Chikamu 1—Kudzidzisa Vanhu Bhaibheri Zvinofambira Mberi
Chidzidzo cheBhaibheri Chii?
1 Pasi pose, zvidzidzo zveBhaibheri zvinenge mamiriyoni matanhatu zviri kuitiswa nevanhu vaMwari mwedzi mumwe nomumwe. Nokushandisa nzira dzokudzidzisa dzakanaka, tinogona kubatsira vadzidzi veBhaibheri ava kufambira mberi kusvika pakuzvitsaurira ndokubhabhatidzwa uye kuva “vanonyatsokwanisa kudzidzisa vamwe.” (2 Tim. 2:2) Ungada kubatsira waunodzidza naye kuti afambire mberi kudaro here? Kutanga noUshumiri Hwedu hwoUmambo huno, pane nyaya dzinotevedzana dzichatsanangura zvinhu zvinokosha pakudzidzisa vanhu Bhaibheri zvinofambira mberi.
2 Nguva Yokushuma Chidzidzo cheBhaibheri: Kana uchigara uchikurukura Bhaibheri nevanhu nenzira yakarongwa, kunyange kwenguva shomanana, uchishandisa Bhaibheri pamwe chete nemabhuku akanzi ashandiswe, uri kuitisa chidzidzo cheBhaibheri. Izvi ndezvechokwadi kunyange kana muchidzidzira pamba kana kuti norunhare. Chidzidzo chacho chingashumwa kana chaitiswa kaviri pashure pokunge waratidza madzidziro acho uye kana zvaratidzika kuti muchafambira mberi.
3 Bhurocha raAnodei nebhuku raZivo ndiwo mabhuku anoshandiswa pakuitisa zvidzidzo zveBhaibheri zvakawanda. Kana apera, kana paine uchapupu hwokuti munhu wacho ari kufambira mberi, kunyange zvishoma nezvishoma, uye kuti ari kuonga zvaari kudzidza, zvadaro mungaenderera mberi mubhuku raNamata Mwari. Bhurocha raUnogona Kuva Shamwari yaMwari! ringashandiswa kudzidza nevanhu vasina kunyanya kudzidza kana kuti vasingagoni kunyatsoverenga.
4 Basa rokudzidzisa Bhaibheri rave richibudirira mukubatsira mamiriyoni evanhu kuva vadzidzi vaJesu Kristu vechokwadi. (Mat. 28:19, 20) Nokushandisa mazano achapiwa munyaya dziri kuuya dzinotevedzana idzi, unogona kudzidza Bhaibheri nomunhu zvinofambira mberi.