendi Kuti Kuna Mwari?
1 “Handitendi kuti kuna Mwari,” mumwe purofesa wokuPoland akaudza mumwe mufundisi muAfrica. Zvisinei, hanzvadzi yacho yakagona kukurukurirana nomukadzi wacho ndokumupa bhuku rinonzi Life—How Did It Get Here? By Evolution or by Creation? Mufundisi wacho paakadzokera vhiki yaitevera yacho, purofesa wacho akamuudza kuti: “Ndava kutenda kuti Mwari ariko!” Akanga arava bhuku rinonzi Creation rose uye zvino akakumbira kudzidza Bhaibheri. Ungaita sei kuti ubudirire mukupupurira vaya vanoti havatendi muna Mwari? Chokutanga, funga zvikonzero zvakasiyana-siyana nei vanhu vachitaura izvozvo.
2 Zvinhu Zvinoita Kuti Munhu Asatenda: Havasi vose vasingatendi kuti kuna Mwari vakarerwa vakadaro. Vakawanda vakambova mune rumwe rudzi rwechitendero uye pane imwe nguva vakatenda muna Mwari. Zvisinei, zvinetso zvakanyanya zvoutano kana kuti zvemhuri kana kumwe kusaruramisira kwavakaona kwakaderedza kutenda kwavo. Nokuda kwevamwe, makosi aidzidziswa muzvikoro zvedzidzo yapamusoro akava nomugumisiro wakaipa mukufunga kwavo nezvaMwari. Cherechedza mienzaniso inotevera yevasingatendi kuti kuna Mwari avo pakupedzisira vakatanga kutenda zvakasimba muna Jehovha Mwari ndokuva Zvapupu zvake.
3 Mumwe mukadzi muParis akazvarwa ane hosha yemapfupa inonetesa. Kunyange zvazvo akabhabhatidzwa somuKaturike, aizviti haatendi kuti kuna Mwari. Paakabvunza masisita acho kuti nei Mwari akamubvumira kuzvarwa akaremara zvakadaro, mhinduro yavo yaiva yokuti: “Nokuti anokuda.” Akaramba kubvuma pfungwa iyoyo isina musoro. Uyewo, funga nezvemumwe munhu wechiduku muFinland akaonekwa kuti ane hosha isingarapiki yetsandanyama uye akaiswa pawiricheya. Mai vake vakaenda naye kumutenderi wePendekosti aizviti anorapa vanhu vanorwara. Asi hapana kuporesa kwechishamiso kwakaitwa. Saka, jaya riye rakatadza kufarira Mwari ndokuva risingatendi kuti kuna Mwari.
4 Mumwe murume muHonduras akarerwa ari muKaturike asi akadzidza uzivi hwechiSosharisiti nokusatenda kuti kuna Mwari. Dzidziso yokuyunivhesiti yamuita kuti atende kuti vanhu vakabva kumhindumupindu, akarega kutenda muna Mwari. Nenzira yakafanana, mumwe mukadzi muUnited States akarerwa ari muMethodist. Kukoreji, akaita zvidzidzo zvemashandire anoita pfungwa. Chii chakaitika kune zvaaitenda? Akati: “Muchirimo chimwe vakaparadza kutenda kwose kwandaiva nako muchitendero.” Kudzidza Bhaibheri kwakaita kuti atende Mwari ndokumupa chinangwa muupenyu.
5 Kubaya Mwoyo Yevanhu Vapachokwadi: Vanhu vakawanda vanotaura kuti havatendi muna Mwari vangafara kuziva kana kune chingapedza zvinetso zvoutano hwakaipa, kusawirirana kwemhuri, kusaruramisira, zvichingodaro. Vanofadzwa zvepachokwadi kuwana mhinduro kumibvunzo yakadai seyokuti: ‘Nei uipi huripo?’ ‘Nei zvinhu zvakaipa zvichiitika kuvanhu vakanaka?’ uye ‘Upenyu hunorevei?’
6 Mumwe murume nomukadzi vanogara muSwitzerland vakarerwa vose vasingatendi kuti kuna Mwari. Pavakatanga kuudzwa chokwadi, vakaramba. Asi vaiva nezvinetso zvakanyanya zvemhuri uye vaifunga zvokurambana. Zvapupu zvacho pazvakashanyazve, zvakaratidza vakaroorana vaya muBhaibheri kuti vanokurira sei zvinetso zvavo. Vakaroorana vacho vakashamisika nezano rinoshanda riri muMagwaro, uye vakabvuma kudzidza Bhaibheri. Muchato wavo wakasimbiswa, vakafambira mberi mumudzimu, uye vakabhabhatidzwa.
7 Zvaungataura Kune Asingatendi Kuti Kuna Mwari: Mumwe munhu paanokuudza kuti haatendi kuti kuna Mwari, edza kuwana chikonzero nei achidaro. Imhaka yedzidzo yaakawana here, zvinetso zvaakava nazvo, kana kuti unyengeri hwechitendero nedzidziso dzenhema zvaakaona? Ungamubvunza kuti: “Unogarofunga neiyi nzira here?” kana kuti “Chikonzero nei wakafunga kudaro?” Mhinduro yake ichakubetsera kusarudza zvokutaura. Panodiwa zvokutaura zvakasimba, bhuku rinonzi Is There a Creator Who Cares About You? ndiro ringava rinodiwa.
8 Ungatsvaka kukurukurirana neasingatendi kuti kuna Mwari nokubvunza kuti:
◼ “Wakamboshamisika here: ‘Kana kuna Mwari, nei kune kutambura nokusaruramisira kwakawanda zvakadaro munyika?’ [Bvumira mhinduro.] Ndingakuratidzai pfungwa dzeBhaibheri panhau iyi here?” Rava Jeremia 10:23. Warava, mubvunze zvaanofunga nezverugwaro rwacho. Ipapo muratidze peji 23, ndima 11-13 mubhurocha rinonzi Chii Chiri Donzo Roupenyu? Kana kuti, panzvimbo pezvo, ungashandisa chitsauko 10 mubhuku rinonzi Creation. Mukumbire kuti atore bhuku racho ndokurava mashoko acho.—Nokuda kwemamwe mazano akawanda, onai bhuku rinonzi Kurangarira, mapeji 264-5.
9 Tinobvuma kuti havasi vose vasingatendi kuti kuna Mwari vachagamuchira chokwadi. Asi kune vakawanda vanoda kufunga nezvedzimwe pfungwa. Shandisa pfungwa, kunyengetedza uye, kupfuura zvose, simba reShoko raMwari kuti uvabetsere kuona chokwadi.—Mabasa 28:23, 24; VaH. 4:12.