Kuvaka Dzimba dzoUmambo—Chimwe Chezvinhu Zvinokosha Zvebasa Dzvene
1. Chii chakaitwa pakuvaka Dzimba dzoUmambo, asi chii chichiri kufanira kuitwa?
1 Mumakore mashanu apfuura, Dzimba dzoUmambo 357 dzakavakwa kana kuti dzakagadziridzwa muZimbabwe. Tinoonga chaizvo kushanda nesimba kunoitwa neMapoka Okuvaka Dzimba dzoUmambo uye vose vaya vakavabatsira. Kunyange zvazvo paine basa rakakura kwazvo rakaitwa, pachine zvakawanda zvinofanira kuitwa pakuvakwa kweDzimba dzoUmambo. Tose zvedu tingatsigira sei ichi chikamu chinokosha chebasa redu dzvene rinoitirwa Jehovha?—Zvak. 7:15.
2. Tinogona sei kutsigira zvakananga basa rokuvaka Dzimba dzoUmambo?
2 Iva Anoda: Kana uri muparidzi akabhabhatidzwa uye uchida kubatsira kuvaka Dzimba dzoUmambo, tinokukurudzira kuti uzvipire kana paine Imba yoUmambo inenge ichivakwa munharaunda yenyu. (Pis. 110:3) Vose vanozvipira vanofanira kunge vari vashandi vanoda uye vachida kuzoshandira pamwe nevamwe. (Pis. 133:1) Kunyange kana usina ruzivo rwokuvaka, unogona kuita zvakawanda kuti chirongwa chokuvaka chibudirire. Unogonawo kudzidziswa izvi zvichizoita kuti ushandiswe zvikuru munguva yemberi.
3. Ndedzipi dzimwe nzira dzatingaratidza nadzo kuti tinotsigira urongwa uhwu?
3 Kana usingakwanisi kuzvipira, unogona kuratidza kuti unotsigira nokukurudzira vamwe vanokwanisa kushanda muchirongwa chacho. Unogona kuita mabasa omuungano evaya vanenge vaenda kuchirongwa chacho. Kana vakaronga pachine nguva mberi, vakuru vangava nechokwadi chokuti ungano inotarisirwa zvakanaka vamwe pavanenge vaenda kunoshanda kuchirongwa chokuvaka Imba yoUmambo. Zviri pachena kuti Jehovha anofara patinoshanda takabatana kuti zvinhu zvine chokuita noUmambo zvifambire mberi.—VaH. 13:16.
4. Tingakurudzira sei vaya vanoita basa muzvirongwa zvokuvaka Dzimba dzoUmambo?
4 Iva Anokurudzira: Kuvaka nzvimbo dzokunamatira kunoda nguva yakawanda uye kushanda nesimba. Vaya vanenge vakokwa kuti Vanoshanda seVazvipiri Vokuvaka Dzimba dzoUmambo vachange vasiri kuungano yavo kwenguva yakareba uye upenyu hungava husiri nyore kwavari. Ngatikurumidzei kurumbidza uye kukurudzira vazvipiri vokuvaka, avo vanorega zvimwe zvinhu kuti vatarisire “basa iri rinofanira kuitwa.”—Mab. 6:3; VaR. 14:19.
5. Vazvipiri vanovaka vangaratidza sei kuti vane maonero ari pakati nepakati?
5 Iva Pakati Nepakati: Kuparidza nezvoUmambo hwaMwari ndiro basa redu rechiKristu rinonyanya kukosha. (Mako 13:10) Zvisinei, Imba yenyu yoUmambo painenge ichivakwa kana kuti imwewo iri pedyo nemi, kuvaka ikoko ndiko kunenge kuchinyanya kukosha. Saka tinokukurudzirai mose kuti mutsigire zvizere basa rokuvakwa kweImba yenyu. Chokwadi, muchafanira kuitawo ushumiri hwomumunda mwedzi woga woga. Apa ndipo panoda kuti muve nemaonero ari pakati nepakati kuitira kuti kuvaka kurambe kuchienderera mberi asiwo tose toramba tichiita basa roushumiri munguva yokuvaka.
6. Chii chinoitika kana vose vari muungano vakashanda pamwe chete kuti kunamata kwechokwadi kufambire mberi?
6 Muapostora Pauro akataura nezvenhengo dzeungano sedzinoshanda dzakabatana “kuti muviri ukure kuti uzvivake murudo.” (VaEf. 4:16) Kuda kwedu Jehovha uye kunamata kwechokwadi kuchaita kuti tishandire pamwe chete kuita kuti mashoko akanaka aparidzirwe uye kuti kuvaka Dzimba dzoUmambo kutsigirwe.