RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 7/05 p. 7
  • Batsira Vana Vako Kufambira Mberi Muushumiri

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Batsira Vana Vako Kufambira Mberi Muushumiri
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2005
  • Mashoko Akafanana
  • Vabereki—Rovedzai Vana Venyu Kuparidza
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1997
  • Dzidzisa Vana Vako Kurumbidza Jehovha
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2007
  • Rovedzai Mwana Wenyu Kubvira Paucheche
    Chakavanzika Chomufarwa Wemhuri
  • Kuvaka Mhuri Yakasimba Mumudzimu
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2001
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2005
km 7/05 p. 7

Batsira Vana Vako Kufambira Mberi Muushumiri

1 Vabereki vechiKristu vane basa rinokosha rokudzidzisa vana vavo kuti vaitewo ushumiri kubvira vari vaduku. Izvi zvingaitwa munzira dzakawanda. Vamwe vana vanogona kutaura nomusoro rugwaro rweBhaibheri rwakakodzera kunyange vasati vava kugona kuverenga. Izvi zvingabatsira vateereri chaizvo. Vana pavanoti kurei, vangatoita zvakawanda muushumiri. Imi vabereki mungabatsira sei vana venyu kuti vaparidzirewo? Pamwe mazano anotevera achabatsira zvekare.

2 Makwazisana, ungati:

2◼ “Mwanakomana wangu, [zita rake], ane Rugwaro runokosha rwaanoda kuti munzwe.” Mwana wako angati: “Rugwaro urwu rwuri pana Mapisarema rwakandidzidzisa zita raMwari. [Mwana wacho anoverenga kana kuti anotaura nomusoro mashoko ari pana Pisarema 83:18.] Magazini aya anotaura zvatichaitirwa naJehovha. Ndokupai here?” Ungapedzisa kukurukurirana kwacho nokutsanangura kuti basa romunyika yose rinotsigirwa sei.

3 Kana kuti ungaedza izvi:

3◼ “Kwaziwai. Ndiri kudzidzisa mwanasikana wangu, [zita rake], kuti ave nehanya nevamwe vari munharaunda yedu. Anoda kutaura nemi mashoko mashomanana anobva muBhaibheri.” Angati: “Imwe nzira yandinoda kubatsira nayo vanhu ndeyokuvaudza nezvetariro yeBhaibheri yomunguva yemberi. [Mwana wacho anoverenga kana kuti anotaura nomusoro mashoko ari pana Zvakazarurwa 21:4.] Magazini aya anotsanangura zvatichaitirwa noUmambo hwaMwari. Ndinofunga kuti muchanakidzwa nokuaverenga.”

4 Nguva dzose kushandisa mharidzo iri nyore kunoita kuti vana vave nechivimbo chokuti vanokwanisa kuparidzawo mashoko oUmambo. Nguva yokudzidzira kutaura zvakajeka nenzwi rinonzwika zvichavabatsira kutaura mumamiriro ezvinhu akasiyana-siyana. Kufanogadzirira zvakanaka uye kuvarumbidza nomwoyo wose kuchabatsira vana kuti vataure kutenda kwavo.

5 Vechiduku vakawanda vakava vaparidzi vasina kubhabhatidzwa pashure pokunge vakurudzirwa zvakadaro. Mufaro wakadini kuona vana vedu vachifambira mberi muushumiri hwechiKristu!—Pis. 148:12, 13.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe