Nyaradza Vari Kuchema
1. Nei vanenge vachichema vadiwa vavo vakafa vachida kunyaradzwa?
1 Kufirwa nomunhu waunoda kunorwadza zvikuru kunyanya vaya vasina tariro yoUmambo. (1 VaT. 4:13) Vakawanda vanowanzobvunza kuti: ‘Nei vanhu vachifa? Vanoenda kupi? Ndichazomboonazve mudiwa wangu here?’ Pasi apa pane mazano atingashandisa kunyaradza vaya vatinosangana navo muushumiri vanenge vachichema hama yavo kana kuti shamwari yakafa.—Isa. 61:2.
2. Kana saimba akatiudza kuti ari kuchema mudiwa wake akafa, nguva dzose tinofanira here kugara kwenguva yakareba tichipupura?
2 Pasuo Nesuo: Saimba angatiudza kuti achangobva kufirwa nomumwe munhu womumhuri yake. Ari kushungurudzika mupfungwa here? Pamba pacho pakazara nevoukama vari kuchemawo here? Kana zvakadaro, zvingava zvakanaka kusagara kwenguva yakareba pamba pacho tichipupura. (Mup. 3:1, 7) Zvichida tinogona kumunyaradza nokumupa turakiti rakakodzera, magazini, kana kuti bhurocha, tobva taenda zvedu. Tadaro tingazodzoka panguva yakakodzera kuti titaure naye tichimunyaradzazve nemashoko anobva muBhaibheri.
3. Kana mamiriro ezvinhu achibvumira, magwaro api atingaratidza saimba anenge achichema mudiwa wake akafa?
3 Pane zvimwe zviitiko, tingaona kuti tinogona kutaura zvakawanda patinoshanya kokutanga. Kunyange zvazvo iyi isiri nguva yokufumura dzidziso dzisiri idzo, tingavaverengera zvipikirwa zvinotaurwa neBhaibheri zvokumutswa kwevakafa. (Joh. 5:28, 29) Kana kuti tingavaratidza zvinotaurwa neBhaibheri nezvevakafa. (Mup. 9:5, 10) Nhoroondo yomuBhaibheri inotaura zvokumutswa kwevakafa inganyaradzawo. (Joh. 11:39-44) Tingakurukurawo mashoko anoratidza tariro muna Jehovha akataurwa naJobho akanga akatendeka. (Job. 14:14, 15) Tisati taenda, tingagovera bhurocha rinonzi Chii Chinoitika Kwatiri Patinofa?, Apo Mumwe Munhu Waunoda Anofa, kana rimwe bhurocha rakakodzera kana kuti turakiti. Kana kuti tingasiya bhuku rinonzi Bhaibheri Rinombodzidzisei?, tomuratidza mashoko ari muchitsauko 6, uye toronga kuti tizokurukura nyaya yacho zvakare patinozodzoka.
4. Ndepapi pamwe patinofanira kunyaradza vamwe?
4 Pane Zvimwe Zviitiko: Kana hurukuro yemariro ichizopiwa paImba yoUmambo, pachange paine vanhu vasingatendi here? Vangapiwa mabhuku anonyaradza. Mamwe makambani anotarisira zvemariro akaonga chaizvo kuva nemabhuku anonyaradza mhuri dzinenge dzichichema. Pane dzimwe nguva, zvikamu zvomumapepanhau zvezviziviso zvemariro zvakaita kuti pave nomukana wokunyora tsamba pfupi yokunyaradza nhengo dzemhuri inenge yafirwa. Pane chimwe chiitiko, pashure pokunge vagamuchira tsamba yaiva nematurakiti, mumwe murume akanga afirwa nomukadzi akaenda iye nomwanasikana wake kumba kwomuparidzi wacho ndokumubvunza kuti: “Ndimi here makanditumira tsamba iyi? Ndiri kuda kuziva zvakawanda nezveBhaibheri!” Murume wacho nomwanasikana wake vakabvuma kudzidza Bhaibheri ndokutanga kupinda misangano yeungano.
5. Nei tichifanira kungwarira kushandisa mikana yokunyaradza vaya vanenge vachichema?
5 Muparidzi 7:2 inoti: “Zviri nani kuenda kuimba yokuchema pane kuenda kuimba yemabiko.” Munhu anenge achichema anowanzoda kuteerera Shoko raMwari kupfuura uya anenge achifara. Tose zvedu tinofanira kungwarira kushandisa mikana yakakodzera yokuti tinyaradze vaya vanenge vachichema mudiwa wavo anenge afa.