Tevedzera Kunaka kwaJehovha
1 Pashure pokuona kuvira kwezuva kwakanaka zvikuru kana kuti tadya zvinonaka, hatikurudzirwi kuonga Jehovha, Tsime rokunaka kwose here? Kunaka kwake kunoita kuti tide kumutevedzera. (Pis. 119:66, 68; VaEf. 5:1) Tingaratidza sei kunaka?
2 Kune Vasingatendi: Imwe nzira yatingatevedzera nayo kunaka kwaJehovha iri kuburikidza nokuratidza kuva nehanya kwechokwadi nevaya vasina ukama nesu mukutenda. (VaG. 6:10) Kuratidza kunaka munzira dzinoshanda kungava nomugumisiro wakanaka pamaonero avanoita Zvapupu zvaJehovha uye shoko ratinaro.
3 Somuenzaniso, payakanga yakamira mumutsetse wepakiriniki, imwe hama yechiduku iri piyona yakagara pedyo nevamwe ambuya vaiita sevairwara kudarika vamwe vazhinji vaivapo. Apo chijana chayo chakasvika chokuona chiremba, hama iya yakabvumira ambuya vaya kupinda panzvimbo yayo. Gare gare yakazosanganazve navo, panguva ino mumusika, uye vakafara zvikuru kuiona. Kunyange nguva yakapfuura vakanga vasingadi kuteerera mashoko akanaka, vakati iye zvino vakanga vava kuziva kuti Zvapupu zvaJehovha zvinoda vavakidzani vazvo zvechokwadi. Vakatanga kudzidziswa Bhaibheri nguva dzose.
4 Kuhama Dzedu: Tinotevedzerawo kunaka kwaJehovha patinobatsira vatinonamata navo. Munguva dzenjodzi, tiri pakati pevanotanga kuuya kuzoyamura hama dzedu. Tinoitawo izvozvo patinobatsira vaya vanoda chokufambisa kuenda kumisangano, patinoshanyira ndonda, uye patinowedzera kuda vaya vatisinganyatsozivi zvakanaka muungano.—2 VaK. 6:11-13; VaH. 13:16.
5 Imwe nzira iyo Jehovha anoratidza nayo kunaka ndeyokuva kwake “anofarira kukanganwira.” (Pis. 86:5) Mukumutevedzera, tinogona kuratidza kuda kwedu kunaka nokukanganwira vamwe. (VaEf. 4:32) Izvi zvinobatsira kuita kuti kushamwaridzana kwedu nevatinonamata navo kuve ‘kwakanaka uye kunofadza.’—Pis. 133:1-3.
6 Kunaka kukuru kwaJehovha ngakutiite kuti tifarire kumurumbidza uye kuti tipenye nomufaro. Uye ngakutikurudzire kuedza kutevedzera kunaka kwake mune zvose zvatinoita.—Pis. 145:7; Jer. 31:12.