Basa Chairo Rokuparadzira Bhurocha Idzva
1 Nhasi vanhu vakawanda vanonetseka nezvinoitika munyika, asi vashomanana ndivo vanonzwisisa kuti nei zvinhu zvakaita sezvazviri, kuti ramangwana richange rakaita sei, uye kuti vanofanira kuitei kuti vapukunyuke kutongwa kuri kuuya. (Ezek. 9:4) Kuti tivabatsire kuziva zvinorehwa nenguva yatiri, basa chairo rokuparadzira bhurocha idzva raRambai Makarinda! richaitwa kubvira musi woMuvhuro, October 18, kusvikira musi weSvondo, November 14.
2 Bhurocha racho ringagoverwa patinenge tichiita ushumiri hwepaimba neimba, patinodzokerazve, patinenge tichipupurira zvisina kurongwa, kana kuti patinenge tiri pane vanhu vakawanda. Zvisinei, bhurocha raRambai Makarinda! harifaniri kuparadzirwa zvachero. Asi mabhurocha acho achagoverwa vaya bedzi vanoratidza kufarira zvinotaurwa neBhaibheri pamusoro pezvinorehwa nezviri kuitika munyika. Vaya vasinganyanyi kufarira shoko racho vangagoverwa turakiti.
3 Unogona kuita kuti munhu ade kuteerera nokutaura kuti:
◼ “Vanhu vakawanda vanonetseka nezvezvinetso zvakakomba uye zviitiko zvinotyisa zvakajairika mazuva ano. [Taura muenzaniso unozivikanwa munharaunda yenyu.] Maiziva here kuti zvinhu zvakadaro zvakafanotaurwa muBhaibheri? [Rega apindure. Zvadaro verenga rugwaro rwakakodzera muenzaniso wawataura, rwakadai saMateu 24:3, 7, 8; Ruka 21:7, 10, 11; kana kuti 2 Timoti 3:1-5.] Bhaibheri rinoratidza zvinorehwa nenguva yatiri kurarama uye kuti ramangwana revanhu rakadini. Mungada kuziva zvakawanda here? [Rega apindure. Govera bhurocha racho kana munhu wacho akafarira zvechokwadi.] Bhurocha racho rinowanika pasina mutengo. Kana muchida kupa mupiro kubasa redu romunyika yose, tingafara kuugamuchira.”
4 Kana kuti ungaona mashoko aya achibudirira:
◼ “Nhasi vanhu vakawanda vanorwadziwa nezviitiko zvinotyisa kana kuti zvinovabata ivo. Vamwe vanoshamisika kuti nei Mwari asingapindiri kuti aite kuti zvinhu zvakadaro zvisaitika. Bhaibheri rinotivimbisa kuti Mwari achakurumidza kuita chiito chokusunungura vanhu vari kutambura. Onai zvakanaka zvichaitirwa vanhu naMwari. [Verenga Pisarema 37:10, 11.] Mungada kuziva zvakawanda here?” Gumisa sezvataurwa pamusoro apa.
5 Edza kuwana zita nekero zvomunhu mumwe nomumwe anogamuchira bhurocha racho, uye ronga kudzokerazve kuitira kuti arambe achifarira. Mazano okuti izvi zvingaitwa sei achange ari muUshumiri Hwedu hwoUmambo hwaNovember 2004. Kana munhu akaratidza kufarira chaizvo paunoshanya kokutanga, ungakwanisa kubva watanga chidzidzo cheBhaibheri uchishandisa bhurocha raRambai Makarinda! kana kuti rimwe bhurocha rakadai saAnodei.
6 Mabhurocha matsva achawanikwa pashure poMusangano Webasa uchakurukurwa nyaya ino. Zvingava zvakanaka kana vaparidzi nemapiyona vakatanga vatora mabhurocha avachada kushandisa chete kwemazuva mashomanana okutanga kwebasa racho. Jehovha ngaakomborere basa iri chairo richaita kuti arumbidzwe uye richabatsira vanhu vane mwoyo yakatendeseka kwose kwose.—Pis. 90:17.