Tinofanira Kuita Ushumiri Hwedu—Tichishivirira
1. Jehovha ave achiratidza sei kuti anoshivirira vanhu?
1 Mwari anoshivirira vanhu zvikuru. (Eks. 34:6; Pis. 106:41-45; 2 Pet. 3:9) Mumwe muenzaniso mukuru wokushivirira kwaanoita norudo unooneka mubasa rokuparidza Umambo romunyika yose. Jehovha ave achishivirira vanhu kwemakore anoda kusvika 2 000, asi achiri kungokoka vane mwoyo yakatendeseka kuti vauye kwaari. (Joh. 6:44)Tingatevedzera sei kushivirira kunoita Jehovha muushumiri hwedu?
2. Tingaratidza sei kushivirira patinenge tichishanda mundima yedu?
2 Ushumiri Hwepaimba Neimba: Tinotevedzera kushivirira kunoita Jehovha nokuparidza ‘tisingaregi’ mundima ine vanhu vasati varatidza kufarira. (Mab. 5:42) Tinotsungirira tichishivirira patisingateererwi, patinosekwa, uye patinopikiswa muushumiri. (Mako 13:12, 13) Tinoratidzawo kushivirira nokuramba tichiita zvose zvatinogona pakudiridza mbeu yechokwadi kunyange pazvinenge zvakaoma kuwana vanhu vanofarira vari pamba.
3. Nei tichifanira kushivirira patinodzokera kuvanhu vanofarira uye patinoitisa zvidzidzo zveBhaibheri?
3 Zvidzidzo zveBhaibheri: Kutarisira chirimwa kusvikira chakura kunotoda kushivirira. Tinogona kuitarisira, asi hatigoni kukurumidzisa kukura kwayo. (Jak. 5:7) Saizvozvowo, kukura pakunamata kunoitika zvishoma nezvishoma. (Mako 4:28) Vaya vatinodzidza navo vangaomerwa nokusiya zvavaitenda zvenhema kana kuti tsika dzisiri dzomumagwaro. Hatifaniri kuedza kukurumidzisa vatinodzidza navo kufambira mberi nokuvamanikidza kuti vachinje zvavanoita. Zvinoda kushivirira kuti tibvumire nguva yokuti mudzimu waMwari uchinje mwoyo wemudzidzi.—1 VaK. 3:6, 7.
4. Kushivirira kungatibatsira sei kupupurira zvinobudirira kune voukama vasingatendi?
4 Voukama Vasingatendi: Kunyange zvazvo tichida chaizvo kuti hama dzedu dzisingatendi dzizive chokwadi, tinoratidza kushivirira nokumirira nguva yakakodzera yokuti tivaudze zvatinotenda, tichingwarira kuti tisavavhiringidza nekuvaudza zvakawandisa. (Mup. 3:1, 7) Iye zvino, tinoita kuti muenzaniso wedu uratidze zvatiri uye tinogara takagadzirira kutaura zvatinotenda nounyoro uye noruremekedzo rukuru. (1 Pet. 3:1, 15) Chokwadi, tikaita ushumiri tichishivirira tichabudirira uye tichafadza Baba vedu vokudenga.