Kurarama Maererano Nokuzvitsaurira Kwedu
1 Kunyange wakabhabhatidzwa munguva pfupi yapfuura kana makumi emakore akapfuura, zvimwe unoyeuka chiitiko ichocho chinokosha muupenyu hwako. Kubhabhatidzwa kwedu hausiwo mugumo, asi, ndiwo mavambo oupenyu hwebasa rokuzvitsaurira rinogona kugara nokusingaperi. (1 Joh. 2:17) Chii chinobatanidzwa nokurarama maererano nokuzvitsaurira kwedu?
2 Tevera Muenzaniso waKristu: Abhabhatidzwa, Jesu “akatanga basa rake,” achizivisa “mashoko akanaka oumambo hwaMwari.” (Ruka 3:23; 4:43) Saizvozvowo, taratidza kuzvitsaurira kwedu kuna Jehovha nokubhabhatidzwa, takava vashumiri vakagadzwa vemashoko akanaka. Kunyange zvingada nguva yakawanda uye kushanda zvakaoma kuti tiwane zvinhu zvokunyama zvinodiwa muupenyu, basa redu guru nderoushumiri hwechiKristu. (Mat. 6:33) Pane kuvavarira kuwana pfuma kana mukurumbira, vaya vakazvitsaurira kuna Mwari vanotsvaka ‘kupa mbiri kuushumiri hwavo,’ sezvakaita muapostora Pauro. (VaR. 11:13) Unokoshesa ropafadzo yako yokushumira Jehovha ndokuishandisa zvakanakisisa here?
3 Sezvakaitwa naJesu, tinofanira ‘kudzivisa Dhiyabhorosi.’ (Jak. 4:7) Satani akaedza Jesu Achangobva kubhabhatidzwa, uye mazuva ano anonangawo vashumiri vaJehovha vakazvitsaurira. (Ruka 4:1-13) Nokuti takakomberedzwa nenyika yaSatani, tinofanira kuzvidzora, tichirega chinhu chiri chose chingagona kusvibisa pfungwa dzedu kana kuodza mwoyo yedu. (Zvir. 4:23; Mat. 5:29, 30) VaKristu vanopiwa zano rokuti ‘havagoni kudyira patafura yaJehovha nepatafura yemadhimoni.’ (1 VaK. 10:21) Izvi zvinoda kuti tingwarire varaidzo dzisina kunaka, ushamwari hwakaipa, uye ngozi dzeIndaneti. Zvinodawo kuti tisiyane nemabhuku evakaramba kutenda. Kuva vakangwarira kune izvi uye kune dzimwe nzira dzaSatani dzemanomano kuchatibatsira kurarama maererano nokuzvitsaurira kwedu.
4 Shandisa Zvinogoverwa naMwari: Kuti atibatsire kurarama maererano nokuzvitsaurira kwedu, Jehovha akapa rubatsiro kuburikidza neShoko rake uye ungano yechiKristu. Ita kuti kuverenga Bhaibheri uye kunyengetera zvive muitiro wako wezuva nezuva. (Josh. 1:8; 1 VaT. 5:17) Farira misangano yechiKristu. (Pis. 122:1) Shamwaridzana nevaya vanotya Jehovha uye vanochengeta mirayiro yake.—Pis. 119:63.
5 Uchitsigirwa naMwari, unogona kurarama maererano nokuzvitsaurira kwako kuna Jehovha ndokuwana mufaro wokumushumira nokusingaperi.—Pis. 22:26, 27; VaF. 4:13.