RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • wp20 nha. 2 pp. 8-10
  • Umambo hwaMwari Huchatonga Riini Panyika?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Umambo hwaMwari Huchatonga Riini Panyika?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2020
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • ZVINHU ZVIPI ZVAKANZI NAJESU ZVAIZOITIKA?
  • CHIRATIDZO ICHI CHINOREVEI?
  • Kuparadzwa Kwenyika Kwakadeya Kuziviswa Kuchasvika Rini?
    Rugare Rwechokwadi Nokuchengeteka—Ungaruwana Sei?
  • Mazuva Okupedzisira
    Kukurukurirana Tichishandisa Magwaro
  • Bhaibheri Rakagara Rataurei Nezvekudengenyeka Kwenyika Kukuru?
    Dzimwe Nyaya
  • Tiri Kurarama Mu“mazuva Okupedzisira” Here?
    Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2020
wp20 nha. 2 pp. 8-10
Mumwe weZvapupu zvaJehovha ari kupa mumwe mukadzi pepa rekumukoka kumusangano vari pachingoro chemabhuku.

Umambo hwaMwari Huchatonga Riini Panyika?

Vateveri vaJesu vaida kuziva kuti Umambo hwaMwari huchatanga kutonga riini. Jesu akavati zvaisaita kuti vazive musi chaiwo. (Mabasa 1:6, 7) Ainge avaudza kuti pavaizoona zvimwe zvinhu zvava kuitika mune ramangwana, vabve ‘vaziva kuti Umambo hwaMwari hwava pedyo’ uye kuti nguva yekuti huchitonga panyika yasvika.​—Ruka 21:31.

ZVINHU ZVIPI ZVAKANZI NAJESU ZVAIZOITIKA?

Jesu akati: “Rudzi ruchamukira rudzi, uye umambo huchamukira umambo. Kuchava nekudengenyeka kwenyika kukuru, uye munzvimbo dzakawanda muchava nenzara nematenda.” (Ruka 21:10, 11) Zvinhu izvi zvaizova chiratidzo chakajeka chekuti “Umambo hwaMwari hwava pedyo.” Zvinhu izvi zvaizoitika panguva imwe chete pasi rese here? Ngatimboonai.

1. HONDO

Ndege dzehondo, mota dzehondo, nemabhomba.

Muna 1914 kwakaitika hondo yaibatanidza nyika dzese uye kwakanga kusati kwamboitika hondo yakadaro. Vanyori vezvakaitika kare vanoti gore iri rakachinja zvinhu, nekuti ndipo pakaitika hondo yaibatanidza nyika dzese. Ndipo pakatanga kushandiswa mota hombe dzehondo, mabhomba anokandwa kubva mundege, pfuti dzine simba, magasi ane muchetura nezvimwewo zvombo. Kwakazotevera imwe hondo uye pakatanga kushandiswa zvombo zvenyukiriya. Kubvira gore ra1914 vanhu vari kungorwisana uye mamiriyoni ari kufa.

2. KUDENGENYEKA KWENYIKA

Kudengenyeka kwenyika kuri kuparadza zvivakwa.

Bhuku rinonzi Britannica Academic rinoti kudengenyeka kunenge 100 kwakasimba zvekugona kuparadza zvinhu, kunoitika gore negore. Vaongorori veUnited States Geological Survey vachitora kubva pane zvakaitika kutangira munenge mugore ra1900 vanoti, “tinogona kutarisira kudengenyeka kunenge 16 kwakasimba pagore.” Vamwe vanoti kudengenyeka kwagara kwaingoitika. Asi kungoti takanga tisina michina yaitibatsira kuti tione kudengenyeka kwese kwaiitika. Pasinei nezvavangataura kudengenyeka kuri kukonzera kutambura uye kufa kwevakawanda chaizvo.

3. NZARA

Chati iri kuratidza kuderera kwegoho.

Nzara inokonzerwa nehondo, uori, matambudziko ezveupfumi munyika, kutadza kurima uye kukundikana kuita zvinenge zvichienderana nemamiriro ekunze. Sangano reWorld Food Programme muna 2018 rakati: “Pasi rese vanhu vanenge 821 miriyoni havana zvekudya zvakakwana uye 124 miriyoni havana kana chekubata.” Vana vanosvika 3,1 miriyoni vanofa gore rega rega nemhaka yekushaya zvekudya zvinovaka muviri. Muna 2011, inenge hafu yevana vakafa gore iroro yakafa zvichikonzerwa nekushaya zvekudya.

4. ZVIRWERE

Zviratidzo zvemabhakitiriya.

Rimwe bhuku rakabudiswa nesangano reWorld Health Organization rakati: “Makore ekuma2000 akatanga nezvirwere zvinotyisa. Vanotiwo zvirwere zvagara zvichizivikanwa zvakadai sekorera, neyero fivha zvakadzoka zvekare. Uye kwatova nezvimwe zvitsva zvakadai seSARS, furuwenza, Ebola uye Zika.” Mazuva ano, kunewo COVID-19. Pasinei nekufambira mberi kuri kuitwa mune zvekurapa, vanachiremba havasi kukwanisa kuwana mishonga inogona kupedza zvirwere zvese.

5. KUPARIDZA PASI RESE

Pikicha iri kuratidza kuti mashoko akanaka ari kuparidzwa pasi rese.

Jesu akataura zvimwe zvaizoitika paakati: “Aya mashoko akanaka eUmambo achaparidzwa munyika yese kuti ave uchapupu kumarudzi ese, mugumo wozosvika.” (Mateu 24:14) Nyika pairi pakati pematambudziko aya vanhu vanopfuura 8 miriyoni vari kuparidzira mashoko akanaka eUmambo hwaMwari munyika 240 uye mumitauro inopfuura 1 000. Izvi hazvisati zvamboitika.

CHIRATIDZO ICHI CHINOREVEI?

Zvinhu zvakataurwa naJesu kuti zvaizova chiratidzo tiri kunyatsozviona nhasi. Saka zviri kurevei? Jesu akati: “Pamunoona zvinhu zvese izvi zvava kuitika, zivai kuti Umambo hwaMwari hwava pedyo.”​—Ruka 21:31.

Jesu akagara pachigaro cheumambo kudenga, achitonga nyika inenge yava paradhiso.

Kwasara nguva pfupi kuti Umambo huite kuti kuda kwaMwari kuitwe panyika

Kuzadzika kwechiratidzo chakataurwa naJesu uye makore anotaurwa muBhaibheri, zvinonyatsoratidza kuti Mwari akagadza Umambo hwake kudenga mugore ra1914.a Panguva iyoyo, akagadza Mwanakomana wake Jesu Kristu saMambo. (Pisarema 2:2, 4, 6-9) Kana Umambo hwaMwari hwava kutonga panyika huchabvisa hurumende dzese dziri panyika, hwoita kuti vanhu vararame pasi pano muparadhiso nekusingaperi.

Kwasara nguva pfupi kuti mashoko akataurwa naJesu azadzike ekuti: “Umambo hwenyu ngahuuye. Kuda kwenyu ngakuitwe, panyika, sekudenga.” (Mateu 6:10) Asi zvinhu zvipi zvakaitwa neUmambo kubva pahwakagadzwa kudenga muna 1914? Uye ndezvipi zvahuchaitira vanhu pahuchatonga panyika?

a Kana uchida kunzwa zvimwe nezvegore ra1914, ona chidzidzo 32 mubhuku raRarama Nekusingaperi Uchifara! rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe