Purogiramu Yemhuri—Misangano Yeungano
1 Kana uri mubereki wechiKristu, unoda kuti vana vako vawedzere kuda Jehovha uye kumushumira, uye kuti pakupedzisira vawane upenyu husingaperi munyika itsva yaMwari yakapikirwa. Ungavabatsira sei kuti vaite kuti kunamata Jehovha kuve chinhu chokutanga muupenyu hwavo? Muenzaniso wako ndiwo unokosha zvikuru. (Zvir. 20:7) Ichiyeuka muenzaniso waamai vayo vari Chapupu, imwe hanzvadzi yakati: “Takanga tisingaiti zvokufungidzira kuti tiri kuenda kumisangano here kana kuti kwete.” Izvi zvakaibatsira chaizvo.
2 Mhuri yako inonzwisisa chinangwa chemisangano yeungano here? Mirayiridzo yatinowana pakuungana kwakadai inotipa simba rokuramba tichiita kuda kwaMwari, uye kuwadzana kwatinoita nehama dzedu kunokurudzira zvikuru. (Isa. 54:13; VaR. 1:11, 12) Zvisinei, chinangwa chikuru chemisangano yakadaro ndechokurumbidza Jehovha “paungano.” (Pis. 26:12) Misangano yechiKristu inotipa mikana yokuratidza kuti tinoda Jehovha uye yokumunamata.
3 “Rambai Muchinyatsongwarira”: Kunzwisisa chinangwa chitsvene chemisangano yedu kuchaita kuti ‘tirambe tichinyatsongwarira’ kuti tisatanga tsika yokurovha misangano zvishoma nezvishoma nokuda kwezvinhu zvisinganyanyi kukosha. (VaEf. 5:15, 16; VaH. 10:24, 25) Pakugadzirira purogiramu yemhuri yako, ungatanga nokunyora nguva yemisangano yeungano. Zvadaro iva nechokwadi chokuti zvimwe zvinhu hazviikanganisi. Iva nechokwadi chokuti kupinda misangano kunova panzvimbo yokutanga mumhuri yako.
4 Hatinzwi takurudzirwa here patinoverenga nezvehama dzedu dzinokurira zvipingamupinyi kuti dzipinde misangano uye magungano? Kunyange zvazvo mamiriro ako ezvinhu angave akasiyana, zvichida iwewo unombotarisana nezvinetso. Satani ari kuwedzera kuita kuti zviomere vanhu vaMwari kunamata Jehovha. Asi, iva nechokwadi chokuti vana vako vachaona zvinoedza kuitwa nemhuri yako kuti ipinde misangano yeungano. Chokwadi, kana ukadaro, ungavapa chipo mune zvokunamata chavasingambofi vakakanganwa.