RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 4/10 p. 1
  • Nyengetedza Paunenge Uchidzidzisa

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Nyengetedza Paunenge Uchidzidzisa
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2010
  • Mashoko Akafanana
  • Magwaro Ashandiswa Zvakarurama
    Batsirwa Nedzidzo Yechikoro chaMwari Choushumiri
  • Unotsigira Shoko raMwari Here?
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2007
  • Shandisa “Bakatwa Romudzimu” Nounyanzvi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2010
  • Manyengetedzero Atingaita Vamwe
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2001
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2010
km 4/10 p. 1

Nyengetedza Paunenge Uchidzidzisa

1. Kushandisa zvakanaka Shoko raMwari muushumiri kunowanzosanganisirei?

1 Kufanana nemuapostora Pauro, vashumiri vanonyatsokwanisa, vanoziva kuti ‘kubata shoko rechokwadi zvakarurama’ hakungogumiri pakutaura zviri muMagwaro Matsvene chete. (2 Tim. 2:15) Patinenge tichishandisa Shoko raMwari, ‘tinganyengetedza’ sei pakudzidzisa kwedu?—Mab. 28:23.

2. Tingaita sei kuti vamwe vawedzere kuremekedza kwavanoita Shoko raMwari?

2 Shandisa Shoko raMwari: Chokutanga, ratidza muteereri wako zvinotaura Bhaibheri nenzira inoita kuti aremekedze uchenjeri hunobva kuna Mwari. Patinoratidza kuti tine chokwadi nezvinotaurwa neShoko raMwari, izvozvo zvinogona kukurudzira muteereri wedu kuti anyatsoteerera panenge pachiverengwa rugwaro. (VaH. 4:12) Tinogona kungoti: “Ndakaona zvichibatsira kuziva maonero aMwari panyaya iyi. Onai kuti Shoko rake rinoti kudini.” Pazvinenge zvichiita, shandisa Shoko raMwari uchiita zvokuriverenga.

3. Pashure pokunge rugwaro rwaverengwa, zvii zvingaitwa kubatsira muteereri kuti anzwisise zvinoreva rugwaro rwacho?

3 Chechipiri, tsanangura rugwaro rwacho. Vanhu vakawanda vanoona zvakaoma kunzwisisa rugwaro parunoverengwa kekutanga. Zvinokosha kuti titsanangure mashandiro arunoita. (Ruka 24:26, 27) Simbisa pfungwa huru. Mubvunzo unogona kukubatsira kuona kana muteereri wako anzwisisa pfungwa yacho.—Zvir. 20:5; Mab. 8:30.

4. Kuitira kuti tigone kunyengetedza patinenge tichidzidzisa, idanho ripi rokupedzisira rinokosha ratinofanira kutora?

4 Kurukura Uchishandisa Magwaro: Chechitatu, vavarira kusvika pamwoyo nepfungwa. Batsira saimba kuona kuti rugwaro runoshanda sei muupenyu hwake. Kukurukura uchishandisa Magwaro kunogona kunyengetedza munhu kuti achinje mafungiro ake. (Mab. 17:2-4; 19:8) Somuenzaniso, pashure pokuverenga Pisarema 83:18, tinogona kukurukura naye kuti aone zvazvinokoshera kuziva zita remumwe munhu kuitira kuti ushamwari hupfumbire. Zvadaro, tingabvunza kuti, “Munofunga kuti kuziva zita raMwari kunogona kuita kuti munyengetero wenyu unyanye kuva nezvaunoreva here?” Kutsanangura kushanda kunoita rugwaro muupenyu hwasaimba seizvi, kunoratidza kubatsira kwarunoita. Kudzidzisa nokunyengetedza seizvi uchishandisa Shoko raMwari kunogona kuita kuti vaya vane mwoyo yakarurama vauye kuzonamata Mwari wechokwadi mupenyu, Jehovha.—Jer. 10:10.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe