Ipa Vadzidzi Vako ‘Mweya Wako’
1. Tinofanira kuitei kuti tibatsire mudzidzi weBhaibheri?
1 Kuti ubatsire mudzidzi weBhaibheri kuti asvike pakuzvitsaurira, pane zvimwe zvaunofanira kuita zvinopfuura kungogara uchidzidza naye Bhaibheri. Muapostora Pauro akafananidza ukama hwaaiva nahwo nevaya vaaidzidzisa naamai vanoyamwisa vanenge vachitarisira vana vavo. Nesuwo tinofara kupa vadzidzi vedu “mweya yedu” kuitira kuti tivabatsire kusimba pakunamata.—1 VaT. 2:7-9.
2. Nei tichifanira kunyatsofarira mudzidzi, uye izvi zvingaitwa sei?
2 Nyatsomufarira: Mudzidzi weBhaibheri zvaanoshandisa zvaari kudzidza, hana yake ichaita kuti arege kushamwaridzana zvakanyanya nevaya vasingararami maererano nezvinotaura Bhaibheri. (1 Pet. 4:4) Vemhuri yake vangamuramba. (Mat. 10:34-36) Tingamubatsira kuti asasurukirwa nokunyatsomufarira. Mumwe ava nenguva ari mumishinari anopa zano rokuti: “Pamunenge mapedza kudzidza usabva wangoenda. Kana zvichiita imboti garei muchikurukura.” Gara wakagadzirira kupa mudzidzi wako rubatsiro runoshanda. Somuenzaniso, ungamufonera kana kumushanyira paanenge achirwara here? Kana zvakakodzera, ungagara here pedyo nemudzidzi wako pamisangano, womubatsira kutarisira vana vake?
3. Tingabatsira sei mudzidzi wedu kuti akurudzirwe neungano?
3 Kubatsira Kunoita Ungano: Kana uri muushumiri pedyo nekunogara mudzidzi wako, unodii kumushanyira kwenguva pfupi kuti aonane nevaunenge uchishanda navo? Kana zvakakodzera, panguva nenguva kumbira vaparidzi vakasiyana-siyana, kusanganisira vakuru, kuti vaende newe kuchidzidzo chako. Uyewo, kana chidzidzo chacho changotangwa, kurudzira mudzidzi wako weBhaibheri kupinda misangano paImba yeUmambo. Izvi zvichaita kuti anakidzwe nekushamwaridzana kunovaka nevari muungano avo vangazova mhuri yake mune zvokunamata.—Mako 10:29, 30; VaH. 10:24, 25.
4. Kushingaira kwedu kungaita kuti tiwane mubayiro sei?
4 Mubereki anoshingaira kubatsira vana vake pakunamata anozofara chaizvo pavanotsigira Jehovha vofamba muchokwadi. (3 Joh. 4) Tingafarawo saizvozvo sezvatinopa vadzidzi vedu veBhaibheri mweya yedu kuti tivabatsire.