RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 12/02 p. 1
  • Yeuka Vanhu Vakwegura Vakatendeka

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Yeuka Vanhu Vakwegura Vakatendeka
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2002
  • Mashoko Akafanana
  • Jehovha Ane Hanya Zvechokwadi Nevashumiri Vake Vakwegura
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
  • Koshesa Hama Nehanzvadzi Dzedu Dzakura
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2021
  • Zvaungaita Kuti Urambe Uchifara Kunyange Wakwegura
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2025
  • Kushumira Jehovha Mazuva Okutambudzika Asati Auya
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2014
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2002
km 12/02 p. 1

Yeuka Vanhu Vakwegura Vakatendeka

1 Ana aiva nemakore 84 “akanga asingamboshayiki patemberi,” kunyange akanga ari chirikadzi uye akwegura. Kutendeka kwake kwakaita kuti Jehovha amupe chikomborero chinokosha. (Ruka 2:36-38) Mazuva ano, hama nehanzvadzi dzakawanda dzinoita sezvakaitwa naAna pasinei nokuti dzinotarisana nemamiriro ezvinhu akaoma. Vakatendeka vakadaro pavanofanira kurwisana nezvinetso zvoutano kana kuti kusakwanisa kuita zvimwe zvinhu nemhaka yokukwegura, pane dzimwe nguva vangaora mwoyo. Ngatikurukurei dzimwe nzira dzinoshanda dzatingavakurudzira nadzo ndokuvabatsira kuramba vaine muitiro wakanaka mune zvokunamata.

2 Misangano uye Ushumiri: Vamwe pavanoronga norudo kupa chokufambisa, vanhu vakawanda vakwegura vakatendeka vanogona kupinda misangano yechiKristu nguva dzose zviri nyore. Izvi zvinokurudzira vashumiri venguva yakareba ava vakatendeka mune zvokunamata uye zvinobatsirawo ungano. Wakamboitawo basa rakaisvonaka iri here?—VaH. 13:16.

3 Kuita ushumiri nguva dzose kunounzira vaKristu vechokwadi mufaro nokugutsikana. Asi kuita kudaro kunogona kuva chinetso kune vakwegura nendonda. Zvinobvira kuti mumwe wevadiwa ava agone kuenda newe so‘mushandi pamwe newe’ mune rimwe basa rokupupura here? (VaR. 16:3, 9, 21) Zvichida unogona kumukoka kuti mupupurire mose norunhare kana kuti muende kudzokerero kana kuchidzidzo cheBhaibheri. Kana akwegura wacho asingakwanisi kubva pamba, zvingaita here kuti mudzidzi weBhaibheri auye kumba kwake kuzodzidza?

4 Kudzidza uye Kutandara: Nguva nenguva, vamwe vanokoka munhu akwegura kana ndonda kuti ave pachidzidzo chavo chemhuri, kunyange kuita chidzidzo chacho mumusha make. Vamwe amai vakaenda nevana vavo vaduku vaviri kumba kweimwe hanzvadzi yakwegura kunoita chidzidzo chavo muBhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri, uye vose vakakurudzirwa nokuva pamwe kwacho. Vanhu vakadaro vanonakidzwawo nokukokwa kuzodya kana imwe nguva yenhandaro. Kana ndonda dzisingakwanisi kushanya ndokugara kwenguva yakareba, zvichida unogona kudziridzira runhare kana kudzishanyira kwenguva pfupi kuti udziverengere, unyengetere nadzo, kana kudziudza zvakaitika zvinokurudzira.—VaR. 1:11, 12.

5 Jehovha anokoshesa vanhu vakwegura vakatendeka. (VaH. 6:10, 11) Tinogona kumutevedzera nokuratidza kuvaonga kwatinoita uye nokuvabatsira kuramba vaine muitiro wakanaka mune zvokunamata.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe