RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 4/03 p. 1
  • ‘Kuwanire Nzvimbo’

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • ‘Kuwanire Nzvimbo’
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2003
  • Mashoko Akafanana
  • Nyatsoshandisa Nguva Yaunenge Usina Kuroora Kana Kuroorwa
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2011
  • Kusaroora—Nzira Inotusa Youpenyu
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1987
  • Kusaroora—Suo Kumubato Usina Kutsauswa
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1996
  • Kugutsikana Nebasa raJehovha Usina Kuroora Kana Kuroorwa
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—2005
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2003
km 4/03 p. 1

‘Kuwanire Nzvimbo’

1 Pane imwe nguva paaitaura nevadzidzi vake nezvokuroora, Jesu akataura nezvokusaroora se‘chipo.’ Ipapo akati: “Regai anogona kuzviwanira nzvimbo azviwanire nzvimbo.” (Mat. 19:10-12) Makore gare gare, muapostora Pauro akanyora nezvezvakanakira kusaroora uye akakurudzira vamwe kutevera muenzaniso wake wokuramba asina kuroora. (1 VaK. 7:7, 38) Mazuva ano vakawanda ‘vakawanira nzvimbo’ kusaroora uye vari kubatsirwa nako. Ndezvipi zvimwe zvinobatsira nokuita kudaro?

2 Kushumira “Pasina Kudzongonyedzwa”: Pauro akanzwisisa kuti kusaroora kwakamupa mukana wokushumira Jehovha “pasina kudzongonyedzwa.” Saizvozvowo mazuva ano, hama isina kuroora ingasvasvavirira kupinda Chikoro Chokudzidzisa Vashumiri, uye munhu asina kuroora kazhinji akasununguka zvikuru kuita basa roupiyona, kudzidza mumwe mutauro, kutamira kunodiwa vamwe vaparidzi, kushanda paBheteri, kana kuita imwe ropafadzo chaiyo yebasa. Angava nenguva yakawanda uye mikana yokudzidza zvakadzama ari oga nokufungisisa uye yokutaura naJehovha mumunyengetero womwoyo wose. Munhu asina kuroora anowanzova nenguva yakawanda yokubatsira vamwe. Basa rose iroro nderokuti ‘ubatsirwe.’—1 VaK. 7:32-35; Mab. 20:35.

3 Basa risina chinodzongonyedza iroro rinoitirwa Mwari rinounza mibayiro mikuru. Pashure pokupedza makore 27 iri muKenya, imwe hanzvadzi isina kuroorwa yakanyora kuti: “Kwaiva neshamwari dzakawanda kwazvo uye basa rakazowanda! Taiita zvinhu pamwe [uye] taishanyirana. . . . Ndaikwanisa kushandisa rusununguko rwakawedzerwa uye kusarudza kwokuenda panguva chero ipi zvinogona kuitwa nomunhu asina kuroora kuti arambe akabatikana muushumiri, uye izvi zvakandiunzira mufaro mukuru.” Anotizve: “Makore ose aya ukama hwangu naJehovha hwave huchikura.”

4 Kukuwanira Nzvimbo: Jesu akati chinangwa chokukudziridza chipo chokusaroora chinofanira kuva “nemhaka youmambo hwokumatenga.” (Mat. 19:12) Kungofanana nezvimwe zvipo, kusaroora kunofanira kushandiswa zvakanaka kuti kuunze mufaro uye mibayiro. Nokushandisa mikana inounzwa nokusaroora uye nokuvimba naJehovha nokuda kwouchenjeri nesimba, vanhu vakawanda vasina kuroora vakasvika pakunzwisisa kukosha kwokuwanira nzvimbo chipo chacho.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe