RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 6/01 pp. 3-6
  • Ungada Kubatsira Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ungada Kubatsira Here?
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2001
  • Mashoko Akafanana
  • Iri Ndiro Ringava Basa Rakanakisisa Kwauri Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2001
  • Kurangarira Nokuonga “Imba yaMwari”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
  • Haazokanganwi Mabasa Akanaka Atinoita
    Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2019
  • Munhu Wose Ari Kukokwa!
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2010
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2001
km 6/01 pp. 3-6

Ungada Kubatsira Here?

1 Chiitiko chisiri chenguva dzose chinoitika mugore ra778 B.C.E. Mune zvaakaratidzwa, muprofita Isaya anoona “Ishe agere pachigaro choushe, chirefu chakakwirira.” Ipapo Isaya anonzwa maserafi achidanidzira nezvembiri yaJehovha, achiti: “Mutsvene, mutsvene, mutsvene, iye Jehovha wehondo.” Izvozvo zvinofanira kuva zvaishamisa kwazvo! Mumamiriro ezvinhu iwayo, Jehovha anobvunza mubvunzo wakaoma wokuti: “Ndingatuma aniko? Ndiani ungatiendera?” Basa racho haritsanangurwi kuti rakadini uye hazvitaurwi kuti munhu wacho anozvipira kuriita achawanei. Asi, asingazezi, Isaya anopindura kuti: “Ndiri pano ini, nditumei.”—Isa. 6:1, 3, 8.

2 Vanhu vaJehovha vanozivikanwa nokuda kuita zvaanenge akumbira. (Pis. 110:3) Uye iye zvino vaya vanobvuma kushandiswa vari kukokwa. Wakagadzirira kubvuma nomwoyo wose here, sezvakaita Isaya?

3 Hama dzinoramba dzichidiwa kuti dzizoshanda paBheteri. Izvi zvinoda kuti dzide zvikuru kuisa zvinhu zvoUmambo pakutanga uye kuti dzide kuita zvose zvingadiwa kutsigira basa rokuparidza repasi pose. (Mat. 6:33) Kutaura zvazviri, kushanda senhengo yemhuri yeBheteri kunopa munhu mukana unokosha wokushumira Jehovha nomweya wose. Sei?

4 Basa Riri Kuitwa paBheteri: Funga zvose zvinoitwa nguva dzose paBheteri yeZimbabwe. Hama nehanzvadzi 106 dzinoumba mhuri yeBheteri dzine ropafadzo yokunyatsobatanidzwa mukutsigira boka romuranda akatendeka neakangwara uye Dare Rinodzora mukuita kuti maBhaibheri nemabhuku eBhaibheri okushandisa mumunda wenyika yose neokudzidza tiri toga awanike. (Mat. 24:45) Zvakawanda zviri kuitwa kuronga basa rinoitwa muungano 891 uye mumapoka ari oga 59 muno muZimbabwe. Vakawanda vanoda kuzvipira vanodiwa kuti vatarisire kutumirwa kwemabhuku, kuchenesa, kugadzirisa zvakafa, kugadzira zvokudya, kutenga, kutarisira zvoutano, uye zvimwe zvakawanda zvinoitwa paBheteri.

5 Kuita zvose izvi ibasa guru asi rinogutsa pakunamata kwedu Mwari. Kuziva kuti simba redu rose riri kushandiswa kutsigira basa rokuparidza nokudzidzisa kunounza mufaro mukuru. Basa repaBheteri rinotibatsira kusvika pakuziva sangano raJehovha zvakakura zvikuru. Tinoyeuchidzwa kuti munyori wepisarema akakurudzira vaIsraeri kusvika pakunyatsoziva zvikuru nzvimbo yepasi yokutonga kwaMwari muzuva ravo.—Pis. 48:12, 13.

6 Zvikomborero Zvebasa repaBheteri: Vaya vanoshanda paBheteri vanonzwa sei nezveropafadzo dzavo dzebasa? Inzwa mashoko anotevera evaduku nevakuru vanoshanda paBheteri. Mumwe mushandi wepaBheteri ave achishandapo kwemakore matatu anoti: “Kuva paBheteri kwasimbisa ukama hwangu naJehovha. Kana ndikashanda nguva yakareba pano uye ndikadzidza zvakawanda nezvemashandiro anoita Bheteri, ndichadzidza zvakawanda nezvounhu hwaJehovha. Basa repaBheteri rave richindipengenutsawo kuti ndione kuti Jehovha anoshandisa vanhu—marudzi ose evanhu. Uye haufaniri kuva akakwana kuti ugamuchirike kwaari.”

7 Imwe hama yechiduku inoti: “Ndinoyeuka ndichifunga kuti, ‘Zvichava zvakanaka sei kusvika munyika itsva ndokuudza varume vakatendeka vekare kuti ndakashanda kwemakore akawanda paBheteri, kwete kunyika ndichiita mari.’”

8 Imwe hama yechiduku inofungisisa nezvokudzidziswa kwayakaitwa ichiti: “Kuzvidzidza ini pachangu uye unhu hwandinoda kushandira kwava kuhukudziridza chave chiri chikomborero chikuru. Ndinonzwa kuti zvino ndinokwanisa kushumira Jehovha zviri nani. Ndinoona kuti ndinoti shivirirei, ndinozviti dzorei, uye ndinokwanisa kuratidza rudo zvakati kurei.”

9 Imwe hanzvadzi inofunga nezvezvikomborero zvayawana kusvikira nguva ino, ichiti: “Purogiramu yokunamata yepano yakandidzidzisa zvakawanda nezvaJehovha uye kumutevedzera kwandingaita zviri nani mupfungwa, mumanzwiro angu, uye muzviito. Uye nokuti kudzidziswa kwacho kunopfuurira, chikomborero chacho chinopfuurira.”

10 Imwe hama yapedzera makore 59 muushumiri hwenguva yakazara, anopfuura 43 emakore iwayo iri paBheteri, yakati: “Bheteri haina kuita somusha wemamongi, sezvingafungwa nevamwe. Tinoita zvakawanda nemhaka yemararamiro edu. . . . Hapana zuva randakauya kubasa ndikasanakidzwa nezvandakaita. Nei? Nokuti patinozvipa nomwoyo wose kuna Jehovha, tinogutsikana nokuziva kuti ‘taita zvataifanira kuita.’”—Ruka 17:10.

11 Imwe hama yakashanda paBheteri muUnited States of America kwemakore 62, yakati: “Ndinobvuma zvakasimba kuti Bheteri ndiyo nzvimbo yakanakisisa pasi pano Paradhiso yepasi isati yauya. Handina kumbofa ndazvidemba kuti ndakaita basa renguva yakazara basa roupenyu hwangu hwose. Wave uri mufaro mukuru kupupurira uye kubatanidzwawo mukuwedzera kukuru kwesangano raJehovha repasi! Ndakatsunga kuramba ndichiita Bheteri musha wangu uye ndichishanda nomweya wose kutsigira zvinhu zvoUmambo, ndichibatsirwa naJehovha.”

12 Idzi nhengo dzemhuri yeBheteri dzakangotaura zvikomborero zvishoma pane zvakawanda zvaungava nazvo kana ukada kubatsira paBheteri. Asi kufanana nezvazvinoita kuti uwane ropafadzo ipi neipi yebasa, unofanira kutanga kuita zvinodiwa. Ndezvipi zvimwe zvinodiwa kuti ushande senhengo yemhuri yeBheteri?

13 Zvinodiwa Pabasa repaBheteri: Zvinhu zvikuru zvinodiwa kune vaya vanonyora vachikumbira basa repaBheteri zvinoratidzwa mubhokisi riri munyaya ino. Uyezve, zvinokosha kuti vave vanoda kushanda nesimba, kwete kuva “vanoda zvinofadza.” (2 Tim. 3:4; 1 VaK. 13:11) Nhengo dzemhuri yeBheteri dzinofanira kuva varume nevakadzi vave noruzivo rwaMwari avo vakakudziridza miitiro yavo yokudzidza vari voga uye vakarovedza masimba avo okunzwisisa “kusiyanisa zvakanaka nezvakaipa.” (VaH. 5:14) Kukura kwavakaita pazivo yaMwari kunofanira kuve kwakatoratidzwa muupenyu hwavo hwose, kusanganisira mupfekero wavo, kuzvitarisira kwavanoita, uye nziyo nevaraidzo zvavanofarira. Nhengo dzemhuri yeBheteri dzinoda nomwoyo wose kushanda chero kupi kwadzingadiwa. Vechiduku kazhinji vanopiwa mabasa anoda simba anosanganisira kushanda mugadheni, kugadzira nokutumira mabhuku, kugadzira zvakafa, kutarisira dzimba, kuchenesa, kugeza mbatya, uye kugadzira zvokudya. (Zvir. 20:29) Zvisinei, kusiyana nebasa rokunyika, basa rose rinogutsa zvikuru nokuti ibasa dzvene rinounzira Jehovha mbiri.—VaK. 3:23.

14 Vaya vanokokwa kuBheteri vanotarisirwa kuti vazopedza nguva isiri pasi pegore varipo. Izvi zvinoita kuti vakwanise kudzidzira kuva vashandi vanobudirira. Tariro yacho ndeyokuti vachakwanisa kuita Bheteri musha wavo. Kuda Jehovha ndiko kunoita kuti nhengo dzemhuri yeBheteri dziise basa roUmambo mberi kwezvinhu zvadzinofarira, izvo zvinofadza Jehovha.—Mat. 16:24.

15 Zvinodiwa iye Zvino: Nemhaka yebasa rinoitwa paBheteri, vatiri kunyanyoda iye zvino ihama dzisina kuroora. Kunyange zvazvo usiri mutemo, mukana wokutanga unopiwa vaya vari mapiyona enguva dzose, sezvo vachitova mubasa renguva yakazara nechekare. Pane dzimwe nguva mikana yacho ingazarukira hanzvadzi uye vakaroorana, uye vane makore anobvira pa19 kusvikira ku35 vangangova nounyanzvi hwakati hunodiwa paBheteri. Uyezve, dzimwe hama nehanzvadzi dzingava dzatipfuurei makore 35 uye dzine unyanzvi chaihwo uye dzakadzidzira basa rakati rinodiwa paBheteri dzinokurudzirwa kunyorera. Somuenzaniso, ivava vanosanganisira nyanzvi dzeakaunzi, vakoti, vanamakanika, nyanzvi dzemagetsi, kana kuti vagadziri vemapurogiramu ekombiyuta, vose vane zvitupa zvebasa ravo, kungodudza vashomanana vacho. Zvisinei, hatikurudziri vanhu kuwana dzidzo kana kuti unyanzvi hwebasa vaine pfungwa yokuti zvichaita kuti vawane mikana yakakura yokudanwa kuBheteri. Vaya vanotova nounyanzvi hwebasa ravakadzidzira vasati vava vaKristu, vangada kunyora unyanzvi hwose hwavakadzidzira vobatanidza netsamba yokukumbira kuva mushandi wepaBheteri.

16 Kana ukanyorera wobva warega kukokwa kuzoshanda paBheteri, usaora mwoyo. Ungafunga nezvokunyorerazve kamwe chete pagore. Dzimwe hama dzakadzidzira basa rakati uye dzine unyanzvi hwakati hungadiwa paBheteri dzakabvuma kushandiswa mubasa rokuzvipira kwenguva pfupi. Dzinganyorera kuti dzishande paBheteri kwevhiki imwe, mbiri, nhatu kana ina kana kuti kusvikira kumwedzi mitatu. Munyori weungano angakumbira fomu rokukumbira kuzvipira kwenguva pfupi nokuda kwevaya vanofarira kubatsira munzira iyi.

17 Kushumira Jehovha uri pamwe chete nehama dzaKristu iropafadzo yakasiyana nedzimwe yeavo vanoshanda paBheteri. Dare Rinodzora rinoonga kuzvipira kunoitwa navose vanoda kushumira pane zvinodiwa nehama dzedu pasi pose.—VaF. 2:20-22; 2 Tim. 4:11.

18 Vechiduku—Zvigadzirirei iye Zvino Kuzoshanda paBheteri: Kugadzirira kushanda paBheteri kunotanga usati watombosvitsa makore 19. Vechiduku vangaita sei kuti vazvigadzirire kuti vazoshanda paBheteri? Jesu akati: “Ndiani wenyu anoti kana achida kuvaka shongwe asingatangi agara pasi overenga zvinodiwa?” (Ruka 14:28) Sezvo kugadzirira nokuronga zvichikosha kuti chirongwa chipi nechipi chokuvaka chibudirire, zvinokosha zvikuru kuti pwere dzinyatsofungisisa mavakire adziri kuita nguva yadzo yemberi mubasa raJehovha! Nheyo yakasimba inofanira kuvakwa dzichiri duku kwazvo kuti dzigone kuzoita chido chadzo pane zvokunamata. Sezvo uri pwere, uri kuvaka nheyo yako zvakanaka sei? Kana uchizoda kushanda paBheteri, uchabatsirwa nokunyatsofungisisa zvinotevera.

