RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 9/08 p. 4
  • Dzidzisa Vamwe Kuda Jehovha

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Dzidzisa Vamwe Kuda Jehovha
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2008
  • Mashoko Akafanana
  • Ida Mwari Anokuda
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2006
  • “Ida Jehovha Mwari Wako”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2014
  • Tevedzera Jesu—Dzidzisa Norudo
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
  • Usarega Rudo Rwako Ruchitonhora
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2017
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2008
km 9/08 p. 4

Dzidzisa Vamwe Kuda Jehovha

1. Chii chinoswededza vamwe pedyo naJehovha?

1 Unoyeuka here pawakatanga kunzwa nezvaJehovha? Chii chakakuswededza pedyo naye? Vanhu vakawanda vane mwoyo yakarurama vachakuudza kuti vakaswededzwa pedyo noMusiki wedu pavakaziva nezveunhu hwake husingaenzaniswi, zvikurukuru tsitsi dzake norudo.—1 Joh. 4:8.

2, 3. Tingashandisa sei bhuku raBhaibheri Rinombodzidzisei kubatsira vari kudzidza Bhaibheri kuti vawedzere kuda Jehovha?

2 “Uyu Ndiye Mwari Wedu”: Bhuku raBhaibheri Rinombodzidzisei? rinotaura nezverudo rwaJehovha richiratidza kuti kuva noukama naye kunokosha. Tingashandisa sei bhuku iri kudzidzisa vanhu kuti vawedzere kuda Mwari? Patinosvika pane pfungwa itsva, tingabvunza mibvunzo inoita kuti tinzwe zvinofunga munhu yakadai seiyi: “Chokwadi ichi chinotiudzei nezvaJehovha?” kana kuti “Pfungwa iyi inoratidza sei kuti Jehovha ndiye Baba vakanakisisa vatingava navo?” Kudzidzisa nenzira iyi kunogona kubatsira watiri kudzidza naye kutanga kuva noukama hwoupenyu hwose naJehovha.

3 Kana tikabatsira vatinodzidza navo Bhaibheri kuona kuti zvakakosha sei kuwana zivo pamusoro paMwari mumwe chete wechokwadi, vachati “uyu ndiye Mwari wedu,” sezvakataurwa naIsaya. (Isa. 25:9) Patinenge tichitsanangura Shoko raMwari tinofanira kunyatsosimbisa kukomborerwa kuchaitwa vanhu pachazadzika chinangwa chaJehovha achishandisa hurumende yake inotungamirirwa naKristu Jesu.—Isa. 9:6, 7.

4, 5. Kuda Jehovha kunorevei?

4 Zvinoratidza Kuti Tinoda Jehovha: Tinoziva kuti kuda Jehovha nomwoyo wose, mweya, uye pfungwa hakungogumiri pamanzwiro atinoita mumwoyo nezvaMwari. Tinofanira kudzidza mafungiro ake toatevedzera. (Pis. 97:10) Kuda Mwari kunoratidzwa nokunyatsoteerera mirayiro yake uye kuramba tichiita “mabasa matsvene omufambiro nemabasa okuzvipira kuna Mwari,” kunyange patinoedzwa kana kushorwa.—2 Pet. 3:11; 2 Joh. 6.

5 Kana tichida Mwari, kuita zvaanoda kunotofadza. (Pis. 40:8) Munhu ari kudzidza Bhaibheri anofanira kunzwisisa kuti mirayiro yaMwari yose yakaitirwa kubatsira vashumiri vake nokusingaperi. (Dheut. 10:12, 13) Kana munhu achirarama zvinoenderana nezvinodiwa naJehovha, anoratidza kuti anonyatsoonga mabasa ake ose anoshamisa. Batsira ari kudzidza wacho kuti anzwisise kuti kufamba munzira dzaJehovha dzakarurama kuchaita kuti asawirwa nematambudziko.

6. Munhu angakomborerwa sei kana achida Jehovha?

6 Mwari Anokomborera Vanomuda: Jehovha ane hanya chaizvo nevaya vanomuda, uye anovaudza “zvinhu zvakadzama zvaMwari.” (1 VaK. 2:9, 10) Sezvo vachiziva zvinangwa zvaJehovha, vanonyatsoziva ramangwana ravo uye vane tariro yechokwadi. (Jer. 29:11) Vaya vanoda Jehovha vanoitirwa mutsa wakakura naye. (Eks. 20:6) Vanokoshesa tariro yokurarama nokusingaperi nokuti Mwari anovada chaizvo.—Joh. 3:16.

7. Unonzwa sei nezvokudzidzisa vamwe kuti vade Jehovha?

7 Kana tichiziva zvakawanda nezvaBaba vedu vokudenga, tinovawo nezvakawanda zvatingaudza vamwe. (Mat. 13:52) Kudzidzisa vamwe kuti vade Jehovha, kunyanya vana vedu, iropafadzo chaiyo! (Dheut. 6:5-7) Isu pamwe chete nevatinodzidza navo Bhaibheri, ngatirambei tichirumbidza Jehovha sezvatinoona ‘kuwanda kwokunaka kwake.’—Pis. 145:7.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe