Ratidza Kuti Unonyatsofarira Vanhu—Nokuva Nenyasha
1 “Jehovha ane nyasha.” (Pis. 145:8) Kunyange zvazvo ari iye Changamire Wezvose, ane mutsa, ane hanya, uye munyoro pakubata nevanhu vasina kukwana. (Gen. 13:14; 19:18-21, 29) Tingawedzera kunaka kwemharidzo yedu yemashoko akanaka nokutevedzera Mwari wedu ane nyasha. (VaK. 4:6) Izvi zvinoda zvinopfuura kungova vanyoro uye kuva vanoremekedza mumatauriro edu.
2 Pasuo Nesuo: Tingaita sei kana tikashanyira saimba panguva isina kukodzera kana kuti paanenge akanyanya kubatikana zvokuti haakwanisi kutaura nesu? Ngatibvume mamiriro acho ezvinhu toita kuti mharidzo yedu ive pfupi zvikuru kana kuti tokumbira kuzodzokazve pane imwe nguva. Kana tiine nyasha hatizomanikidziri vanhu kuti vatore mabhuku edu kana vasingadi. Kuva nehanya nevamwe kuchaita kuti tiremekedze zvinhu zvavo, zvakadai sokuvhara magedhi nemisuo uyewo nokurovedza vana vedu kuti vaitewo izvozvo. Tinofanira kuva nechokwadi chokuti mabhuku ose atinosiya pamisha inenge isina vanhu haaonekwi nevanenge vachipfuura. Zvechokwadi, nyasha dzichaita kuti tibate vamwe sezvatinoda kuti vatiitewo.—Ruka 6:31.
3 Mubasa Remagazini: Patinenge tichigovera magazini, tingaratidza kuti tine hanya nokusavhiringidza kufamba kunenge kuchiita vanhu uye nokusaungana pamberi pemabhizimisi. Tichava vanonzwisisa mamiriro ezvinhu evamwe, toedza kungotaura nevaya vangava nemaminitsi mashomanana pane vaya vari kutoooneka kuti vari kukurumidza. Pane dzimwe nguva, tingafanira kuwedzera inzwi redu kuti tinzwike pamusana poruzha rwomumugwagwa. Asi tinofanira kuzviita noruremekedzo, tisingaiti zvokuti vanhu vose vatitarise.—Mat. 12:19.
4 Pakuparidzira Norunhare: Kufunga vamwe kuchaita kuti tiparidzire norunhare tiri panzvimbo isina ruzha rungazonzwika nomufoni. Tinoratidza tsika dzakanaka patinokurumidza kuzvizivisa kuna saimba ndokumuudza kuti nei tafona. Kunyatsotaura muromo wedu uri pafoni chaipo uye kuita kuti inzwi redu rirambe rakanaka kuchabatsira kuti tive nekurukurirano yeMagwaro inokurudzira. (1 VaK. 14:8, 9) Kuburikidza nokuva nomutsa, kuva nehanya, uye unhu hwakanaka munzira idzi dzakasiyana-siyana, tinenge tichitevedzera Mwari wedu ane nyasha, Jehovha.