Tingabatsira Sei Vanhu Vanouya kuChirangaridzo?
1. Uchapupu hupi hune simba huchapiwa musi waMarch 22, 2008?
1 Musi waMarch 22, 2008, mamiriyoni evanhu pasi pose achawana uchapupu hune simba. Vaya vachapinda Chirangaridzo vachanzwa nezvorudo rukuru rwaJehovha rwokupa vanhu chibayiro chorudzikinuro. (Joh. 3:16) Vachadzidza nezvoUmambo uye kuti Jehovha achahushandisa sei kuita chinangwa chake pasi pose. (Mat. 6:9, 10) Vachazvionera rudo uye kubatana kwakaita vanhu vaMwari uye kuti tinogamuchira vaeni noushamwari.—Pis. 133:1.
2. Tingabatsira sei vatinodzidzisa Bhaibheri vanenge vapinda Chirangaridzo?
2 Vanodzidza Bhaibheri: Vamwe vachavapo ndevaya vachangobva kutanga kudzidza Bhaibheri nesu. Vasume kuhama nehanzvadzi. Tsanangura zvakaita misangano yevhiki nevhiki, uye varatidze muchidimbu zvakaita Imba yoUmambo. Muhurukuro, mukurukuri achakurudzira vanhu vakadaro kuti varambe vachifambira mberi pakunamata. Unogona kushandisa zvaanotaura kuti uwane pokutangira kukurudzira vaunodzidza navo.
3. Chii chingaitwa kukurudzira vaparidzi vasingachaiti basa vanenge vapinda Chirangaridzo?
3 Vasingachaiti Basa: Vamwe vachange varipo vaparidzi vasingachaiti basa. Tanga iwe kuvakwazisa noushamwari. Edza kusavabvunza mibvunzo kana kutaura mashoko anoita kuti vanyare. Chirangaridzo chichangopera, vakuru vanofanira kushanyira vanhu vasingachaiti basa vakapinda Chirangaridzo, vovarumbidza nokuuya kwavanenge vaita, uye vovakoka noushamwari kumisangano yeungano inotevera.
4. Mumwe nomumwe wedu angabatsira sei vaenzi?
4 Vaenzi: Vamwe vanenge vapinda Chirangaridzo vangava shamwari dzedu kana kuti vomumhuri vatinenge takoka. Vamwe vangave vakakokwa pamushandirapamwe unokosha. Kana ukaona vanhu vausingazivi, tanga iwe kuzvisuma uye kuvagamuchira. Zvichida vangave vasina kutombopinda mumwe wemisangano yedu. Paunokurukura navo ungavabvunza kuti ungazovaona sei. Nokuvashanyira kana kuti kuvafonera zvenguva pfupi mazuva mashomanana Chirangaridzo chaitwa, ungaedza kuita kuti varambe vachifarira uye wotaura nezvokudzidza Bhaibheri.
5. Tingataurei kuti titange chidzidzo cheBhaibheri?
5 Mashoko anenge ari muhurukuro yeChirangaridzo angashandiswa pakutanga kusuma bhuku rinonzi Bhaibheri Rinombodzidzisei? paunodzokerazve. Somuenzaniso, mukurukuri wehurukuro yeChirangaridzo achaverenga Isaya 65:21-23. Paunodzokera, ungataura nezvehurukuro yacho wobva wati, “Regai ndikuratidzei zvimwe zvikomborero zvorudzikinuro.” Zvadaro kurukura mapeji 4-5 ebhuku rinonzi Bhaibheri Rinombodzidzisei? Kana kuti ungati, “Vakawanda vanowanzonetseka kuti vachaona rini uprofita hwaIsaya huchizadzika.” Wadaro kurukura ndima 1-3 dzechitsauko 9. Imwe nzira ndeyokungotaura zvakataurwa nomukurukuri weChirangaridzo, wosuma bhuku rinonzi Bhaibheri Rinombodzidzisei?, wobva waratidza kuti rinodzidzwa sei.
6. Mikana ipi yatinayo sezvatinoteerera murayiro waJesu wokuchengeta rufu rwake?
6 Tose zvedu ngatitsvakei mikana yokubatsira vadzidzi veBhaibheri, vaparidzi vasingachaiti basa uye vaenzi vachauya kuChirangaridzo. (Ruka 22:19) Chokwadi Jehovha achakomborera zvose zvatichaita pakuwedzera basa redu roUmambo.