Tevedzerai Mafungire Aiva naJesu
1. Jesu akaratidza mafungire api?
1 Kunyange zvazvo tisina kumboona Mwanakomana waMwari, takasvika pakunyatsoda Jesu, kuburikidza nenhoroondo yakanyorwa youpenyu uye ushumiri hwake. (1 Pet. 1:8) Achiteerera kuda kwaBaba vake, akasiya nzvimbo yake yokudenga inokudzwa ndokuuya pasi pano. Somunhu, akashumira vamwe zvisina udyire achibva azopa upenyu hwake nokuda kwevanhu. (Mat. 20:28) Shoko raMwari rinotikurudzira richiti: “Ivai nemafungire aya aivawo muna Kristu Jesu.” Tingatevedzera sei kuzvipira kwake?—VaF. 2:5-8.
2. VaKristu vakawanda vanotarisana nomuedzo upi, uye chii chingavabatsira kuukurira?
2 Paunenge Wakaneta: Kunyange zvazvo Jesu akanga akakwana, ainetawo. Pane imwe nguva, paakanga “aneta norwendo,” akanyatsoparidzira mumwe mukadzi weSamariya. (Joh. 4:6) Nhasi vaKristu vakawanda vanotarisana nomuedzo wakafanana naiwoyo. Pashure pokushanda vhiki yose uye taneta, zvingava zvakaoma kuwana simba rokuita basa rokuparidza. Zvisinei, kana tikagara tichidaro, tichaona kuti ushumiri hwechiKristu hunotizorodza mune zvokunamata.—Joh. 4:32-34.
3. Tingatevedzera sei kuda kudzidzisa kwaiita Jesu?
3 Pane imwe nguva, Jesu nevadzidzi vake vakaenda kunzvimbo yakanga isina vanhu kuti vambonoti zororei. Zvisinei, vanhu vazhinji-zhinji vakazviziva vachibva vamhanyira mberi kunosangana navo. Pane kuti ashatirwe, Jesu “akasiririswa navo” achibva atanga ku“vadzidzisa zvinhu zvakawanda.” (Mako 6:30-34) Kutanga uye kuitisa zvidzidzo zveBhaibheri kunoda mafungire akafanana naiwayo. Zvinoda kuti tirambe tichiedza uye tide vanhu zvepachokwadi. Kana usiri kuitisa chidzidzo cheBhaibheri panguva ino, usanete kuramba uchitsvaka.
4. Kuita upiyona hwebetsero kungatibatsira sei kutevedzera mafungire aiva naKristu?
4 Isa Zvinhu Zvokunamata Pakutanga: Kuita upiyona hwebetsero kungatibatsira kufungisisa zvinhu zvine chokuita nokunamata. Imwe hanzvadzi yechiduku yakanyora kuti: “Amai veimwe yeshamwari dzangu vakatikurudzira kuti ini naye tiite upiyona hwebetsero navo kwomwedzi mumwe. Ndinofara kwazvo kuti takapayona navo. Ndakafara kusvika pakuziva hama nehanzvadzi zviri nani, uye pasina nguva vakanga vava kuita senhengo dzemhuri yedu. Ndakafarawo nokuva nomukana wakawedzerwa wokutaura nevamwe nezvaJehovha uye wokuvadzidzisa chokwadi choUmambo chakaisvonaka. Zvose izvi zvakaita kuti ndinzwe ndiri pedyo naJehovha nesangano rake.”—Pis. 34:8.
5. Nei tichifanira kuramba tichiedza kutevedzera mafungire aiva naJesu?
5 Tose zvedu tinorwisana nenyama yedu isina kukwana uye nechido chedu chokufadza Jehovha. (VaR. 7:21-23) Tinofanira kudzivisa pfungwa yenyika yokusada kushanda nesimba. (Mat. 16:22, 23) Jehovha anogona kutibatsira kubudirira mune izvi achishandisa mudzimu wake mutsvene. (VaG. 5:16, 17) Sezvatinomirira kununurwa kwedu kuti tipinde munyika itsva yaMwari yokururama, ngatitevedzerei mafungire aiva naJesu nokuisa zvinhu zvoUmambo uye zvinhu zvinodiwa nevamwe pamberi pezvedu.—Mat. 6:33; VaR. 15:1-3.