RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 5/04 p. 4
  • “Wedzerai”

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • “Wedzerai”
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2004
  • Mashoko Akafanana
  • Kuramba Tiri Shamwari Munyika Isina Rudo
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
  • Ungawedzera Rudo Rwako Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2007
  • Unogona Kufarikanya Ushamwari Hunopfuurira
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1996
  • Sarudza Shamwari Nekuchenjera
    Rarama Nekusingaperi Uchifara!—Kosi yeBhaibheri
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2004
km 5/04 p. 4

“Wedzerai”

1. Mumwe nomumwe wedu ane mutoro wei?

1 Muukama hwechiKristu, mumwe nomumwe ane mutoro wokubatsira kuti ungano ive noushamwari. (1 Pet. 1:22; 2:17) Ushamwari hwakadaro hunotanga patino“wedzera” kudanana zvikuru. (2 VaK. 6:12, 13) Nei zvichikosha kuti tisvike pakuziva zviri nani hama nehanzvadzi dzedu?

2. Nei zvichikosha kuti tikudziridze ushamwari nevatinonamata navo?

2 Ushamwari Hunowedzera Kusimba: Patinozivana zviri nani nevatinonamata navo, tinosvika pakukoshesa zvizere kutenda kwavo, kutsungirira, nohumwewo unhu hwakanaka. Zvikanganiso zvavo zvinoita sezviduku kwatiri, uye zvisungo zvoushamwari zvinowedzera. Kana tikanyatsozivana, zvinotiitira nyore kukurudzirana nokunyaradzana. (1 VaT. 5:11) Tinogona kuva “yamuro inosimbisa” kune mumwe nomumwe kuti tidzivise kufurira kwakaipa kwenyika yaSatani. (VaK. 4:11) Tichifunga nezvemazuva aya okupedzisira akaoma, tinofara chaizvo kuva neshamwari dzakanaka pakati pevanhu vaJehovha!—Zvir. 18:24.

3. Tingava sei yamuro inosimbisa kune vamwe?

3 Shamwari dzepedyo dzingatisimbisa nokutinyaradza zvikuru patinotarisana nemiedzo yakaoma. (Zvir. 17:17) Mumwe muKristu aitambura nokunzwa seasingakoshi anoyeuka kuti: “Paiva neshamwari dzaitaura zvinhu zvinokurudzira pamusoro pangu kuti dzindibatsire kukurira pfungwa dzakaipa dzandaiva nadzo.” Shamwari dzakadaro chikomborero chinobva kuna Jehovha.—Zvir. 27:9.

4. Tingasvika sei pakuziva zviri nani vamwe vari muungano?

4 Farira Vamwe: Tingawedzera sei kuda vatinonamata navo? Wakwazisa vamwe pamisangano yechiKristu, edzawo kukurukura navo zvinhu zvinovaka. Vafarire asi usingapindiri munhau dzavo. (VaF. 2:4; 1 Pet. 4:15) Imwe nzira yokufarira nayo vamwe ndeyokuvakoka kuzodya navo. (Ruka 14:12-14) Kana kuti ungaronga kuti ushande navo muushumiri hwomumunda. (Ruka 10:1) Sezvatinotanga kuda kuziva hama dzedu zviri nani, tinokurudzira ungano kuti ibatane.—VaK. 3:14.

5. Ndeipi imwe nzira yokuwedzera nayo shamwari dzedu?

5 Tinowanzoda kungosarudza shamwari dzedu dzepedyo pane vaya vezera redu kana kuti vaya vanofarira zvatinofarirawo here? Hatifaniri kuita kuti zvinhu zvakadaro zviite kuti tive neshamwari shoma muungano. Dhavhidhi naJonatani uyewo Rute naNaome vakava nezvisungo zvoushamwari zvakasimba pasinei nokuti vaiva vakasiyana muzera uye vaine mamiriro ezvinhu akasiyana. (Rute 4:15; 1 Sam. 18:1) Ungawedzera shamwari dzako here? Kuita izvozvo kungaunza zvikomborero zvisingatarisirwi.

6. Ndezvipi zvimwe zvinobatsira kana tikawedzera kuda hama dzedu zvikuru?

6 Patinowedzera kuda kwatinoita vamwe, tinosimbisana tosimudzira rugare muungano. Uyezve, Jehovha pachake anotikomborera nokuda kworudo rwatinoratidza hama dzedu. (Pis. 41:1, 2; VaH. 6:10) Wadii kuvavarira kuti uzivane zviri nani nevakawanda sevaungagona?

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe