Dzidzisa Vamwe Mutauro Wakachena
1 Pasinei nokubva ‘kumarudzi akawanda, madzinza, vanhu nendimi,’ Zvapupu zvaJehovha vanhu vakabatana, vane ukama hwechokwadi hwemarudzi akawanda. (Zvak. 7:9) Munyika yanhasi isina kubatana, izvozvo zvinoshamisa. Zvinobvira sei? Nokuti takapiwa ‘mutauro wakachena.’—Zef. 3:9.
2 Migumisiro Yakaisvonaka: Mutauro wakachena uyu chii? Kunzwisisa kwakarurama chokwadi chinowanikwa muShoko raMwari maererano naJehovha nezvinangwa zvake, zvikurukuru chokwadi pamusoro poUmambo hwaMwari. Sezvakafanotaurwa naJesu, chokwadi ichi chiri kuparadzirwa pachishandiswa nzira yepasi inooneka, “muranda akatendeka, akangwara,” zvichiguma nokuti vanhu “pandimi dzose dzendudzi dzavanhu” vari kugamuchira kunamata kwechokwadi.—Mat. 24:45; Zek. 8:23.
3 Vanhu pavanodzidza mutauro wakachena, vanokurudzirwa kuchinjira upenyu hwavo kune zvinodiwa naJehovha. Vanodzidza kuva ‘vakanyatsobatanidzwa mupfungwa imwe nomunzira imwe yokufunga.’ (1 VaK. 1:10) Kudzidzisa kwaMwari kunoberekawo mavari mufambiro wakarurama uye kutaura kwakanaka, kwechokwadi, zvikurukuru pakuudza vamwe mashoko akanaka. (Tito 2:7, 8; VaH. 13:15) Kuchinja kwakaisvonaka uku kunokudza Jehovha.
4 Somuenzaniso, mumwe murume akaudzwa mashoko akanaka akanga aine mibvunzo yakawanda, yose yakapindurwa neBhaibheri. Akurudzirwa nezvaakanzwa, akatanga kudzidza kaviri pavhiki uye kupinda misangano. Akashamiswa nokugamuchirwa noushamwari kwaakaitwa paImba yoUmambo, sezvo vakawanda vaivapo vaiva vorumwe rudzi. Pasina nguva huru, iye nomudzimai wake vakachinja upenyu hwavo ndokubhabhatidzwa. Kubvira ipapo abatsira vamwe vanhu 40 kushumira Jehovha, kusanganisira nhengo dzakawanda dzemhuri yake. Pasinei nokuti chirema, munguva pfupi yapfuura akatanga kushanda sapiyona.
5 Kudzidzisa Vamwe: Zvinoitika munyika zviri kukonzera kuti vanhu vakawanda vakatendeseka vaongororezve kufunga kwavo uye upenyu hwavo. SaJesu, tinofanira kuda kuvabatsira. Kudzokerazve uye zvidzidzo zveBhaibheri zvinobudirira ndizvo zvinokosha kuti tibatsire vane mwoyo yakatendeseka kudzidza mutauro wakachena.
6 Kusvika kwave kuchiratidza kubudirira kune vanhu vakabatikana ndekwokuitisa chidzidzo cheBhaibheri kwenguva pfupi paunoshanya kokutanga. (km-CA 5/02 peji 1) Wakambozviedza here? Paunenge uchigadzirira kudzokera, sarudza muwedzero yoUshumiri Hwedu hwoUmambo hwaJanuary 2002 mharidzo inokodzera saimba wacho. Mharidzo dzakawanda dziri muwedzero iyi dzakagadzirirwa kuti mupinde zvakananga mukukurukurirana bhurocha raAnodei kana bhuku raZivo. Dzidzira mharidzo yacho kuti ugone kupfuurira zvakanaka kubva pasumo kupinda pakukurukurirana imwe yendima dzacho. Sarudza rugwaro rumwe kana maviri ari mundima yacho okuti uverenge ndokukurukura, uye gadzirira mubvunzo wokugumisa nawo. Izvozvo zvichabatsira kupinda mundima yawaronga kukurukura pauchashanya munguva inotevera.
7 Vanhu vaJehovha vari kuwana zvikomborero zvakawanda nemhaka yokudzidza mutauro wakachena. Ngatibatsirei vamwe nokushingaira kuti vabatane nesu ‘mukudana zita raJehovha’ uye ‘mukumushumira nomwoyo mumwe.’—Zef. 3:9.