Rumbidzai Jehovha Muungano Huru
1, 2. Gungano roruwa rinotipa mukana wokuitei, uye inzira dzipi dzatingaita izvi?
1 Gore roga roga Magungano edu eruwa anotipa mukana wakaisvonaka wokurumbidza Jehovha. Tinonzwa sezvakaita Dhavhidhi, uyo akaimba kuti: “Ndichakuongai paungano huru; ndichakurumbidzai pakati pavanhu vazhinji.” (Pis. 35:18) Pagungano Roruwa riri kuuya rinoti “Kuteerera Mwari,” tingava sei nechokwadi chokuti, sevanhu vakabatana tinorumbidza Jehovha?
2 Imwe nzira yatingaita nayo izvi ndeyomufambiro wedu. Vakuru vakuru veimwe nzvimbo inoitirwa gungano vakati: “Tichifunga nezvemagungano enyu, takaudza mapoka ezvimwe zvitendero anoda kushandisa nzvimbo yacho kuti vauye kuzoona kuti Zvapupu zvaJehovha zvinoronga sei gungano, sezvo zviine urongwa hwakanaka.” Nechitarisiko chedu, kushandira pamwe kwedu, uye mufambiro wedu, mumwe nomumwe wedu anobatsira kuti pave nokurumbidzwa kwakadaro, uko zvechokwadi kwakakodzera kupiwa Mwari wedu.—1 Pet. 2:12.
3, 4. Kuva nomwero kuchatibatsira sei kuti tipfeke nenzira yakakodzera vashumiri vechiKristu, pagungano uye purogiramu yapera?
3 Chitarisiko Chako: Zvinoda kuva nomwero kuti tipfeke uye tishambidzike nenzira inoita kuti Jehovha arumbidzwe. (1 Tim. 2:9) Bhuku reChikoro Choushumiri, papeji 132, rinoti: “Munhu ane mwero ane hanya nokusagumbura vamwe pasina chikonzero uye haadi zvake kuzvionesa pasina chikonzero.” Munyika dzakawanda, kupfeka kusina mwero kwapararira. Zvisinei, Jehovha anokoshesa zvatinoedza kuita kuti timumiririre zvakanaka. (Mab. 15:14) Kunyange zvazvo gungano racho ringaitirwa munhandare yemitambo kana kuti nzvimbo yokutandarira, kuungana kwacho kunova “ungano [yedu] huru” pamazuva acho matatu egungano. Naizvozvo, sezvatinoungana pamberi paJehovha, tinofanira kupfeka zvine chiremera, chakakodzera Munhu mukuru kupfuura vamwe vose.—1 Mak. 29:11.
4 Tinofanirawo kufunga nezvechitarisiko chedu tapedza purogiramu yezuva rimwe nerimwe. Kunyange zvazvo tingada kupfeka mbatya dzinoita kuti tisununguke patinenge tichitandara kana kuti patinenge tichidya kuresitorendi, zvinokosha kuti kupfeka nokushambidzika kwedu kurambe kuchikodzera vaya “vanoti vanotya Mwari.” (1 Tim. 2:10) Kupfeka kwakanaka hakusarudzwi nezvakakurumbira munyika. (1 Joh. 2:16, 17) Mabhuku edu echiKristu anotiratidza mifananidzo inobatsira yezvipfeko zvine mwero, zvakanaka, zvevarume nevakadzi vari mumamiriro ezvinhu akasiyana-siyana. Kupfeka mabheji edu patinenge tiri muguta regungano kuchatiyeuchidza kuti tiri vashumiri vechiKristu nguva dzose.—2 VaK. 6:3, 4.
5, 6. Tingaratidza sei kuti tinoremekedza tafura yaJehovha yezvokunamata?
5 Remekedza Tafura yaJehovha: Changamire Ishe wezvinhu zvose akatiisira zvokudya pamberi pedu. (Isa. 25:6; 1 VaK. 10:21) Kana tichinyatsokoshesa kuva patafura yaJehovha yezvokunamata, tichavavarira kupinda gungano mazuva ose ari matatu. Wakaronga here pokugara, chokufambisa, uye kukumbira nguva yokusava kubasa? Wakaronga here nguva yakakwana yokugadzirira uye kufamba kuitira kuti ugosvika pagungano pachine nguva kuti uwane pokugara, umbokurukura nehama dzako, uye ubatane navo mukurumbidza Jehovha murwiyo nomunyengetero zvokutanga?—Pis. 147:1.
6 Kuremekedza tafura yaJehovha kuchaita kuti tinyatsoteerera purogiramu uye torega kungotaura-taura nevamwe, kudya, kana kuti kungofamba-famba. Achishandisa boka romuranda akatendeka, akangwara, Jehovha ari kutipa zvokudya zvine chokuita nokunamata zvatinoda iye zvino. (Mat. 24:45) Hapana mumwe wedu angada kurasikirwa nazvo. Vabereki vanofanira kugara nevana vavo voita kuti vanyatsobatsirwa.—Dheut. 31:12.
7. Tiri kukumbirwa kuti tiitei pamusoro pezvokudya zvemasikati, uye nei?
7 Tiri kukumbirwa kuti tiuye nezvokudya zvemasikati pane kuti tizobva panzvimbo yegungano tichinotsvaka zvokudya panguva yokumbozorora kwemasikati. Zvaifadza zvikuru kuona kuti vakawanda vakanyatsotevedzera murayiridzo uyu pagungano regore rapera. Zvinganaka chaizvo kana tose tikaita saizvozvo gore rino! (VaH. 13:17) Urongwa uhwu hunotipa mukana wakanaka wokukurudzirana nevatinonamata navo zvoita kuti pave nokubatana norugare zvinoita kuti Jehovha akudzwe.—Pis. 133:1.
