“Rambai Makamuka”
1 Apedza kurondedzera zviitiko zvinokosha zvaizoratidza mazuva okupedzisira egadziriro ino yezvinhu, Jesu akakurudzira vadzidzi vake ku‘ramba vakamuka.’ (Mako 13:33) Nei vaKristu vachifanira kuramba vakamuka? Nokuti tiri kurarama munguva ine ngozi zvikuru munhau yomunhu. Hatingambozvibvumiri kuti titsimwaire mumudzimu. Izvozvo zvingaguma nokukundikana kwedu kuonga basa ratakapiwa kuti tiite munguva ino yomugumo. Ibasa rei iroro?
2 Jehovha ari kuita kuti vanhu vake vazivise pasi rose mashoko akanaka oUmambo hwake—tariro bedzi yevanhu. Kunyatsoshanda kwatinoita nesangano raMwari kunotizivisa sevaKristu vechokwadi, avo vanoziva nguva uye kudikanwa kwokubatsira vamwe kunzwa “mashoko oupenyu husingaperi.” (Joh. 6:68) Nokushingairira kushanda mubasa iri rinokosha kwazvo, tinopa uchapupu hwokuva vakamuka mumudzimu.
3 Kukurudzirwa Kuparidza: SeZvapupu zvaJehovha, tinofanira kuva nechivimbo noushumiri hwedu. Kuda Mwari nomuvakidzani kunotikurudzira somunhu oga kushanda mubasa rokuparidza. (1 VaK. 9:16, 17) Nokuita izvozvo, tichazviponesa isu pamwe nevanotiteerera. (1 Tim. 4:16) Ngatitsungei kushanda nguva dzose sezvinobvira, uye kwenguva yakareba sezvakafanira mukuparidza nezvehurumende yakanakisisa iyo vanhu vati vambova nayo—Umambo hwaMwari!
4 Kuti ushumiri hwedu ndehwokukurumidzira kunosimbiswa kwatiri nechokwadi chinokosha—kutanga kwokutambudzika kukuru kuchauya patinenge tichakabatika mubasa iri. Kusaziva kwedu zuva neawa kunoda kuti tirambe takamuka uye takagadzirira nguva dzose, nokuvimba naJehovha nokunyengetera. (VaEf. 6:18) Chinangwa chebasa rokuparidza chinoramba chichikura. Asi rimwe zuva munguva pfupi iri kutevera, basa rouchapupu hwakakura zvikuru munhau yomunhu richaguma.
5 Tevera nokutendeka murayiro waJesu woku‘ramba wakamuka.’ Izvi zvinokosha iye zvino kupfuura kare. Ngatiitei nepfungwa yokukurumidzira. Nhasi uye mazuva ose, ngatirambei takapengenuka mumudzimu, takasvinurira, uye tichishingaira mubasa raJehovha. Hungu, ngati“rambei takamuka, takasvinura.”—1 VaT. 5:6.