Nyatsogadzirira Kudzidzisa
1. Patinenge tichidzidzisa mumwe munhu Bhaibheri, nei tichifanira kuita kuti aonge zvaanenge achidzidza?
1 Patinenge tichidzidzisa munhu Bhaibheri, tinofanira kuva vakanyatsogadzirira kana tichizoita kuti mudzidzi asvike pakushumira Jehovha. Tinofanira kuita kuti zvatinovavarira zvibudirire nokuita kuti mudzidzi wacho aonge chokwadi cheBhaibheri. Izvozvo zvichabva zvamukurudzira. (Dheut. 6:5; Zvir. 4:23; 1 VaK. 9:26) Tingazviita sei?
2. Munyengetero unotibatsira sei pakugadzirira zvakanaka?
2 Nyengetera Paunenge Uchigadzirira: Jehovha zvaariye anoita kuti mbeu yechokwadi ikure mumwoyo womudzidzi, zvakakodzera kuti titange kugadzirira chidzidzo chacho nokunyengeterera mudzidzi wacho uye zvaanoda. (1 VaK. 3:6; Jak. 1:5) Munyengetero wakadaro ungatibatsirawo kuona kuti tingamubatsirazve sei kuti mwoyo wake uzare ne“zivo yakarurama” yezvinodiwa naJehovha.—VaK. 1:9, 10.
3. Tingagadzirira sei tichifunga nezvomudzidzi?
3 Funga Nezvomudzidzi Wacho: Jesu aiziva kuti kudzidzisa zvinobudirira kunosanganisira kufunga nezvevanhu vakateerera. Kaviri, Jesu akabvunzwa mubvunzo wakafanana wokuti: “Ndingaiteiko kuti ndigare nhaka youpenyu husingaperi?” Akapindura mumwe nomumwe zvakasiyana. (Ruka 10:25-28; 18:18-20) Patinenge tichigadzirira, tinofanira kunge tichifunga nezvomudzidzi wacho. Pamagwaro arimo, ndeapi atichaverenga naye? Tichaedza kudzidza naye zvakawanda sei? Ipfungwa dzipi dziri muchidzidzo chacho dzingava dzakaomera mudzidzi wacho kunzwisisa kana kuti kubvuma? Kana tikafanofungidzira mimwe mibvunzo ingabvunzwa, tichange tagadzirira zvakanaka kunyatsoipindura.
4. Kugadzirira zvakanaka kunosanganisirei?
4 Dzokorora Mashoko Acho: Zvisinei nokuti kare takadzidza mashoko acho kakawanda sei, aka kachange kari kekutanga kuadzidza nomudzidzi uyu. Kana tichizosvika mwoyo wake, zvinokosha kuti tigadzirire zvakanaka chidzidzo choga choga. Izvi zvinoreva kuti tinofanira kuita zvatinokurudzira mudzidzi wedu kuti aite. Uchifunga nezvomudzidzi wacho, dzokorora mashoko acho, kusanganisira magwaro arimo, uye ungatomaka pfungwa huru.—VaR. 2:21, 22.
5. Tingatevedzera sei Jehovha?
5 Jehovha anofarira chaizvo kufambira mberi kwomudzidzi weBhaibheri mumwe nomumwe. (2 Pet. 3:9) Kana tikawana nguva yokugadzirira chidzidzo cheBhaibheri choga choga, tinoratidza kuva nehanya kworudo kwakafanana.