19 ‘Wanira Nzvimbo’ Ropafadzo iyi Yebasa: Sezvakanyorwa pana Mateu 19:12, Jesu akakurudzira vadzidzi vake kuti va“wanire nzvimbo” upenyu hwokurarama vasina kuroora. Nei? Kwete nokuda kwezvikonzero zvomunhu pachake, asi “nemhaka youmambo hwokumatenga.” Saizvozvowo Pauro akakurudzira upenyu hwakadaro hwo“kushandira Ishe nguva dzose pasina kudzongonyedzwa.” (1 VaK. 7:32-35) Zvinonzwisa urombo kuti vanoverengeka vanorasikirwa neropafadzo yokuti vashande paBheteri vasina kuroora nemhaka yokuroora pazera duku. Tinoda kukurudzira hama dzedu dzechiduku kuti dzishandise simba radzo kuita ushumiri hwenguva yakazara padzinenge dzisati dzava nemitoro yemhuri. Ipapo, pashure penguva yakati kana dzikasarudza kuroora, dzichava varume vari nani zvikuru nemhaka yokuti dzinenge dzawana ruzivo rwakawanda muupenyu uye muushumiri hwechiKristu. Pashure pokushanda paBheteri kwemakore anoverengeka, vamwe vakaroora uye vakakwanisa kuramba vachishanda ipapo vakaroorana. Kana vakazova nedzimwe ropafadzo, dzakaita sebasa rokufambira kana kuti roumishinari, zvechokwadi havadembi nguva yavakatsaura kuti vawanire nzvimbo basa repaBheteri.

20 Usatsauswa Nokutsvaka Zvinhu Zvokunyama: Wechiduku mumwe nomumwe angaita zvakanaka kuzvibvunza kuti: ‘Chido changu kana ndapedza chikoro chesekondari ndechokuda kuzoshanda kunyika nguva dzose here kana kuti ndechokushumira Jehovha nguva yakazara?’ Chokwadi, kutora basa renguva yakazara kuchada kurega zvimwe zvinhu. Asi ndizvo zvichaitawo kutsvaka basa rokunyika! Pakupedzisira, inzira ipi ichava nomugumisiro unogara nokusingaperi nounobatsira zvechokwadi? Jesu akapa mhinduro yakajeka. Maererano naMateu 6:19-21, akati: “Musazviunganidzira pfuma pasi pano, apo chipfukuto nengura zvinodya, uye apo mbavha dzinopaza dzoba. Asi, zviunganidzirei pfuma kudenga, uko chipfukuto kana ngura zvisingadyi, uye uko mbavha dzisingapazi dzoba. Nokuti pane pfuma yako, mwoyo wako uchava ipapowo.” Mwoyo yedu ngaisambotitungamirira kutsvaka basa rokunyika kana kuti zvinhu zvokunyama panzvimbo pebasa romwoyo wose kuna Jehovha. Tose zvedu tinofanira kuziva kuti pfuma yakafanira kutsvakwa chete ukama hwakanaka naJehovha, kuti tifadze mwoyo wake. (Zvir. 27:11) Nokuisa Jehovha pakutanga muupenyu hwedu tichiri vaduku, tinoratidza chatinokoshesa uye kuti Umambo hunokosha sei kwatiri. Yeuka kuti, “kuropafadza kwaJehovha ndiko kunopfumisa; kutambura pabasa hakuwedzeri chinhu.” (Zvir. 10:22) Vechiduku vane mukana wakaisvonaka wokuratidza pane mwoyo yavo nokudzorera chimwe chinhu chakanaka kuna Jehovha pane zvose zvaakavapa. Basa repaBheteri rinopa mukana wakaisvonaka wakadaro kune vaya vane zvinodiwa zvacho.

