Chikoro chaMwari Choushumiri Cha2002
1 Vanhu vakawanda vanorerutsa mano okutaura. Zvisinei, kutaura chipo chinobva kuna Jehovha. Kunotibvumira kukurukura nevamwe uye kuratidza pfungwa dzedu nemanzwiro. Zvikurukuru, kutaura kunotigonesa kurumbidza Mwari wedu.—Pis. 22:22; 1 VaK. 1:4-7.
2 Varume, vakadzi, nevana vanorovedzwa kuzivisa zita raMwari muChikoro chaMwari Choushumiri. (Pis. 148:12, 13) Purogiramu yechikoro cha2002 inobata nemisoro yeBhaibheri yakawanda iyo ingatibatsira isu pachedu uye yatingashandisa muushumiri. Nokugadzirira chikoro uye kupawo hurukuro, tinogona kuwedzera zivo yedu nemano edu sevadzidzisi veShoko raMwari.—Pis. 45:1.
3 Verenga Bhaibheri Zuva Nezuva: Kana tichigara tiine Bhaibheri pedyo, tinogona kushandisa nguva ipi neipi yatinayo yatisina zvokuita kuriverenga. Vakawanda vedu tine maminitsi mashomanana pazuva okuzorora ayo atinogona kushandisa munzira iyi. Zvinobatsira zvikuru kuverenga inenge peji imwe chete zuva nezuva, izvo zvakakwana kuti tirambe tichienderana nepurogiramu yokuverenga Bhaibheri iri mupurogiramu yechikoro!—Pis. 1:1-3.
4 Mano okunyatsoverenga Bhaibheri angatibatsira kusvika pamwoyo pevateereri vedu ndokuvakurudzira kurumbidza Jehovha. Hama dzinopa Hurukuro Nhamba 2 muchikoro dzinofanira kudzidzira, kudzidzira, kudzidzira kuverenga hurukuro yacho zvinonzwika. Mutariri wechikoro acharumbidza obva apa mazano okuvandudza kuverenga kwacho.
5 Shandisa Bhuku raKurangarira: Hurukuro Nhamba 3 neNhamba 4 dzinobva mubhuku raKurangarira. Zvimwe vakawanda vedu tingava tichiziva zvikuru kushandisa bhuku iri rinobatsira muushumiri hwomumunda. Hanzvadzi dzacho dzinofanira kusarudza marongero anoshanda mundima yacho. Mutariri wechikoro anofanira kunyanya kuisa pfungwa pamadzidzisiro uye pamashandisiro avanoita Magwaro.
6 Chikoro chaMwari Choushumiri ngachitibatsire tose kuramba tichishandisa chipo chedu chokutaura chatakapiwa naMwari kuti tizivise mashoko akanaka uye kuti tirumbidze Mwari wedu mukuru, Jehovha!—Pis. 34:1; VaEf. 6:19.