RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 10/11 pp. 3-6
  • Uri Kuita Zvose Zvaunogona Kuti Udzidziswe naJehovha Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Uri Kuita Zvose Zvaunogona Kuti Udzidziswe naJehovha Here?
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2011
  • Mashoko Akafanana
  • Zvikoro Zvesangano Zvinoratidza Rudo rwaJehovha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2012
  • Zvapupu zvaJehovha Zvinodzidziswa Sei Kuita Ushumiri Hwazvo?
    Mibvunzo Inonyanya Kubvunzwa Pamusoro peZvapupu zvaJehovha
  • Nzira Dzekuwedzera Nadzo Ushumiri Hwako
    Takarongwa Kuti Tiite Zvinoda Jehovha
  • Chikoro Chine Vanenge Vapedza Kudzidza Vari Kubatsira Vanhu Munyika Yose
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2006
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2011
km 10/11 pp. 3-6

Uri Kuita Zvose Zvaunogona Kuti Udzidziswe naJehovha Here?

1. Jehovha anoona sei nyaya yokudzidza?

1 ‘Murayiridzi wedu Mukuru,’ Jehovha, anoda kuti tive vanhu vakadzidza. (Isa. 30:20) Akatanga kudzidzisa apedza kusika Mwanakomana wake wedangwe. (Joh. 8:28) Pasinei nokuti Adhamu akapanduka, Jehovha akaenderera mberi nokudzidzisa vanhu vane zvivi nemhaka yerudo rwaanarwo.—Isa. 48:17, 18; 2 Tim. 3:14, 15.

2. Ipurogiramu ipi yokudzidzisa iri kuitwa?

2 Mazuva ano Jehovha ari kutungamirira basa guru kupfuura mamwe ose panyaya yokudzidzisa. Sezvakagara zvataurwa naIsaya, vanhu vakawanda pasi rose vari kudirana ku“gomo reimba yaJehovha.” (Isa. 2:2) Vachinobatei? Kuti vadzidziswe nzira dzaMwari, Jehovha pachake ari iye mudzidzisi! (Isa. 2:3) Mugore rebasa ra2010, Zvapupu zvaJehovha zvakashanda maawa anopfuura mabhiriyoni 1,6 zvichiparidza nokudzidzisa vanhu chokwadi cheBhaibheri. Uyezve pavhiki yoga yoga vanhu vari muungano dzinopfuura 105 000 vari kudzidziswa zvine chokuita nokunamata, uye mabhuku anodzidzisa zvechiKristu ari kubudiswa nemuranda akatendeka, akangwara mumitauro inopfuura 500.

3. Iwe pachako wakabatsirwa sei nokudzidzisa kunoitwa naJehovha?

3 Nyatsobatsirwa: Chokwadi tadzidza zvakawanda kubva kuna Mwari! Takadzidza kuti Mwari ane zita uye ane hanya nesu. (Pis. 83:18; 1 Pet. 5:6, 7) Tava kuziva mhinduro dzemibvunzo inokosha yakadai seyokuti, Sei vanhu vachitambura uye vachifa? Ndingaitei kuti ndinyatsofara? Chinangwa choupenyu ndechei? Jehovha akatipawo mirayiro panyaya dzetsika kuitira kuti ‘nzira yedu ibudirire.’—Josh. 1:8.

4. Ndeipi mimwe mikana yokudzidziswa inogona kuwanikwa nevashumiri vaMwari, uye nei tichifanira kuita zvose zvatinogona kuti tidzidziswe naJehovha?

4 Uyezve Jehovha anoshandisa zvikoro zvakasiya-siyana pakudzidzisa vashumiri vake kuti vawedzere basa ravo pakumushumira. Pamapeji 4-6 pane zvimwe zvacho. Kana mamiriro edu ezvinhu achititadzisa kupinda zvikoro izvi, mubvunzo ndewokuti, tiri kuita zvose zvatinogona here kuti tibatsirwe nezviri kushandiswa naMwari pakudzidzisa vanhu vake? Tiri kukurudzira vechiduku kuti vave nezvinangwa zvokunamata panzvimbo pokutevera dzidzo yepamusorosoro inokurudzirwa nevadzidzisi vavo nevamwe here? Kuita zvose zvatinogona kuti tidzidziswe naJehovha kuchatibatsira kuti tinakidzwe noupenyu iye zvino uye nokusingaperi mune ramangwana.—Pis. 119:105; Joh. 17:3.

