Ushumiri Hwedu Hunoratidza Kuda Kwatinoita Mwari
1. Kuda Mwari kwakaita kuti Jesu aitei?
1 Rudo rwakaita kuti Jesu aite ushumiri hwake. Zvose zvakaitwa naJesu muushumiri uchapupu husingarambiki hwokuda kwaaiita Jehovha. Jesu akati: “Kuti nyika izive kuti ndinoda Baba, Baba zvavakandipa murayiro wokuita, ndizvo zvandiri kuita.” (Joh. 14:31) Sevateveri vetsoka dzaJesu, isuwo tine ropafadzo yokuratidza muushumiri hwedu kuda kwatinoita Mwari zvakadzama.—Mat. 22:37; VaEf. 5:1, 2.
2. Kuda Jehovha kunoita sei paushumiri hwedu?
2 “Zita Renyu Ngaritsveneswe”: Patinoshingairira kushandisa mukana wose wokuti titaure nevamwe nezvaJehovha uye nezvoUmambo hwake, tinoratidza kuda kwatinoita Mwari, uye zvechokwadi tinenge tichibatsira pakutsveneswa kwezita rake. (Pis. 83:18; Ezek. 36:23; Mat. 6:9) Kufanana noushumiri hwaJesu, ushumiri hwedu hunoramba huchiratidza chido chedu chomwoyo wose chokuti zita raJehovha ritsveneswe uye chokuti zvaanoda zviitwe.—Mat. 26:39.
3. Kuda kwatinoita Jehovha kunotibatsira sei kukunda zvipingamupinyi?
3 Rudo Runoita Kuti Tikunde Zvipingamupinyi: Kuda Jehovha kunoita kuti tikunde zvipingamupinyi zvose. (1 VaK. 13:4, 7) Jesu akasangana nemamiriro ezvinhu akasiyana-siyana muupenyu angadai akaita kuti arege ushumiri hwake. Zvisinei, paaisangana nezvipingamupinyi, kuda kwake Jehovha zvakadzama uye chido chokuita zvaanoda zvakaita kuti akunde. (Mako 3:21; 1 Pet. 2:18-23) Isuwo tinosangana nematambudziko akawanda, asi kuda kwedu Jehovha kunotibatsira kuakunda. Kana tikanyatsotevedzera muenzaniso waKristu, tinganzwa tine chivimbo uye tisingatyi kuita zvose zvatinokwanisa muushumiri hwedu. Kunyange zvazvo kushorwa nemhuri, kurwara, kukwegura, kana kuti kusakendenga kwevanhu zvingatikanganisa, izvozvo hazviiti kuti tirege kuratidza kuda kwatinoita Jehovha nokuita ushumiri hwedu zvinobudirira sezvatingakwanisa.
4. Kuda Jehovha kunotipa ropafadzo yei?
4 Rudo rune simba, uye takakomborerwa nokuti tinokwanisa kuratidza kuda Mwari nomwoyo wose muushumiri hwedu. (1 VaK. 13:13) Nguva yokuti zita raJehovha ritsveneswe zvachose uye kekupedzisira zvairi kukurumidza kuuya, ‘rudo rwedu ngarurambe ruchiwanda.’—VaF. 1:9; Mat. 22:36-38.