Chokwadi Nezveramangwana
Unombonetseka uchifunga kuti ramangwana richange rakamira sei here? Bhaibheri rinoti pane zvinhu zvikuru zvava pedyo kuitika uye zvichabata-bata munhu wese panyika.
Jesu akataura zvinhu zvaizotibatsira ‘kuziva kuti Umambo hwaMwari hwava pedyo.’ (Ruka 21:31) Pazvinhu zvaakataura zvimwe zvacho ihondo, kudengenyeka kwenyika, nzara, uye zvirwere. Zvinhu izvi tiri kutozviona.—Ruka 21:10-17.
Bhaibheri rakataurawo kuti “mumazuva ekupedzisira” enyika ino vanhu vachange vava kuita zvinhu zvakaipa. Unogona kuverenga zvimwe zvacho pana 2 Timoti 3:1-5. Paunoona zvinhu izvi, zvechokwadi unobva waona kuti zvakataurwa neBhaibheri ndizvo chaizvo zviri kuitika mazuva ano.
Saka zviri kurevei? Nguva yekuti Umambo hwaMwari huchigadzirisa zvinhu panyika yava pedyo. (Ruka 21:36) Mwari anovimbisa vanhu upenyu hwakanaka panyika. Zvimwe zvaachaita ndeizvi:
HURUMENDE YAKANAKA
“[Jesu] akapiwa ushe nekukudzwa, neumambo, kuti vanhu vemarudzi ese, nenyika, nemitauro yakasiyana-siyana vamushumire. Ushe hwake ushe hunogara nekusingaperi, husingazobviswi, uye umambo hwake hahuzoparadzwi.”—DHANIERI 7:14.
Zvazvinoreva: Mwanakomana waMwari achange ava kutonga pasi rese. Hurumende yake inopfuura dzimwe nekure uye unogona kuraramawo munyika iyoyo uchifara.
UTANO HWAKANAKA
“Hakuna mugari wemo achati: ‘Ndiri kurwara.’”—ISAYA 33:24.
Zvazvinoreva: Uchange usingacharwari kana kuva neurema; uchange usingachafi.
RUNYARARO
“Ari kugumisa hondo munyika yese.”—PISAREMA 46:9.
Zvazvinoreva: Kuchange kusisina hondo kana kutambura chero kupi zvakwo.
PANYIKA PACHANGE PAINE VANHU VAKANAKA CHETE
“Vakaipa havazovipozve . . . Vanyoro vachagara nhaka yenyika.”—PISAREMA 37:10, 11.
Zvazvinoreva: Kuchange kusisina vanhu vakaipa, vanhu vanoteerera Mwari ndivo chete vanenge varipo.
PASI RESE RICHANGE RAVA PARADHISO
“Vachavaka dzimba vogaramo, uye vachadyara minda yemizambiringa vodya michero yayo.”—ISAYA 65:21, 22.
Zvazvinoreva: Pasi rese richange ranaka. Mwari achapindura munyengetero wedu wekuti kuda kwake kuitwe “panyika.”—Mateu 6:10.