Vabereki—Pinzai Zvishoma Nezvishoma Miitiro Inobatsira Muvana Venyu
1 Miitiro inobatsira haisi yokuberekwa nayo, uyewo haiwanikwi netsaona. Uyezve, kupinza zvishoma nezvishoma miitiro yakanaka muvana kunotora nguva. “Kupinza zvishoma nezvishoma” zvinoreva “kupa paduku paduku” kana kuti “kudonhedzera donhwe nedonhwe.” Vabereki vanofanira kuwirirana kuitira kuti varambe vachi“rera [vana vavo] mukuranga nomukutungamirira ndangariro kwaJehovha.”—VaEf. 6:4.
2 Tangai Vachiri Vacheche: Mano evana vaduku-duku okudzidza uye okuita zvinhu zvitsva anoshamisa. Kunyange zvazvo vanhu vakuru vachiwanzoona zvakaoma kudzidza mutauro mutsva, vana vasati vava kuenda kuchikoro vanogona kudzidza mitauro miviri kana mitatu panguva imwe chete. Usambofunga kuti mwana wako achiri muduku zvakanyanya kuti akudziridze miitiro yakanaka. Kana kurayiridza muchokwadi cheBhaibheri kukakurumidza kutangwa uye kukaramba kuchiitwa, mwana paanenge ava nemakore mashomanana, pfungwa dzake dzichazadzwa nezivo ichamuita kuti ave “akachenjera nokuda kwokuponeswa.”—2 Tim. 3:15.
3 Ita Kuti Basa Romumunda Rive Muitiro: Muitiro unobatsira unofanira kupinzwa zvishoma nezvishoma mumwana paanenge achikura ndouya wokuparidza mashoko akanaka oUmambo hwaMwari nguva dzose. Vabereki vakawanda vanotanga izvi nokuenda nevana vavo muushumiri hwepaimba neimba pavanenge vari vacheche. Kupupurira nguva dzose kunoitwa nevabereki kunobatsira vana vavo kukudziridza kuonga uye kushingairira ushumiri. Vabereki vanogona kuratidza vana zvavangaitawo mukupupurira murudzi rwoga rwoga rwebasa romumunda.
4 Kunyoreswa muChikoro Choushumiri Chokutonga Kunoitwa naMwari kunobatsirawo vana. Chinovadzidzisa miitiro yakanaka yokudzidza uye kuti vangaverenga sei nokunzwisisa. Vanodzidza kukurukura nezveBhaibheri, kudzokerazve, uye kuitisa zvidzidzo zveBhaibheri. Kurovedza kwakadaro kungavaita kuti vade kupayona ndokusvasvavirira ropafadzo chaidzo dzebasa. Vashandi vepaBheteri vakawanda uye mamishinari vanoyeuka nomufaro mazuva avo epakutanga muchikoro ndokuaona segadziriro yakavabatsira kukudziridza miitiro inobatsira.
5 Tose takaita seivhu riri mumaoko oMuumbi Mukuru, Jehovha. (Isa. 64:8) Kana ivhu richiri nyoro, rinova nyore kuumba. Kugarisa kwarinoita, ndokuoma kwarinoitawo. Ndozvinoitawo vanhu. Pavanenge vari vaduku, vanenge vari nyore zvikuru kudzidzisa—uye kana vari vaduku vatori nani. Makore avo ouduku makore okukura, apo kuumbika kunoitika nokuda kwezvakanaka kana zvakaipa. Somubereki ane hanya, tanga nokukurumidza kupinza zvishoma nezvishoma muvana vako miitiro inobatsira muushumiri hwechiKristu.