RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 5/10 p. 7
  • Kudzidzisa Kwaungaita Vatsva Kuparidzira

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kudzidzisa Kwaungaita Vatsva Kuparidzira
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2010
  • Mashoko Akafanana
  • Kuvandudza Unyanzvi Hwedu Muushumiri—Kudzidzisa Vatsva
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2015
  • Vadzidzise Kuti Varambe Vachishumira Jehovha
    Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa (2017)
  • Kuvandudza Unyanzvi Hwedu Muushumiri—Kubatsira Watinenge Tichishanda Naye
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2014
  • Chikamu 10—Kudzidzisa Vanhu Bhaibheri Zvinofambira Mberi
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2005
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2010
km 5/10 p. 7

Kudzidzisa Kwaungaita Vatsva Kuparidzira

1. Wakanzwa sei pawakatanga kuenda muushumiri?

1 Unoyeuka here pawakatanga kuenda muushumiri hwepaimba neimba? Zvichida waitya chaizvo. Kana waishanda nemunhu aikudzidzisa Bhaibheri kana kuti mumwe muparidzi, hapana mubvunzo kuti wakafara kuti aikubatsira. Iye zvino zvawava mushumiri ane unyanzvi, wava kukwanisa kubatsira pakudzidzisa vatsva kuparidza.

2. Vaparidzi vatsva vanofanira kudzidzei?

2 Vaparidzi vatsva vanofanira kudzidza matangiro avangaita kukurukura nasaimba, kushandisa Bhaibheri pasuo, kushanyazve, uye kutanga uye kupfuurira kudzidza Bhaibheri nevanhu. Vanofanirawo kudzidza kuparidza kwavangaita nenzira dzakasiyana-siyana, zvakadai sokupupura mumugwagwa uye kushanyira vanhu munzvimbo dzebhizimisi. Unogona kuvabatsira kunatsiridza pane izvi nomuenzaniso wako uye nemazano aunovapa.

3. Tingabatsira sei vamwe nomuenzaniso wedu?

3 Dzidzisa Nomuenzaniso: Jesu akaratidza vadzidzi vake kuparidza kwavaifanira kuita. (Ruka 8:1; 1 Pet. 2:21) Paunoronga kushanda nemuparidzi mutsva mutsva, gadzirira mharidzo iri nyore ingatevedzerwa nemuparidzi wacho, zvichida uchishandisa muenzaniso uri mune rimwe remabhuku edu. Wadaro muudze kuti unoda kuparidza pasuo rokutanga kana maviri kuitira kuti muparidzi wacho anzwe zvauchataura. Muchibva pane rimwe suo kuenda kune rimwe, ungabvunza muparidzi wacho zvaaona pakubudirira kwemharidzo yako. Izvi zvichamubatsira kuona kukosha kwokushanda nevamwe muushumiri uye zvichamuitira nyore kugamuchira mazano aungazomupa pashure pokunge apa mharidzo yake.

4. Tingabatsira sei muparidzi mutsva pashure pokunge tanzwa mharidzo yake?

4 Ipa Mazano: Jesu akapawo vadzidzi vake mirayiridzo yokuparidza kwavaifanira kuita. (Mat. 10:5-14) Unogona kubatsira muparidzi mutsva saizvozvowo. Kana chava chijana chake chokutaura, nyatsoteerera. Mabva pasuo, taura zvinhu zvakanaka zvaaita uye mutende nemwoyo wose, kunyange zvazvo paine zvimwe zvawaona zvinoda kugadziriswa pamharidzo yake. Usati wamupa mazano, ungasarudza kuona kana achizonatsiridza pane izvozvo pasuo rinotevera. Zvichida yange ingori nyaya yokuti ange achitya. Yeukawo kuti vaparidzi vane mano akasiyana, uye kazhinji pane nzira dzakawanda dzakarurama dzokuita chimwe chinhu.—1 VaK. 12:4-7.

5. Chii chatingataura kana kuri kuti ndisu tasarudza kutanga kupa muparidzi mutsva mazano?

5 Dzimwe nguva muparidzi mutsva angakukumbira mazano. Asi kana akasadaro, tanga iwe kumubatsira. Izvi zvingaitwa sei nounyanzvi? Vamwe vaparidzi vane unyanzvi vangangobvunza kuti, “Ndingataura zano rimwe ramungashandisa here?” kana kuti, “Munofunga kuti zvange zvakadini?” Zvimwe zvaungataura ndeizvi, “Pandaiva muparidzi mutsva, ndaiona zvakaoma ku . . . , asi ndakaona izvi zvichibatsira. . . . ” Dzimwe nguva zvinobatsira kuverenga pamwe chete zviri mubhuku raKukurukurirana. Kuti urege kumupa zvakawandisa, mupe mazano pachinhu chimwe chete chine chokuita nemharidzo yake.

6. Panyaya youshumiri, ‘simbi inorodza imwe simbi’ sei?

6 Simbi Inorodza Imwe Simbi: Timoti, muevhangeri aiva nounyanzvi, akakurudzirwa naPauro kuti arambe achishingairira kudzidzisa uye kufambira mberi. (1 Tim. 4:13, 15) Kunyange zvazvo pangava nemakore kubvira pawakatanga kuenda muushumiri, haumbofaniri kurega kuedza kunatsiridza unyanzvi hwako. Dzidza kune vamwe vaparidzi vaunoparidza navo, kunyange vaya vane ruzivo rushoma muushumiri, uye gara wakagadzirira kubatsira vamwe nenzira yomutsa, kunyanya vatsva vatsva, kuti vave vashumiri vemashoko akanaka vane unyanzvi.—Zvir. 27:17.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe