Kupinda Misangano Nguva Dzose—Chinhu Chokutanga
1 Kupinda misangano yeungano nguva dzose ndicho chinhu chokutanga kumhuri dzechiKristu. Asi zvinodiwa muupenyu nhasi zvingapa chinetso. Basa romumba, rokunyika, kana kuti rokuchikoro rava kutanga kutora nguva yakatsaurirwa kunamata Jehovha here? Kuona zvinhu semaonerwo azvinoitwa naJehovha kuchatibatsira kusiya zvokutanga zviri pakutanga.—1 Sam. 24:6; 26:11.
2 Nokuunganidza huni paSabata, mumwe murume wechiIsraeri akakundikana nemaune kufunga maonero aJehovha. Angave akafunga kuti akanga achitarisira mhuri yake kana kuti chaingova chinhu chiduku. Zvisinei, Jehovha akaratidza nomutongo waakapa kuti kuita mabasawo zvawo panguva yakasarudzwa kunamata inhau yakakomba.—Num. 15:32-36.
3 Kukurira Chinetso Chacho: Kune vakawanda ihondo chaiyo kuita kuti basa rokunyika risavhiringidza kupinda misangano. Vamwe vakakurira chinetso ichi nokutaurira munhu wavanoshandira, kuchinjana mashifiti nevavanoshanda navo, kutsvaka rimwe basa rakakodzera, kana kuti kurerutsa mararamiro avo. Zvechokwadi, kuzvibayira kwakadaro nokuda kwokunamata kwechokwadi kunofadza Mwari zvikuru.—VaH. 13:16.
4 Basa rechikoro rinogonawo kupa chinetso. “Ndinoita rimwe basa rangu rechikoro ndisati ndaenda kumisangano uye rinenge rasara racho pandinenge ndadzoka kumba,” yakadaro imwe pwere. Apo basa rose rinonzi riitirwe kumba pamisi yemisangano risingagoni kupedzwa, vamwe vabereki vakatsanangurira vadzidzisi kuti kupinda misangano yechiKristu chinhu chokutanga kumhuri yavo.
5 Kushandira pamwe uye kuronga zvakanaka ndizvo zvinokosha pakuita mabasa omumba pakugadzirira kupinda misangano nenguva semhuri. (Zvir. 20:18) Kunyange vana vaduku vanogona kudzidziswa kupfeka vova vakagadzirira kuenda kumusangano panguva yakarongwa. Nomuenzaniso wavo, vabereki vanogona kuita kuti vana vavo vazive kukosha kwemisangano.—Zvir. 20:7.
6 Sezvo zvinetso zvenyika ino zvinowedzera, zvinokosha kuti tipinde misangano yeungano nguva dzose. Ngatirambei tichiona zvinhu semaonerwo azvinoitwa naJehovha toita kuti kupinda misangano nguva dzose kuve chinhu chokutanga.—VaH. 10:24, 25.