RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 5/10 pp. 3-5
  • “Unogona Kuva Piyona Akanaka!”

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • “Unogona Kuva Piyona Akanaka!”
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2010
  • Mashoko Akafanana
  • Mapiona Anopa uye Anogamuchira Zvikomborero
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
  • Basa Rokupayona—Unogona Kuriita Here?
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1998
  • Zvikomborero Zvoushumiri Hwoupiyona
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
  • Iye Zvino Ndiyo Nguva Yokuparidza!
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2005
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2010
km 5/10 pp. 3-5

“Unogona Kuva Piyona Akanaka!”

1. Imwe hanzvadzi yainzwa sei nezveushumiri hwayo sapiyona?

1 Kathe B. Palm akati: “Hapana rimwe basa chero ripi zvaro randaizowana raigona kuzoita kuti ndifare uye ndigutsikane pane zvokunamata sezvandiri kuita.” Akapedza makumi emakore achishumira sapiyona akazvipira, achipupura kubva kune rimwe divi reChile, iri kuSouth America, kusvika kune rimwe divi racho. Achifunga nezveupenyu hunogutsa hwevaya vari mubasa renguva yakazara, zvichida mumwe munhu akatomboti kwauri: “Unogona kuva piyona akanaka.”

2. Tsanangura kuti nei kunyatsogutsikana kuchibva pakuita zvine chokuita nokunamata.

2 Nzira Youpenyu Inogutsa: Muenzaniso wedu, Jesu, aizorodzwa chaizvo nokuita kuda kwaBaba wake. (Joh. 4:34) Saka, Jesu akadzidzisa vadzidzi vake nemwoyo wose kuti kugutsikana kwechokwadi kunobva pakuita mabasa ane chokuita nokunamata Jehovha. Tinogutsikana kana upenyu hwedu hwakazara nemabasa anoita kuti tifarirwe naJehovha. Uyezve, patinoshandisa nguva yakawanda, simba nezvinhu zvedu kuti tibatsire vamwe, tinowedzera mufaro wedu.—Mab. 20:31, 35.

3. Tingawana mufaro wakadini kana tikapedza nguva yakawanda tiri mubasa roushumiri?

3 Patinopedza nguva yakawanda tiri muushumiri, tinowanawo mikana yakawanda inofadza yokutanga kukurukura uye kudzidza nevanhu Bhaibheri. Kunyange munzvimbo ine vanasaimba vakawanda vanoita sokuti havakendengi, patinowana ruzivo uye unyanzvi muushumiri, tingazoona kuti ndima yedu ine zvibereko chaizvo kupfuura zvataifunga tisati tava kupayona. Mapiyona anogona kushandisa zvizhinji zvavakadzidza muChikoro Chebasa Roupiyona, chinopindwa nemunhu kana achinge akwanisa gore ari piyona. (2 Tim. 2:15) Sezvatinoramba tichitsungirira, tingangove tichitodyara mbeu dzechokwadi dzinozobereka zvibereko munguva yemberi.—Mup. 11:6.

4. Vechiduku vava kuda kupedza chikoro vanofanira kufunga nezvei?

4 Vechiduku: Sezvaunopedza chikoro, wakambonyatsofunga nezveramangwana rako here? Kusvikira iye zvino, basa rako rechikoro ndiro range richinyanya kutora nguva yako pane zvawaiita. Uchashandisa sei nguva iyoyo kana wapedza chikoro? Pane kuti sika-sika nebasa rokunyika, wadii kunyengetera, wofunga nezvekuita upiyona hwenguva dzose? Unyanzvi hwauchadzidza, hwakadai sokupupurira kuvanhu vari mumamiriro ezvinhu akasiyana-siyana, kukunda zvipingamupinyi zvaunosangana nazvo, kuvavarira kuti uzvidzore, uye kuva nyanzvi pakudzidzisa, zvichakubatsira muupenyu hwako hwose.

5. Vabereki nevamwe vari muungano vangakurudzira sei vaduku kupayona?

5 Vabereki, mune zvamuri kuitawo here pakubatsira vana venyu kuti vazosarudza basa renguva yakazara? Mashoko uye muenzaniso wenyu wakanaka zvinogona kuvabatsira chaizvo kuisa zvinhu zvine chokuita noUmambo pokutanga. (Mat. 6:33) Ray, uyo akatanga kupayona paakanga ava kupedza chikoro chesekondari, anoti: “Amai vangu vaifunga nguva dzose kuti kupayona kunoita kuti munhu ugutsikane chaizvo muupenyu.” Vose vari muungano vanogona kukurudzira vaduku kuti vatore basa roupiyona nezvavanotaura uye nokuvatsigira. Jose wokuSpain, anoti: “Vomuungano yangu vaiona basa roupiyona sebasa rakanaka kupfuura mamwe ose kune vechiduku. Zvavaitaura uye kukoshesa kwavaiita basa roupiyona pamwe chete norubatsiro runoshanda rwavakandipa zvakaita kuti zvive nyore kuti nditange kupayona.”