21 Avo Vanoshanda paBheteri Vanofanira Kuva Vakachena Mutsika: Munyori wepisarema akabvunza kuti: “Jaya ringaramba richinatsa nzira yaro neiko?” Akapindura kuti: “Kana richiichenjerera sezvinorayira shoko [raJehovha].” (Pis. 119:9) Izvozvo zvingasanganisira kudzivisa chinhu chipi nechipi chine chokuita nokuora kwetsika dzenyika yaSatani. Zvinonyadzisira zvepaInternet, kuita mufambiro usina kururama nevanhurume kana nevanhukadzi, nziyo dzinoshatisa, varaidzo yakaipa, uye kunwa doro zvakanyanyisa inongova imwe yemisungo inoshandiswa naSatani kudzivisa pwere dzedu kuita vavariro dzezvokunamata. Zvinoda kutsunga kudzivisa misungo iyi. Sowechiduku, kana ukaona wava kuita chimwe chezvinhu izvi, taura nevakuru vomuungano yako ndokupedza nhau idzi usati wanyora uchikumbira kushanda paBheteri. Kuva nehana yakachena kunokosha kuti ushumire Jehovha zvakazara.—1 Tim. 1:5.

22 Dzidza Kuwirirana Nevamwe: Chimwe chinodiwa chinokosha kuti ubudirire kuita basa repaBheteri ndechokudzidza kuwirirana nevamwe. Mhuri yeBheteri yeZimbabwe ine hama nehanzvadzi 106 dzakakurira kunzvimbo dzakasiyana-siyana. Nepo kusiyana-siyana kwounhu uku kuchiwedzera kunaka kweBheteri, pane dzimwe nguva kunopawo zvinetso. Kana uri kufunga nezvebasa repaBheteri, ungaita zvakanaka kuzvibvunza kuti: ‘Ndinokurumidza kugumbuka here kana vamwe vasingabvumirani neni? Vamwe vanoona zviri nyore here kuwirirana neni?’ Kana uchida kuvandudzika pane izvi, tanga iye zvino kuzvigadzirisa. Kuita kwako kudaro kuchakubatsira kuchinja nyore nyore kuti ugare uye ushande nenhengo dzemhuri yeBheteri.

23 Shanda zvakasimba kuti uve munhu ane ruzivo mune zvokunamata nokukudziridza ukama hwepedyo naJehovha. Tanga purogiramu yakanaka yokudzidza uri woga, ingasanganisira kuverenga Bhaibheri zuva nezuva. Shingaira mukuudza vamwe mashoko akanaka. Nokuita izvi, uchaita kuti kufambira mberi kwako mumudzimu kuonekwe. (1 Tim. 4:15) Vaya vanogadzirira basa renguva yakazara iye zvino vane tarisiro dzakaisvonaka dzakavamirira!

24 Vabereki, Dzidzisai Vana Venyu: Vabereki vangaitei kuti vakurudzire vechiduku kuita ushumiri hwenguva yakazara? Jesu akati: “Munhu wose anonyatsodzidziswa achafanana nomudzidzisi wake.” (Ruka 6:40) Mudzidzi anyatsodzidziswa haanetseki kuratidza unhu hwakaisvonaka hwomudzidzisi wake akazvipira. Nheyo iyi inofanira kupa vabereki vechiKristu zvokufunga nezvazvo sezvavanoshanda zvakaoma kudzidzisa vana vavo “nokuzvipira kuna Mwari sevavariro ya[v]o.” (1 Tim. 4:7) Sezvo vana vachida kuratidza maitiro evabereki vavo muzvinhu zvokunamata, vabereki vanoita zvakanaka kuzvibvunza kuti: ‘Isu pachedu tinokoshesa basa riri kuitwa paBheteri rokutsigira zvinhu zvokunamatwa kwaJehovha kwechokwadi here? Tinoona here kukomborera kuri kuita Jehovha Bheteri? Tinobvuma here kuti vana vedu vakasarudza kurarama vachiita basa raJehovha vanenge vasarudza basa rakanakisisa?’ Kuonga kwedu nomwoyo wose basa repaBheteri uye basa rinoitwa ikoko kuchatibatsira kupinza zvishoma nezvishoma kuonga kwakadaro muvana vedu.

25 Erikana naHana vaifarira zvikuru kunamata kwechokwadi. Vakaitira vabereki vechiKristu vanhasi muenzaniso wakaisvonaka. MuIsraeri yekare, varume vechiIsraeri chete ndivo vaidiwa kuti “vauye pamberi paShe Mwari” patebhenekeri yake, katatu pagore. Kunyange zvakadaro, Erikana aifamba makiromita 30, zvichida netsoka, nemhuri yake yose “gore rimwe nerimwe” kuti anopa chibayiro panzvimbo iyi yokunamatira Jehovha. (Eks. 23:17; 1 Sam. 1:3, 4, 9, 19; 2:19) Zviri pachena kuti musoro wemhuri uyu waida kuti mhuri yawo yose ivewo nehanya nezvinhu zvokunamata sezvawaiita.

26 Hana aifarira kunamata kwechokwadi sezvaiita murume wake. Ainyatsonzwa aine mutoro wokutsigira kunamata kwechokwadi patebhenekeri. Hana akapika kuti kana Jehovha aizomupa mwanakomana, aizoita kuti ashande patebhenekeri. (1 Sam. 1:11) Mutemo waMosesi waipa murume kodzero yokurambidza mhiko yomudzimai kana yakanga isina kukodzera. (Num. 30:6-8) Zvisinei, sezviri pachena Erikana akabvumira mhiko yaHana, achiratidza kuti iyewo aitsigira chiito ichocho chokunamata kwechokwadi!—1 Sam. 1:22, 23.

27 Mwanakomana wavo Samueri akabatsirwa here nokuonga uye maitiro akaisvonaka akaratidzwa nevabereki vake? Hungu, zvechokwadi. Paaiva mukomana muduku, Samueri akatarisira mabasa ake aakapiwa achida uye nokutendeka uye akadzidziswazve kuti azoita basa raMwari rinoongwa. Kufarira kwaiita Erikana naHana basa raSamueri repatebhenekeri hakuna kuguma paakatanga kuita mabasa ake ipapo. Vakaramba vachimushanyira nguva dzose kuti vamukurudzire nokumutsigira sezvaaiita basa renguva yakazara.—1 Sam. 2:18, 19.

28 Muenzaniso wakaisvonaka zvikuru uyo Erikana naHana vakaitira vabereki vechiKristu nhasi! Vana vedu pavanonzwa mashoko edu anobva pamwoyo okuonga ropafadzo yebasa repaBheteri vobva vaona kurega zvimwe zvinhu kwatinoratidza mukufambisira mberi zvinhu zvoUmambo, ivowo vachakudziridza pfungwa yokuda kushumira vamwe. Vabereki vakawanda vari kubudirira kupinza zvishoma nezvishoma pfungwa iyi yakanaka muvana vavo. Mumwe mwana ane makore manomwe akanyora kuti: “Kana ndakura, ndinoda kuva paBheteri, uye ndine zvinhu zvishomanana zvandinoda kuzoita ipapo. (1) Kutaipa magazini eNharireyomurindi neMukai!, (2) kushanda mudhipatimendi renyu remifananidzo, (3) kurongedza mbatya. Chero ripi zvaro riripo. Hazvina basa.” Zvinonyevenutsa mwoyo kwazvo kuona pfungwa yokuzvidira yakadaro ichikura mumwoyo yevana vedu!

29 Vechiduku, yeukai kuti “nyika iri kupfuura uye ndizvo zviri kuitawo kuchiva kwayo, asi uyo anoita kuda kwaMwari anoramba aripo nokusingaperi.” (1 Joh. 2:17) Rambai muchitsvaka vavariro dzomudzimu, kusanganisira ropafadzo chaiyo yebasa repaBheteri. Vabereki, tevedzerai muenzaniso yevanhu vakatendeka vekare vakakurudzira vana vavo kukudziridza kuzvipira kuna Mwari. (2 Pet. 3:11) Uye tose zvedu ngatiitei zvatinokwanisa kubatsira hama nehanzvadzi dzedu dzechiduku kuti dzishumire Musiki wedu Mukuru zvakazara sezvadzingakwanisa, sezvo izvi zvi“ne chipikirwa choupenyu huno nehuchauya.”—1 Tim. 4:8; Mup. 12:1.

[Bhokisi riri papeji 4]

Zvinhu Zvinodiwa Kuti Ushande paBheteri

● Wakabhabhatidzwa kwerinopfuura gore rimwe

● Munhu akakura muzivo yaMwari anoda Jehovha nesangano rake zvikuru

● Une utano hwakanaka mumudzimu, mupfungwa, mumanzwiro ako, nomumuviri

● Mugari kana kuti anobvumirwa nomutemo kugara muZimbabwe zvechigarire

● Uchikwanisa kuverenga, kunyora, uye kutaura chiRungu zvakanaka

● Makore 19-35

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe