Bhokisi Remibvunzo
◼ Ndirini pazvakakodzera kuumba boka romutauro wokumwe?
Kana ndima yeungano iine vanhu vakawanda vanotaura mutauro wokumwe, vakuru vanofanira kuita zvavanogona kuronga basa rokuparidza mumutauro iwoyo. (km-CA 7/02 peji 1; km-CA 2/98 map. 3-4) Zvinogona kuitika kuti vanhu vanotaura mutauro wokumwe vakapararira zvikuru mundima dzeungano mbiri kana dzakawanda dziri pedyo. Kana zvakadaro, vatariri vematunhu vachapa nhungamiro inodiwa, nokudaro vachibatsira ungano dzacho dzinobatanidzwa kushandira pamwe mubasa rokuparidza. Apo neapo, hurukuro yavose kana Chidzidzo cheNharireyomurindi zvingarongwa kuti vaone kuti vangani vanouya kumisangano yacho mumutauro wokumwe.
Boka romutauro wokumwe ringaumbwa kana zvinotevera zviripo: (1) Pane vaparidzi kana vanofarira vanonzwisisa zvakanakisisa mashoko akanaka mumutauro wokumwe. (2) Mukuru anokwanisa kana mushumiri anoshumira aripo kuti atungamirire uye aitise unenge musangano mumwe wevhiki nevhiki. (3) Dare revakuru rinoda kutsigira boka racho. Kana izvi zvirizvo, vakuru vanofanira kuzivisa hofisi yebazi kuitira kuti boka racho rizivikanwe zviri pamutemo uye mimwe mirayiridzo inogona kupiwa.
Mapoka akawanda anotanga nokuita Chidzidzo Chebhuku Cheungano vhiki imwe neimwe. Gare gare, vakuru vangabvuma kuti mimwe misangano iwedzerwe, yakadai soMusangano Wavose neChidzidzo cheNharireyomurindi. Hurukuro Nha. 2, 3, ne4 dzeChikoro chaMwari Choushumiri dzingaitirwa mune imwe kirasi kana mukuru akakodzera kana mushumiri anoshumira anokwanisa kutaura mutauro wacho achigona kushanda somupi wezano. Zvisinei, boka racho richava pamwe chete neungano pahurukuro younyanzvi hwokutaura, hurukuro yokurayira, pfungwa huru dzeBhaibheri, uye paMusangano Webasa. Misangano yebasa romumunda ingarongwawo nokuda kweboka racho.
Vose vari muboka racho vanoshandira pamwe vachitarisirwa nedare revakuru. Vakuru vanofanira kupa nhungamiro yakanaka uye voratidza kuti vanofarira kutarisira zvinodiwa neboka racho. Mutariri wedunhu paanoshanyira ungano inotsigira, acharongawo kushanda neboka racho kuti arikurudzire mune zvokunamata. Nechikomborero chaJehovha, nokufamba kwenguva boka romutauro wokumwe ringava ungano.