Mimwe Mikana Yokudzidziswa Inowanikwa Musangano raJehovha

Makirasi Okudzidza Kuverenga Nokunyora

• Chinangwa: Kudzidzisa vanhu kuverenga nokunyora kuti vagokwanisa kudzidza Bhaibheri uye kudzidzisa vamwe chokwadi.

• Nguva Yachinotora: Zvinoenderana nevari kudzidziswa vacho.

• Nzvimbo: Imba yoUmambo iri pedyo.

• Ndivanaani Vangapinda: Vaparidzi vose uye vanofarira kudzidza Bhaibheri.

• Zvaungaita Kuti Upinde: Vakuru veungano vanoronga makirasi aya zvichienderana nezviri kudiwa mundima yavo uye vanokurudzira vose vanoda kuti vapinde.

Chikoro chaMwari choUshumiri

• Chinangwa: Kudzidzisa vaparidzi kuti vabudirire kuparidza nekudzidzisa mashoko akanaka.

• Nguva Yachinotora: Chinoitwa nguva dzose.

• Nzvimbo: Imba yoUmambo.

• Ndivanaani Vanganyoresa: Vaparidzi vose. Vamwewo vanogona kunyoresa ndevaya vanogara vachiwadzana neungano, vanobvuma zvinodzidziswa neBhaibheri, uye mararamiro avo achienderana nemitemo yechiKristu.

• Zvaungaita Kuti Unyorese: Taura nemutariri weChikoro chaMwari choUshumiri.

Makirasi Emimwe Mitauro

• Chinangwa: Kudzidzisa vaparidzi kuti vangaparidza sei mashoko akanaka nemumwe mutauro.

• Nguva Yachinotora: Mwedzi mina kana mishanu. Kazhinji makirasi aya anowanzoitwa mangwanani oMugovera kweawa imwe kana maviri.

• Nzvimbo: Kazhinji paImba yoUmambo iri pedyo.

• Ndivanaani Vangapinda: Vaparidzi vari kuita zvakanaka uye vane chishuwo chokuparidza nemumwe mutauro.

• Zvaungaita Kuti Upinde: Hofisi yebazi ndiyo inoronga makirasi acho zvichienderana nezviri kudiwa.

Kuvaka Dzimba dzoUmambo

• Chinangwa: Kuvaka uye kugadziridza Dzimba dzoUmambo. Ichi hachisi chikoro, asi vaya vanozvipira kubatsira vanodzidziswa mabasa akasiyana-siyana kuitira kuti vabatsire pakuvaka.

• Nguva Yachinotora: Zvinoenderana nokuti azvipira wacho ari kuda nguva yakareba sei.

• Nzvimbo: Chero kunenge kwatumirwa Boka Rokuvaka Dzimba dzoUmambo. Vamwe vanenge vazvipira vanogona kukumbirwa kuti vabatsire pakuendesa zvinhu zvokuyamura kunzvimbo dziri kure dzinenge dzawirwa nedambudziko.

• Ndivanaani Vangapinda: Hama nehanzvadzi dzakabhabhatidzwa uye dzinobvumirwa nedare revakuru. Vanogona kunge vane ruzivo nezvekuvaka kana kuti vasina.

• Zvaungaita Kuti Upinde: Kumbira vakuru vemuungano yako fomu rinonzi Application for Kingdom Hall Construction Volunteer Program (A-25) ugorizadza.

Chikoro Chebasa Roupiyona

• Chinangwa: Kubatsira mapiyona kuti ‘aite ushumiri hwavo zvizere.’—2 Tim. 4:5.

• Nguva Yachinotora: Vhiki mbiri.

• Nzvimbo: Hofisi yebazi ndiyo inosarudza uye kazhinji panoshandiswa Imba yoUmambo iri pedyo.

• Ndivanaani Vangapinda: Vaya vava negore rimwe chete zvichikwira vachipayona.

• Zvaungaita Kuti Upinde: Mapiyona anokodzera anosarudzwa uye anoudzwa nemutariri wavo wedunhu kuti apinde.

Chikoro Chevachangotanga Basa repaBheteri

• Chinangwa: Chikoro ichi chakagadzirirwa kubatsira vatsva kuti vakwanise kuita basa ravo paBheteri.

• Nguva Yachinotora: Awa imwe chete pavhiki kwemavhiki 16.

• Nzvimbo: Bheteri.

• Ndivanaani Vangapinda: Ndevaya vanogara paBheteri kwenguva refu, ringava gore rimwe chete kana kuti kupfuura.

• Zvaungaita Kuti Upinde: Vanoshanda paBheteri vanokodzera ndivo vanobva vangochipinda.

Chikoro Choushumiri hwoUmambo

• Chinangwa: Kudzidzisa vakuru nevashumiri vanoshumira kuita mabasa avo eungano. (Mab. 20:28) Chikoro ichi chinoitwa pashure pemakore akati kuti uye Dare Rinodzora ndiro rinoronga.

• Nguva Yachinotora: Mumakore ano vakuru vari kuchiita zuva rimwe nehafu uye vashumiri vanoshumira zuva rimwe chete.

• Nzvimbo: Kazhinji paImba yoUmambo iri pedyo kana kuti Imba yeMagungano.

• Ndivanaani Vangapinda: Unofanira kunge uri mukuru kana kuti mushumiri anoshumira.

• Zvaungaita Kuti Upinde: Vakuru nevashumiri vanoshumira vanokodzera vanokokwa nemutariri wedunhu.

Chikoro Chevakuru veUnganoa

• Chinangwa: Kubatsira vakuru pakuita mabasa avo eungano.

• Nguva Yachinotora: Mazuva mashanu.

• Nzvimbo: Hofisi yebazi ndiyo inoronga uye chinowanzoitirwa paImba yoUmambo iri pedyo kana kuti Imba yeMagungano.

• Ndivanaani Vangapinda: Vakuru.

• Zvaungaita Kuti Upinde: Vakuru vanokodzera ndivo vanokokwa nehofisi yebazi.

Chikoro Chevatariri Vanofambira Nemadzimai Avob

• Chinangwa: Kubatsira vatariri vematunhu neveruwa kuti vanyatsoita basa ravo nomazvo pakushanyira ungano uye ‘vashande nesimba pakutaura nepakudzidzisa.’—1 Tim. 5:17; 1 Pet. 5:2, 3.

• Nguva Yachinotora: Mwedzi miviri.

• Nzvimbo: Hofisi yebazi ndiyo inoronga.

• Ndivanaani Vangapinda: Vatariri vematunhu kana kuti veruwa.

• Zvaungaita Kuti Upinde: Hofisi yebazi ndiyo inosarudza pavatariri vanofambira nemadzimai avo.

Chikoro cheBhaibheri Chehama Dzisina Kuroorac

• Chinangwa: Kubatsira vakuru nevashumiri vanoshumira vasina kuroora pakuita mamwe mabasa eungano. Vazhinji vanenge vapinda chikoro ichi vanotumirwa kunoshumira kunzvimbo dzinodiwa vaparidzi vakawanda kunyika dzavo. Vashoma ndivo vanogona kunoshumira vari kune imwe nyika kana kuri kuti vanozvikwanisa.

• Nguva Yachinotora: Mwedzi miviri.

• Nzvimbo: Hofisi yebazi ndiyo inoronga asi chinowanzoitirwa paImba yeMagungano kana kuti paImba yeUmambo.

• Ndivanaani Vangapinda: Hama dzisina kuroora dziri pakati pemakore 23 ne62 uye dzine utano hwakanaka dzinoda kunoshumira kunodiwa vaparidzi voUmambo. (Mako 10:29, 30) Kuti vakodzere kupinda chikoro ichi vanofanira kunge vava nemakore maviri kana kupfuura akatevedzana vagadzwa kuva vashumiri vanoshumira kana kuti vakuru.

• Zvaungaita Kuti Upinde: Kana chikoro ichi chichiitwa mundima yebazi renyu, pagungano redunhu pachaitwa musangano wevanoda kuchipinda. Pamusangano iwoyo pachakurukurwa mamwe mashoko ane chokuita nechikoro ichi.

Chikoro cheBhaibheri chevaKristu Vakarooranad

• Chinangwa: Kudzidzisa vakaroorana kuti vashandiswe zvizere naJehovha uye nesangano rake. Vazhinji vanenge vapinda chikoro ichi vanotumirwa kuti vanoshumira kunzvimbo dzinoda vaparidzi voUmambo munyika dzavo. Vashoma ndivo vanogona kunoshumira vari kune imwe nyika kana kuri kuti vanozvikwanisa.

