Kokorodzano Yoruwa Inotikurudzira Kufamba naMwari
Kokorodzano Yoruwa yaiti “Famba naMwari” yakadzokorora zvinotaurwa naJehovha zvakajeka zvokuti: “Heyi nzira, fambai nayo”! (Isa. 30:21) Kushandisa murayiridzo watakagamuchira kuchatibatsira kuti ‘tirambe tichinyatsongwarira kufamba kwedu.’ (VaEf. 5:15) Kufungisisa zvatakadzidza kuchatibatsira sezvatino“pfuurira kufamba muchokwadi.”—3 Joh. 3.
Shandisa mibvunzo inotevera pamwe chete nezvawakanyora kuti ugadzirire kudzokorora purogiramu yekokorodzano yegore rino ugozopindurawo. Kudzokorora uku kuchaitwa paMusangano Webasa wevhiki yaOctober 18.
1. Enoki akakwanisa sei kufamba naMwari pasinei nokuti akararama munguva dzinonetsa? (VaH. 11:1, 5, 6; Jud. 14, 15; “Famba naMwari Munguva Dzinonetsa”)
2. Zvinotaurwa pana Ruka 16:10 zvingashandiswa muzvinhu zvipi zvoupenyu? (“Wakatendeka Here ‘Pazvinhu Zvidukuduku’?”)
3. (a) Taura zvidzidzo zvina zvinoshanda zvichatibatsira kufamba naMwari zvinowanikwa muzvitsauko 6 kusvika ku9 zvaHosea. (Hos. 6:6, 7; 7:14; 8:7) (b) Ndedzipi dzimwe pfungwa dzinowanikwa muzvitsauko 10 kusvika ku14 zvaHosea dzinotibatsira kufamba naMwari? (“Uprofita hwaHosea Hunotibatsira Kufamba naMwari”—Hurukuro Yokusiyirana)
4. Zvinhu zvipi zvinoshanda zvingaitwa nevarume nevadzimai vechiKristu kuti muchato wavo urambe wakasimba? (Zvir. 12:4; VaEf. 5:29; “Musaparadzanisa ‘Zvasungwa Pamwe Pajoko naMwari’”)
5. Tinoratidza sei kuti tinoremekedza kuungana kwedu kutsvene? (Mup. 5:1; Isa. 66:23; “Kuremekedza Kuungana Kwedu Kutsvene”)
6. (a) Zvikamu zvipi zvitatu zvinokosha zvebasa redu rokuparidza zvatinofanira kuongorora kuti tive nechokwadi chokuti tiri kuriita zvakazara? (Isa. 52:7; Zek. 8:23; Mako 6:34) (b) Zvikamu zvipi zvekabhuku kaMashoko Akanaka Evanhu Vemarudzi Ose zvaunoona sezvinonyanya kubatsira? (“Mashoko Akanaka Evanhu Vemarudzi Ose”; “Kubatsira Vaya Vanotaura Mumwe Mutauro”)
7. Tingabatsira sei vatsva kuti vave nechivimbo pavanenge vachitaura shoko roUmambo? (Vat. 7:17; “Kubatsira Vakawanda Kuti Vaitewo Ushumiri Nesu”)
8. Tinoratidza sei kuti tinotenda kuti “zuva guru raJehovha rava pedyo”? (Zef. 1:14; “Kufamba Nokutenda, Kwete Nokuona”)
9. (a) Nyaya yokugumburana yakakomba sei? (Mako 9:42-48) (b) Tingadzivisa sei kugumburwa? (Pis. 119:165) (c) Tingadzivisa sei kugumbura vamwe? (1 VaK. 10:24; “Dzivisai ‘Chero Chikonzero Chipi Zvacho Chokugumbuka’”)
10. Tingaramba sei tiri pakati nepakati pakutsvaka wokuroorana naye, utano hwakanaka, uye panyaya dzebhizimisi? (Pis. 26:4; Mat. 6:25; 1 Tim. 6:9; “Nyatsosvinurirai”)
11. (a) Chii chaiitwa naJesu paainge akokwa nevamwe? (Ruka 10:42; 24:32) (b) Tingagutsa sei chido chedu chokutandara nenzira inoita kuti isu nevamwe tisare tazorodzwa? (1 VaK. 10:31-33; “Mabasa Akanaka Anozorodza”)
12. Maererano nePisarema rechi23, tinowana zvikomborero zvipi semakwai aJehovha, uye ndezvipi zvatinofanira kuita? (1 VaK. 10:21; “Jehovha Ndiye Mufudzi Wedu”)
13. VaKristu vanoteerera sei zano rakafuridzirwa ‘rokutenga nguva yakafanira’? (VaEf. 5:16; “Muchizvitengera Nguva Yakafanira”)
14. (a) “Awa yokutonga” inotaurwa pana Zvakazarurwa 14:7 inosanganisirei? (b) Tinoratidza sei kuti takaparadzana zvechokwadi neBhabhironi Guru? (“‘Rambai Makarinda’—Awa Yokutonga Yasvika”) (c) Ipfungwa dzipi dziri mubhurocha raRambai Makarinda! dzakakunakidza?
15. Taura unhu hutatu hunodiwa kuti tirege ku“siya nzira yakarurama.” (2 Pet. 2:15; “Chenjerera ‘Kusiya Nzira Yakarurama’”)
16. Pwere dzingadzivisa sei “gwara ravakaipa”? (Zvir. 4:14; “Pwere—Fambai Munzira Yokururama”)
17. (a) Pauro aiva muenzaniso wakaisvonaka wokutsungirira munzira dzipi? (Mab. 14:19, 20; 16:25-33) (b) Nei tisingafaniri kutya vanoshora kunamata kwechokwadi? (Mutambo nehurukuro yaiti “Pupurira Kwazvo Nhasi Pasinei Nokushorwa”)
18. Vaya vanofamba naMwari vanowana zvikomborero zvipi? (“Kufamba naMwari Kunounza Zvikomborero iye Zvino uye Nokusingaperi”)
Ngatitsungei kuteerera ‘shoko riri shure kwedu’ kuitira kuti tifambe naBaba vedu vokudenga nokusingaperi.—Isa. 30:21; Joh. 3:36.