CHENGETA
Ndinoona Sei Zvikamu Zviduku Zveropa uye Kurapwa Neropa Rangu?
Bhaibheri rinorayira vaKristu kuti “varege . . . ropa.” (Mab. 15:20) Saka Zvapupu zvaJehovha hazvibvumi kuwedzerwa ropa rose kana kuti zvikamu zvikuru zveropa zvina—zvinoti masero matsvuku, masero machena, maplatelets, neplasma. Havapi ropa ravo kana kurichengeta kuti vozoriwedzerwa ivo.—Revh. 17:13, 14; Mab. 15:28, 29.
Chii chinonzi zvikamu zviduku zveropa, uye nei muKristu mumwe nomumwe achifanira kuzvisarudzira pakushandiswa kwazvo?
Zvikamu zviduku zveropa zvinhu zvinobviswa muropa pachishandiswa nzira inonzi kupatsanura ropa (fractionation). Somuenzaniso plasma chimwe chezvikamu zvikuru zvinoumba ropa chinogona kupatsanurwa kuti chive: mvura, inenge 91 muzana; mapuroteni, akadai sealbumins, globulins, nefibrinogen, inenge 7 muzana; nezvimwewo zvirimo zvakadai sezvokudya, mahomoni, magasi, mavhitaminzi, tsvina, nemaelectrolytes, zvinenge 1,5 muzana.
Murayiro wokuti tirege ropa unosanganisirawo zvikamu zviduku here? Hatigoni kupa mhinduro chaiyoiyo. Bhaibheri harina zvarinotaura zvakananga nezvezvikamu zviduku zveropa. Zviri pachena kuti zvikamu zviduku zvakawanda zvinotorwa muropa rinenge rapiwa kuti rishandiswe pakurapa. MuKristu mumwe nomumwe anofanira kusarudza zvinoenderana nehana yake kana achizobvuma kana kuti kuramba kurapwa pachishandiswa zvinhu izvi.
Paunenge uchisarudza, funga nezvemibvunzo inotevera: Ndinoziva here kuti kuramba zvikamu zviduku zvose zveropa kunoreva kuti handizobvumi mimwe mishonga yakadai seinorwisa utachiona nezvirwere kana kuti inobatsira kuti ropa rigwambe kuitira kumisa kubuda kwaro? Ndinogona here kutsanangurira chiremba chikonzero nei ndiri kuramba kana kubvuma kushandiswa kwezvimwe zvikamu zviduku zveropa?
Nei ndichifanira kuzvisarudzira kana kurapa kuchisanganisira ropa rangu?
Kunyange zvazvo vaKristu vasingapi ropa kana kuchengeta ropa ravo kuti vazoriwedzerwa ivo, hazvina kunyatsojeka kana kumwe kurapa kana kuti kuongorora kunosanganisira kushandisa ropa rako kuchipesana nezvinotaurwa neBhaibheri. Naizvozvo, munhu mumwe nomumwe anofanira kuzvisarudzira nehana yake kuti obvuma here kana kuti oramba kurapa kunosanganisira kuwedzerwa ropa rake.
Paunenge uchisarudza, zvibvunze mibvunzo inotevera: Kana rimwe ropa rangu richizotsauswa mumuviri wangu roerera nokumwewo kana kuti kuerera kwacho kukambovhiringidzwa kwekanguva,’ hana yangu ichandibvumira here kuti rizodzorerwa mandiri ndoramba ndichiriona serangu kwete serinofanira ‘kudururirwa pasi’? (Dheut. 12:23, 24) Hana yangu yakadzidziswa neBhaibheri ingazonetseka here kana pandinenge ndichirapwa rimwe ropa rangu rikambobudiswa, rogadziridzwa, rozodzorerwazve mumuviri wangu? Ndinoziva here kuti kuramba kurapa kwose kunosanganisira kushandisa ropa rangu zvinoreva kuti ndinoramba kurapa kwakadai sokushandisa dialysis—muchina unochenesa ropa kana kuti kushandiswa kwomuchina unotsiva mwoyo kana kuti mapapu? Ndanyengeterera nyaya iyi ndisati ndasarudza here?
Ndezvipi zvandinosarudza?
Verenga mapepa maviri ari pamapeji anotevera. Pepa Rokutanga rinotaura nezvezvimwe zvikamu zveropa uye kuti zvinowanzoshandiswa sei pakurapa. Nyora zvaunoda pamusoro pokuti unobvuma kana kuti haubvumi kushandisa chimwe nechimwe chezvikamu izvi. Pepa Rechipiri rinotaura nezvokumwe kurapa kunozivikanwa kunosanganisira kushandiswa kweropa rako. Nyora zvaunosarudza kuti uchabvuma kana kuti ucharamba marapiro aya. Mapepa aya haasi omutemo, asi unogona kushandisa mhinduro dzako dziri paari kukubatsira kuzadza kadhi rako reDPA (durable power of attorney).
Unofanira kuzvisarudzira kwete kutevedzera hana yomumwe munhu. Uyewo, hapana anofanira kushora zvinenge zvasarudzwa nomumwe muKristu. Munyaya idzi, “mumwe nomumwe achatakura mutoro wake.”—VaG. 6:4, 5.
[Mashoko Omuzasi]