8, 9. Gungano rinopa mumwe mukana upi wokuti tirumbidze Jehovha?
8 Kupupurira Zvisina Kurongwa: Patinenge tichienda kana kudzoka kugungano, tine mikana yakawanda yokurumbidza Jehovha nemiromo yedu. (VaH. 13:15) Patinosangana nevanhu zvisina kurongwa, ngatitsvakei nzira dzokupupurira nadzo. Pfungwa dzedu nemwoyo zvichange zvakazara nepfuma yezvokunamata yatinenge tawana kugungano. Ngatikurukurei zvinhu izvi zvakanaka nevaya vatinosangana navo zvisina kurongwa.—1 Pet. 3:15.
9 Tinotarira mberi nechido chikuru kumukana uyu wokurumbidza Jehovha “paungano.” (Pis. 26:12) Ngatirumbidzei Jehovha takabatana paGungano Roruwa rinoti, “Kuteerera Mwari.”
[Bhokisi riri papeji 6]
Zviyeuchidzo Zvegungano Roruwa
◼ Nguva Yepurogiramu: Purogiramu ichatanga na9:15 mangwanani musi weChishanu, na9:30 musi woMugovera, uye 8:30 musi weSvondo. Misuo ichange yavhurwa na8:00 mangwanani. Purogiramu yasarirwa nemaminitsi mashomanana kuti itange, sachigaro anenge agara pachikuva uye nziyo dzoUmambo dzokutanga dzinenge dzichirira. Tose tinofanira kugara pasi kuti purogiramu itange nenzira inoremekedzeka. Purogiramu yacho ichapera na5:05 manheru eChishanu noMugovera uye na3:10 masikati eSvondo.
◼ Kupaka: Panzvimbo dzose dzichaitirwa gungano patinenge tawana nzvimbo dzokupaka motokari, nzvimbo dzacho dzinenge dzisingabhadharwi, saka dzichawanikwa zvichienderana nokuti ndiani atanga kusvika. Mabheji egungano ndiwo achashandiswa pakuzivikanwa kwenyu pamunopaka. Vanenge vakatakura vakaremara bedzi kana kuti vakwegura ndivo vachabvumidzwa kupaka munzvimbo dzakachengeterwa vakaremara. Sezvo nzvimbo yokupaka ichiwanzova diki, kana zvichiita munogona kuronga kushandisa motokari imwe chete makawanda pane kuti motokari ifambe nomunhu mumwe kana vaviri chete.
◼ Kuchengeta Zvigaro: Zvigaro zvingachengeterwa chete vaya vamunenge muchifamba navo mumotokari imwe chete kana kuti vaya vamuri kugara navo kumba.
◼ Mari Yezvipo: Mari yakawanda inoshandiswa pakuronga gungano roruwa. Tingaratidza kuti tinoonga nokupa mari yezvipo nokuzvidira yebasa romunyika yose paImba yedu yoUmambo kana kuti pagungano. Cheki dzose dzinonyorwa pagungano dzinofanira kunyorwa kuti “Watch Tower.”
◼ Matsi: Gungano rimwe chete Romutauro Wemasaini richaitirwa muBeit Hall paHarare Polytechnic. Vose vanoshandisa mutauro wemasaini vanofanira kuudzwa kuti vaende kugungano iri. Tsamba dzingatumirwa kudare regungano iri muchishandisa kero yebazi.
◼ Kudya Kwemasikati: Tapota uyai nezvokudya zvemasikati pane kuzobva panzvimbo yegungano kuti munotsvaka zvokudya panguva yokumbozorora kwemasikati. Mungashandisa chokuisira zvokudya chiduku chingakwana pasi pechigaro. Midziyo yakakura yokuisira zvokudya zvemhuri, midziyo yemagirazi uye doro, hazvibvumirwi panoitirwa gungano.
◼ Kurekodha: Zvokurekodhesa zvose hazvifaniri kupfekerwa kana kubatanidzwa nemagetsi epanoitirwa gungano kana kuti negudzanzwi asi zvingangoshandiswa nenzira isingavhiringidzi vamwe.
◼ Kutora Mifananidzo: Kana uchitora mifananidzo, haufaniri kushandisa furashi panguva yepurogiramu.
◼ Mapeja Nenhare Dzeserura: Izvi zvinofanira kuitwa kuti zvisavhiringidza vamwe.
◼ Tsaona uye Kurwara Kunoda Kukurumidzirwa: Kana munhu akarwara zvinoda kukurumidzirwa ari panzvimbo yegungano, tapota zivisai murindiri anenge ari pedyo uyo achazivisa veDhipatimendi reFirst Aid nokukurumidza kuitira kuti vanhu vakanyatsodzidziswa kubatsira vanenge varipo vaone kukomba kwemamiriro acho ezvinhu vobatsira.
◼ Musamhanya Kuti Munotora Mabhuku Anenge Abudiswa: Urongwa hwakaitwa hwokuti pave nemabhuku anokwana vanhu vose pagungano rimwe nerimwe. Tapota fungaiwo vamwe nokusamhanya, kunyanyokurumidza, kusundidzirana, kana kuti kumanikidzira kuedza kuva wokutanga mumutsetse. Shoko raMwari rinotirayira kuti ‘tiite zvinhu zvedu zvose norudo.’—1 VaK. 16:14.