• Nguva Yachinotora: Mwedzi miviri.

• Nzvimbo: Makirasi okutanga ari kuitirwa kuWatchtower Educational Center kuPatterson, New York, U.S.A. Zvadaro chikoro ichi chinenge chava kuzoitirwa munzvimbo dzinenge dzasarudzwa nehofisi yebazi uye kazhinji chinoitirwa paImba yeMagungano kana kuti Imba yoUmambo.

• Ndivanaani Vangapinda: Vakaroorana vane zera remakore ari pakati pe25 ne50 uye vane utano hwakanaka uye vanoda kunoshumira kunodiwa vaparidzi voUmambo uye vane mafungiro okuti: “Ndiri pano! Nditumei.” (Isa. 6:8) Uyezve vanofanira kunge vava nemakore maviri kana kupfuura varoorana uye vari mubasa renguva yakazara kwemakore maviri akatevedzana kana kupfuura.

• Zvaungaita Kuti Upinde: Kana chikoro ichi chichiitwa mundima yebazi renyu, pagungano rezuva chairo pachaitwa musangano wevanoda kuchipinda. Pamusangano iwoyo pachakurukurwa mamwe mashoko ane chokuita nechikoro ichi.

Chikoro cheBhaibheri cheWatchtower cheGiriyedhi

• Chinangwa: Kudzidzisa mapiyona nevamwe vari mubasa renguva yakazara kuzoita basa roumishinari.

• Nguva Yachinotora: Mwedzi mishanu.

• Nzvimbo: Watchtower Educational Center, Patterson, New York, U.S.A.

• Ndivanaani Vangapinda: Vakaroorana uye vava nemakore matatu vabhabhatidzwa uye vari pakati pezera remakore 21 ne38 pavanotanga kutumira tsamba yavo yokukumbira fomu. Vanofanira kunge vachigona kutaura Chirungu uye vava nemakore maviri kana kupfuura varoorana uye vari mubasa renguva yakazara kwemakore maviri akatevedzana kana kupfuura. Vanofanira kunge vane utano hwakanaka. Mapiyona ari kushumira ari kune imwe nyika (kusanganisira vaya vanonzi mamishinari asi vasina kupinda chikoro chacho), vatariri vanofambira, vanoshanda paBheteri, nevakapinda Chikoro Chokudzidzisa Vashumiri, Chikoro cheBhaibheri Chehama Dzisina Kuroora, Chikoro cheBhaibheri chevaKristu Vakaroorana vanogona kukumbira mafomu kana vachisvitsa zvinodiwa.

• Zvaungaita Kuti Upinde: Munyika dzakasarudzwa, pachaitwa musangano wevanoda kupinda chikoro ichi pagungano reruwa. Pamusangano iwoyo pachakurukurwa mamwe mashoko ane chokuita nechikoro ichi. Kana musangano uyu usina kuitwa pamagungano eruwa munyika yako, uye uchida kukumbira fomu unogona kunyorera kuhofisi yebazi kuti uwane mamwe mashoko.

Chikoro Chenhengo dzeDare reBazi Nemadzimai Avo

• Chinangwa: Kubatsira vari kushumira vari muMatare eMapazi kuti vatarisire zvakanaka misha yeBheteri, kutarisira mabasa ane chokuita neungano uye kutarisira matunhu nemaruwa ari mundima yavo pamwe chete nemadhipatimendi ekushandura, ekupirinda uye emabhuku, nokutarisirawo mamwe madhipatimendi.—Ruka 12:48b.

• Nguva Yachinotora: Mwedzi miviri.

• Nzvimbo: Watchtower Educational Center, Patterson, New York, U.S.A.

• Ndivanaani Vangapinda: Vari muDare reBazi kana kuti muDare Renyika kana kuti vaya vari kushanda mumatare aya uye vanozogadzwa kana chikoro chapera.

• Zvaungaita Kuti Upinde: Dare Rinodzora ndiro rinokoka hama dzinokodzera pamwe chete nemadzimai avo.

[Mashoko Omuzasi]

a Hadzisi nyika dzose dzati dzatanga kuita chikoro ichi.

b Hadzisi nyika dzose dzati dzatanga kuita chikoro ichi.

c Hadzisi nyika dzose dzati dzatanga kuita chikoro ichi.

d Hadzisi nyika dzose dzati dzatanga kuita chikoro ichi.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe