Mushandirapamwe Wokuzivisa nezveChirangaridzo!
1. Pasi pose, vaparidzi voUmambo vachange vachiitei kutanga musi waMarch 21, 2009, uye nei?
1 Musi weChina, April 9, 2009, pasi pose vanamati vaJehovha Mwari vachaungana kuti vayeuke kuratidza rudo kukuru kwaakaitira vanhu. (VaR. 5:6-8) Tinotarisira nomwoyo wose kuti tichava nemamiriyoni evanhu vanofarira patinenge tichiyeuka rufu rwaJesu. Pepa rokukokera Chirangaridzo richaparadzirwa pasi pose kutanga musi waMarch 21.
2. Ipfungwa dzipi dzaunofanira kuyeuka paunenge uchigovera pepa rokukokera Chirangaridzo?
2 Pfungwa Dzokuyeuka: Shandisa zvakanaka mifananidzo, mibvunzo uye rugwaro zviri papepa racho. Somuenzaniso, uchiratidza munhu mufananidzo uri pokutanga ibva wati: “Ndinoda chaizvo kukukokai kuti tizoyeuka tose rufu rwaJesu, nomusi weChina, April 9, 2009.” Zvadaro muratidze musoro wacho nemibvunzo iripo. Iva nechokwadi chokuudza saimba kuti anogonawo kukoka vomumhuri make nevamwe vaanoda kuuya navo.
3. Ungaita sei kuti uonezve vanhu vawakakokera kuChirangaridzo pamushandirapamwe?
3 Kana ungano yenyu iine ndima yakakura, vakuru vangakuudzai kuti musiye mapepa acho padzimba dzinenge dzisina vanhu. Pakupera kwevhiki, govera magazini pamwe chete nemapepa okukokera Chirangaridzo. Vavarira kukoka vanhu vaunenge wadzokerazve kunoona, vadzidzi veBhaibheri, voukama, vokuchikoro, vaunoshanda navo, vavakidzani uye vamwe vaunozivana navo. Gore rapera imwe hanzvadzi yakakoka hama dzayo 30 uye yaigara ichidziyeuchidza nezvokukosha kwechiitiko chacho. Yakafara kwazvo kuti 25 vacho vakapinda, uye 4 vavo vakazobvuma kudzidza Bhaibheri!
4. Tinofanira kurongei iye zvino, uye nei?
4 Ronga Iye Zvino: Vaparidzi vakawanda vangakwanisa kuwedzera basa ravo muna March naApril. Kana uine vana kana vadzidzi veBhaibheri vari kufambira mberi, iyi ingava nguva yakanaka kwazvo yokuti vave vaparidzi vasina kubhabhatidzwa. Iye zvino ndiyo nguva yokutanga kuronga kuti ushande zvizere pamushandirapamwe uyu unozivisa kuratidzwa kukuru kuviri kwerudo.—Joh. 3:16; 15:13.