RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 9/05 p. 7
  • Rambai Muchivakana

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Rambai Muchivakana
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2005
  • Mashoko Akafanana
  • Ita Zvakanaka uye Goverana Nevamwe
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2005
  • Kukurudzirana Muushumiri
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2008
  • Rambai “Muchivakana”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2022
  • Kukurukurirana Zvinhu Zvomudzimu Kunovaka
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2003
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2005
km 9/05 p. 7

Rambai Muchivakana

1 Muapostora Pauro akaita zvose zvaaikwanisa kuti asimbise vaaitenda navo. (Mab. 14:19-22) Saizvozvowo, tinonetseka kana hama dzedu dzikatarisana nemamiriro ezvinhu akaoma, uye tinoda kudzibatsira. Bhaibheri rinoratidza kuti havasi vakuru chete vanofanira kufarira vamwe, asi tose tinofanira kudaro. (VaR. 15:1, 2) Chimbofunga nezvenzira mbiri dzatingaratidza nadzo kuti tinoteerera zano rorudo rokuti: “Rambai muchinyaradzana nokuvakana, sezvamuri kutoita chaizvo.”—1 VaT. 5:11.

2 Nzwisisa Zvinodiwa Nevamwe: Shoko raMwari rinotaura kuti Dhokasi ‘aiita mabasa mazhinji akanaka okupa zvipo zvengoni.’ (Mab. 9:36, 39) Aicherechedza vaya vaishayiwa oita zvaaikwanisa kuti avabatsire. Muenzaniso wakanaka zvikuru waakatisiyira! Ungaziva kuti mumwe munhu akwegura anoda chokufambisa pakuenda kumisangano. Kana kuti pangava napiyona asina waanoshanda naye muushumiri mamwe masikati pakati pevhiki. Kana ukaona munhu akadaro womubatsira, fungidzira kuti achakurudzirwa zvakadini!

3 Kukurukurirana Zvinhu Zvine Chokuita Nokunamata: Tinogonawo kuvaka vamwe nezvatinotaura. (VaEf. 4:29) Mumwe mukuru ane ruzivo akati: “Kana uchida kukurudzira, taura zvinhu zvine chokuita nokunamata. Kuti utange kukurukurirana kunokurudzira, ungashandisa mubvunzo uri nyore wakaita sowokuti, ‘Wakadzidza sei chokwadi?’” Farira nomwoyo wose vechiduku vari muungano yenyu. Kurukurirana nevaya vakaora mwoyo nevanoita sevanonyara. (Zvir. 12:25) Usabvumira kuti kukurukura zvinovaraidza zvenyika kukupedzere nguva yokukurukurirana zvinhu zvine chokuita nokunamata nevaunonamata navo.—VaR. 1:11, 12.

4 Zvisinei, ungatii kuti uvake vamwe? Pakuverenga nokudzidza Bhaibheri uri woga, wakawana chimwe chinhu chakawedzera kuda kwako Jehovha munguva pfupi yapfuura here? Wakakurudzirwa nechimwe chinhu chawakanzwa muhurukuro yavose kana kuti paChidzidzo cheNharireyomurindi here? Kana kuti wakabayiwa mwoyo here nechakaitika chinosimbisa kutenda? Kana ukakoshesa pfuma yokunamata yakadaro, uchagara uine chimwe chinhu chinokurudzira chokuudza vamwe.—Zvir. 2:1; Ruka 6:45.

5 Ngatirambei tichivakana nokubatsira vamwe uye kushandisa rurimi rwedu nokuchenjera.—Zvir. 12:18.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe