Iva Nounyanzvi Pakukurukurirana Nevamwe
1. Inhoroondo ipi yeBhaibheri yatichaongorora, uye nei?
1 Hurukuro yomuapostora Pauro mune imwe sinagogi muAndiyoki yePisidhiya, sezvakanyorwa pana Mabasa 13:16-41, inopa muenzaniso wakanaka wokukurukurirana kwatingaita nevamwe. Pauro akafunga nezvezvaitozivikanwa nevateereri vake uye zvavaifunga ndokuchinja mharidzo yake yemashoko akanaka sezvaidiwa. Sezvatinoongorora nhoroondo iyi, ngatifungei kuti tingaita sei saizvozvo muushumiri hwedu.
2. Chii chatinodzidza munzira iyo Pauro akatanga nayo hurukuro yake?
2 Tsvaka Zvinhu Zvamungabvumirana: Kunyange zvazvo mashoko aPauro ainyanya kutaura nezvebasa guru raJesu mukuitwa kwechinangwa chaMwari, Pauro haana kutanga hurukuro yake nokutaura pfungwa iyoyo. Asi, akataura chimwe chinhu chavaiziva vose, iye nevateereri vake vazhinji vacho vakanga vari vaJudha—nhoroondo yevanhu vechiJudha. (Mab. 13:16-22) Saizvozvowo, tichabudirira zvikuru pakutaura nevamwe kana tikatsvaka zvinhu zvatinobvumirana navo. Izvi zvingada kuti tivaite kuti vataure zviri pamwoyo pavo nokuvabvunza mibvunzo nokungwaririra uye kunyatsoteerera kuitira kuti tinzwisise zvinonyatsokosha kwavari.
3. Chii chakaita kuti zviomere vateereri vaPauro kubvuma kuti Jesu ndiye aiva Mesiya akapikirwa?
3 Paaikurukura nezvenhoroondo yevaJudha, Pauro akayeuchidza vateereri vake nezvechipikirwa chaMwari chokumutsa Muponesi anobva mudzinza raDhavhidhi. Zvisinei, vaJudha vakawanda vaiva vakamirira gamba rechiuto raizobvisa joko rokutongwa nevaRoma rokwidziridza rudzi rwechiJudha kupfuura mamwe ose. Zvechokwadi vaiziva kuti Jesu akanga arambwa nevatungamiriri vechitendero chechiJudha vaiva muJerusarema,vakamugamuchidza kuvatungamiriri veRoma, ndokuurayiwa. Pauro aizoita sei kuti vabvume kuti Uyu ndiye aiva Mesiya akapikirwa?
4. Pauro akakurukurirana sei nounyanzvi nevateereri vake vechiJudha?
4 Chinja Mharidzo Yako: Achiziva mafungiro evateereri vake, Pauro akashandisa Magwaro kuti akurukurirane navo pamusoro pezvinhu zvavakanga vatobvuma. Somuenzaniso, akataura kuti Jesu aiva mwanakomana waDhavhidhi uye Johani Mubhabhatidzi, uyo aizivikanwa zvikuru somuprofita waMwari, akataura nezvake. (Mab. 13:23-25) Pauro akataura kuti nokuramba Jesu uye kumutongera rufu, vatungamiriri vechitendero vakanga ‘vazadzisa zvinhu zvakataurwa nevaprofita.’ (Mab. 13:26-31) Uyezve, akatsanangura kuti paiva nezvapupu zvakaona kuti Jesu akanga amutswa kuvakafa, uye akavayeuchidza ndima dzeMagwaro dzavaiziva dzakanga dzazadzika pakumutswa kwaJesu.—Mab. 13:31-37.
5. (a) Pauro akachinja sei mharidzo yake paaitaura nevaGiriki vakanga vakateerera? (b) Tingatevedzera sei muenzaniso waPauro patinenge tichiparidza mundima yedu?
5 Asi paaitaura nevaGiriki vakanga vakateerera paAreyopago muAtene, Pauro akachinja mharidzo. (Mab. 17:22-31) Asi shoko raakapa rakanga risina kusiyana, uye mumharidzo dzacho dzose kukurukura kwaakaita kwakaguma nezvakanaka. (Mab. 13:42, 43; 17:34) Saizvozvowo nhasi, tichabudirira zvikuru muushumiri hwedu kana tikatsvaka zvokubvumirana nevateereri vedu uye kana tikaita kuti mharidzo dzedu dzienderane nezvavanotoziva uye mafungiro avo.