Vatasvi Vemabhiza Vane Chokuita Newe
1, 2. Vashumiri vaMwari nhasi vanobatanidzwa sei mukuzadzika kwezvakaratidzwa muuprofita zviri pana Zvakazarurwa 9:13-19?
1 “Ngirozi yechitanhatu yakaridza hwamanda yayo.” Zvadaro, “mauto anotasva mabhiza” anosvika “makumi ezviuru emakumi ezviuru maviri” anobuda nokutinhira kukuru. Iyi haisi hondowo zvayo. “Misoro yemabhiza . . . yakaita semisoro yeshumba.” Moto, utsi, nesarufa zvinobuda mumiromo yawo, uye “miswe yawo yakafanana nenyoka.” Ava vatasvi vemabhiza vokufananidzira vanosiya vaparadza mavanopfuura namo. (Zvak. 9:13-19) Unoziva here kuti unobatanidzwa sei mukuzadzika kweizvi zvakaratidzwa muuprofita zvinoshamisa?
2 Vasara vakazodzwa neshamwari dzavo, mamwe makwai, vanozivisa kutonga kwaMwari vakabatana. Izvi zvinoguma nokufumurwa zvachose kwemamiriro ezvinhu okufa mumudzimu kwechiKristudhomu. Ngationgororei zvinhu zviviri zvakaratidzwa muuprofita hwacho zvinosimbisa kuti nei ushumiri hwevashumiri vaMwari huchibudirira kwazvo.
3. Chii chawakadzidziswa kuti utaure shoko raMwari zvinobudirira?
3 Vakadzidziswa uye Vakashongedzerwa Kuzivisa Shoko raMwari: NeChikoro chaMwari Choushumiri uye mimwe misangano yeungano, vashumiri vaMwari vakadzidziswa kutaura shoko raMwari nechiremera. Vachitevedzera Jesu nevadzidzi vake, vanoenda kunotsvaka vaya vakakodzera, vachiparidza kwose kunogona kuwanikwa vanhu. (Mat. 10:11; Mako 1:16; Ruka 4:15; Mab. 20:18-20) Nzira iyi yeBhaibheri yokuparidza yave ichibudirira kwazvo!
4. Vaparidzi vakawanda vane chii chinovabatsira kuita basa ravo?
4 Mabhiriyoni emaBhaibheri, mabhuku, mabhurocha, uye magazini zvakaparadzirwa nevashumiri vechiKristu pakuita basa raMwari rokuparidza. Mabhuku aya ave achigoverwa mumitauro inenge 400, anotaura nezvenyaya dzakawanda dzakasiyana-siyana uye anoshandisa nzira dzinofadza vanhu vemarudzi akasiyana-siyana. Uri kushandisa zvinobudirira mabhuku aya here?
5, 6. Chii chinoratidza kuti vanhu vaJehovha vane tsigiro inobva kudenga?
5 Nhungamiro Netsigiro Zvinobva Kudenga: Zvakaratidzwa zvouprofita zvinojekesawo kuti basa rinofananidzirwa nevatasvi vemabhiza rinotsigirwa naMwari. (Zvak. 9:13-15) Basa rokuparidzira munyika yose hariitwi nesimba kana kuti nouchenjeri hwevanhu, asi nomudzimu waMwari. (Zek. 4:6) Jehovha ari kushandisa ngirozi dzake kutungamirira basa irori. (Zvak. 14:6) Saka, pamwe chete nokuedza kweZvapupu zvake, Jehovha anopa tsigiro inobva kudenga kuti azvikwevere vanyoro.—Joh. 6:45, 65.
6 Vanhu vaJehovha vakadzidziswa vane zvokushandisa kuti vazivise shoko raMwari, uye vachishanda vachitungamirirwa nengirozi, iuto risingadzivisiki. Ngatirambei tichiita basa redu mukuzadzika kwezvakaratidzwa izvi zvinonakidza zvouprofita.