RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 6/07 p. 1
  • Rambai “Muchibereka Zvibereko Zvizhinji”

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Rambai “Muchibereka Zvibereko Zvizhinji”
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2007
  • Mashoko Akafanana
  • ‘Rambai Muchibereka Zvibereko Zvakawanda’
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2003
  • Kufarikanya Ukama Hwapedyo
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
  • Kuva Mapazi Anobereka Michero Uye Kuva Shamwari dzaJesu
    Jesu—Nzira Nechokwadi Neupenyu
  • “Mutarisire Muzambiringa Uyu”!
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2006
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2007
km 6/07 p. 1

Rambai “Muchibereka Zvibereko Zvizhinji”

1 Achishandisa mashoko okufananidzira, Jesu akazvifananidza nomuzambiringa wechokwadi, Baba vake noMurimi, uye vateveri vake vakazodzwa nemapazi anobereka omuzambiringa. Achirondedzera basa roMurimi wokufananidzira, Jesu akasimbisa kukosha kwokuramba takabatirira pamuzambiringa. (Joh. 15:1-4) Tinodzidza kuti munhu wose ane ukama hwepedyo naJehovha anofanira kuita sebazi rinobereka zvibereko ro“muzambiringa wechokwadi,” Jesu Kristu. Tinofanira kuramba tichibereka ‘zvibereko zvomudzimu” uye zvibereko zvoUmambo zvakawanda.—VaG. 5:22, 23; Mat. 24:14; 28:19, 20.

2 Zvibereko Zvomudzimu: Kukura kwedu mune zvokunamata kunonyanya kuonekwa nemaratidziro atinoita zvibereko zvomudzimu. Uri kuedza kuwedzera zvibereko zvomudzimu waMwari nokugara uchidzidza uye uchifungisisa Shoko raMwari here? (VaF. 1:9-11) Usazeza kunyengeterera mudzimu mutsvene nokuti unogona kukubatsira kuti uratidze unhu hunokudza Jehovha uye hunokubatsira kuti urambe uchikura mune zvokunamata.—Ruka 11:13; Joh. 13:35.

3 Kuwedzera zvibereko zvomudzimu kuchatibatsirawo kuti tive vashumiri vanoshingaira zvikuru. Somuenzaniso, mupurogiramu yedu yakabatikana, rudo nokutenda zvinoita kuti tironge nguva yokugara tichiita ushumiri. Unhu hwakadai sorugare, mwoyo murefu, mutsa, unyoro, nokuzvidzora hunotibatsira kudzikama patinosangana nevashori. Mufaro unotibatsira kuti tigutsikane muushumiri kunyange kana vanhu vakasateerera.

4 Zvibereko zvoUmambo: Tinodawo kubereka zvibereko zvoUmambo. Izvozvo zvinosanganisira kupa “chibayiro chokurumbidza . . . icho chibereko chemiromo iyo inozivisa pachena zita” raJehovha. (VaH. 13:15) Tinoita izvi nokuzivisa mashoko akanaka tichishingaira uye takatsiga. Uri kuedza here kubereka zvibereko zvakawanda zvoUmambo nokuwedzera ushumiri hwako?

5 Jesu akaratidza kuti kuwanda kwezvibereko zvevateveri vake vakavimbika kwaizosiyana-siyana. (Mat. 13:23) Saka hatifaniri kuzvienzanisa nevamwe asi tinofanira kupa Jehovha zvakanakisisa zvedu. (VaG. 6:4) Kunyatsoongorora mamiriro edu ezvinhu tichishandisa Shoko raMwari kuchatibatsira kuramba tichikudza Jehovha noku“bereka zvibereko zvizhinji.”—Joh. 15:8.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe