Bhokisi Remibvunzo
◼ Tinofanira kudzidza kwenguva yakareba sei nemudzidzi weBhaibheri anofambira mberi?
Zvakanaka chaizvo kana tikaramba tichidzidza nemudzidzi weBhaibheri anofambira mberi kutozosvikira apedza mabhuku maviri—Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo? uye “Rambai Muri Murudo rwaMwari.” Ndizvo zvimwe chete kana mudzidzi akabhabhatidzwa asati apedza mabhuku acho ari maviri. Pashure pokunge abhabhatidzwa, tingaramba tichishuma nguva, kudzokerera, uye chidzidzo chacho. Kana mumwe muparidzi akaenda nesu obatanidzwawo pachidzidzo chacho, angaverengawo nguva yacho.—Ona Ushumiri Hwedu hwoUmambo hwaMarch 2009, peji 2.
Zvinokosha kuti vatsva vanyatsosimba muchokwadi tisati tarega kudzidza navo. Vanofanira ‘kudzika midzi’ muna Kristu uye ‘kudzikamiswa pakutenda’ kuitira kuti vakwanise kutsungirira miedzo yavachasangana nayo. (VaK. 2:6, 7; 2 Tim. 3:12; 1 Pet. 5:8, 9) Uyewo, kuti vadzidzise vamwe zvinobudirira, vanofanira kuva “nezivo yakarurama pamusoro pechokwadi.” (1 Tim. 2:4) Nokupedza mabhuku aya maviri navo, tiri kuvabatsira kunyatsosimba vari ‘pamugwagwa unoenda kuupenyu.’—Mat. 7:14.
Vakuru vasati vabvumira kuti mumwe munhu abhabhatidzwe, vanofanira kuva nechokwadi kana achinyatsonzwisisa dzidziso dzeBhaibheri dzinokosha uye achirarama maererano nadzo. Vakuru vanofanira kunyatsongwarira pavanenge vachifunga nezvemudzidzi asati apedza kudzidza bhuku rokutanga. Kana mumwe munhu asati ava kukwanisa kubhabhatidzwa, vakuru vachava nechokwadi chokuti abatsirwa kuitira kuti akwanise kubhabhatidzwa munguva inotevera.—Ona Takarongwa Kuti Tiite Zvinoda Jehovha, mapeji 217-218.
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 2]
Zvinokosha kuti vatsva vanyatsosimba muchokwadi