6. Tingaitei, kana iye zvino tisina chido chokupayona?

6 Kukunda Zvipingamupinyi: Asi, ko kana ukati, ‘Handina chido chokupayona.’ Kana zvirizvo zvichatanga kuuya mumusoro mako, nyengetera kuna Jehovha nezvemanzwiro aunoita womuudza kuti, ‘Handizivi kana kupayona kwakandinakira, asi ndinoda kuita zvinokufadzai.’ (Pis. 62:8; Zvir. 23:26) Wadaro, tsvaka mazano aanopa achishandisa Shoko rake uye sangano rake. Mapiyona enguva dzose akawanda akatanga “kuravidza” upiyona nokuita hwebetsero, uye kufara kwavakaita kwakaita kuti vatange basa renguva yakazara.—Pis. 34:8.

7. Tingaitei kana tisina chokwadi chokuti tingasvitsa maawa 70 anodiwa mwedzi woga woga?

7 Ko kana usina chokwadi chokuti uchasvitsa maawa 70 anodiwa pamwedzi woga woga? Wadii kutaura nemapiyona ane mamiriro ezvinhu akafanana neako? (Zvir. 15:22) Wadaro wonyora purogiramu dzinoverengeka dzaungashandisa. Ungaona kuti kutenga nguva yokuti ubude muushumiri kubva pazvinhu zvisingakoshi kuri nyore kupfuura zvawaifunga pakutanga.—VaEf. 5:15, 16.

8. Nei tichifanira kuongorora mamiriro edu ezvinhu nguva nenguva?

8 Ongororazve Mamiriro Ako Ezvinhu: Mamiriro ezvinhu omunhu anowanzochinja. Zvakanaka kuongorora mamiriro ako ezvinhu nguva nenguva. Somuenzaniso, wava kuda kusvika nguva yokuenda pamudyandigere here? Randy, uyo akasarudza kukurumidza kuenda pamudyandigere, anoti: “Kusarudza kuita izvozvo kwakaita kuti ndikwanise kutanga upiyona hwenguva dzose pamwe nemudzimai wangu, uye zvakaita kuti tikwanise kutama kuti tinoshumira kunonyanya kudiwa vaparidzi. Ndakawana zvikomborero zvakawanda chaizvo pamusana pezvandakasarudza, asi chikomborero chinopfuura zvose kuva nehana yakanaka.”

9. Varume nemadzimai avo vanofanira kufunga nezvechii?

9 Pashure pokunge vanyatsoongorora mamiriro avo ezvinhu, vamwe varume nemadzimai avo vakaona kuti vaisafanira havo kuswera vari kubasa mazuva ose. Chokwadi, izvi zvingada kuti mhuri isava noupenyu hune twakawandawanda, asi kuita izvozvo kunobatsira. John, uyo ane mudzimai akarega basa kuti awedzere ushumiri hwake, anoti: “Hapana chimwe chinondifadza kupfuura kuziva kuti mudzimai wangu anoswera achiita zvinhu zvine chokuita nokunamata.”

10. Chii chinoita kuti vaKristu vafunge nezvokupayona?

10 Kuratidzwa Kworudo Uye Kutenda: Jehovha akaita kuti kuparidza kuve basa rinokosha kupfuura mamwe mabasa ose angaitwa nachero ani zvake. Mamiriro ezvinhu aripo iye zvino haana nguva asati aparadzwa, uye vaya chete vanodana pazita raJehovha ndivo vachaponeswa. (VaR. 10:13) Mwoyo uzere nokumuda uye kuonga zvaakatiitira uchaita kuti titeerere murayiro weMwanakomana wake wokuti tishingaire kuparidza. (Mat. 28:19, 20; 1 Joh. 5:3) Uyezve, kutenda kuti zvechokwadi tiri mumazuva okupedzisira kuchaita kuti tiite zvose zvatinokwanisa muushumiri nguva ichiripo, pane kushandisa nyika zvizere.—1 VaK. 7:29-31.

11. Kana mumwe munhu akatiudza kuti tinogona kuva piyona akanaka, tinofanira kuzviona sei?

11 Kuita upiyona hwenguva dzose haisi nyaya yokungoita maawa akawanda chete; asi kuratidza kuzvipira kwedu kuna Mwari. Saka, kana mumwe munhu akakuudza kuti unogona kuva piyona akanaka, ona sokuti unenge warumbidzwa. Nyatsofungisisa uchiita zvokunyengetera nezvenyaya yokubatana nevaya vari mubasa iri rinogutsa.

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 4]

Vabereki, mune zvamuri kuitawo here pakubatsira vana venyu kuti vazosarudza basa renguva yakazara?

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 5]

Jehovha akaita kuti kuparidza kuve basa rinokosha kupfuura mamwe mabasa ose angaitwa nachero ani zvake.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe