Ramba Uchibatsirwa neNharireyomurindi uye Mukai!
Sezvo kutumira magazini okuzvinyoresa eNharireyomurindi neMukai! kwava kuregwa, tichada kuedza kuti isu nevaya vatinoparidzira tisakundikana kuwana kunyange magazini imwe chete zvayo.
Magazini Edu Pachedu: Kana kuzvinyoresa kugamuchira magazini kwako kwaguma, wedzera odha yako yemagazini yaunayo iye zvino kudhipatimendi remagazini. Vabereki vanofanira kuodha magazini akakwana kuitira kuti mumwe nomumwe womumhuri yavo ave nemagazini yake. Kunyora zita rako pamagazini yako kuchaita kuti usaigovera mubasa romumunda usingazivi. Panosvika magazini anenge atumirwa, hama dzinoatarisira dzichaita kuti magazini imwe neimwe iwanikwe pakarepo paImba yoUmambo.
Kugara Uchiendesa Magazini: Vaparidzi vanofanira kuedza kutanga kuendesa magazini kune vanhu vose vanofarira vanoda kuwana magazini imwe neimwe. Kuendesa magazini acho isu pachedu kune vakadaro kuchatipa mikana yokukudziridza kufarira kunoratidzwa tobva tatanga zvidzidzo zveBhaibheri.—Ona Ushumiri Hwedu hwoUmambo hwaOctober 1998, papeji 4.
Vaya Vane Zvikonzero Zvakanaka: Kana munhu achiratidza kufarira kwechokwadi asi achigara kundima isina kugoverwa, tingaita kuti munhu wacho awane magazini nokuzvinyoresa. Kana munhu anogara mundima yeungano asingagoni kuendeserwa magazini asi achifarira zvepachokwadi kuwana magazini, kurukurai nyaya yacho neDare Rebasa Reungano. Kana rikabvuma, kuzvinyoresa kugamuchira magazini kungaitwa kumunhu wacho anofarira. Mafomu agara achishandiswa okuzvinyoresa (M-1 uye M-101) angashandisirwa chinangwa ichocho.
Tinovimba kuti Jehovha acharamba achikomborera kushingaira kwedu kwose kuzivisa Umambo tichishandisa Nharireyomurindi neMukai!