Jehovah’s Witnesses—Faith in Action, Part 1: Out of Darkness
MuBhaibheri, chokwadi chinofananidzwa nechiedza, nhema dzichifananidzwa nerima. (Pis. 43:3; Isa. 5:20) Satani akaita kuti pave nerima nokunyengera kwaakaita Evha, uye zvakaita kuti vanhu vose vave murima gobvu. (Zvak. 12:9) Vhidhiyo inonzi Jehovah’s Witnesses—Faith in Action, Part 1: Out of Darkness inoratidza mabudiro akaita chiedza panyaya dzokunamata kubva murima. (Isa. 60:1, 2) Pashure pekunge waona vhidhiyo iyi, ungakwanisa here kupindura mibvunzo iyi?
(1) Rima gobvu rakatanga sei pashure pekufa kwevaapostora? (2) Mukutanga kwemakore ekuma1100, zvii zvakabatsira vanhu kuti vaone kuti machechi akanga ava kudzidzisa nhema? (3) Henry Grew naGeorge Storrs vaiva vanaani? (4) Zvii zvakaitika muupenyu hwaCharles Russell zvakaita kuti afungisise nezvezvinotaurwa neBhaibheri? (5) Charles Russell, baba vake, uye nevamwe vavo pavaiita zvidzidzo zvavo zveBhaibheri vaizviita sei, uye vakasvika pakunzwisisa nyaya dzipi dzemuMagwaro? (6) Zvakafamba sei kuti boka iri raidzidza Bhaibheri ribatane neboka raNelson Barbour, asi chii chakazoita kuti Hama Russell vasiyane neboka racho? (7) Chii chakaitika muna July 1879 chakaratidza kutanga kwechiedza panyaya dzokunamata? (8) Pashure pacho, boka reVadzidzi veBhaibheri iro rakanga richikura, rakaitei kuti mashoko akanaka apararire? (9) Gore ra1914 risati rasvika, zvii zvaitarisirwa neVadzidzi veBhaibheri kuti zvaizoitika mugore iri? (10) Vadzidzi veBhaibheri vakasangana nematambudziko api pashure pekufa kwaHama Russell? (11) Vadzidzi veBhaibheri vakaitei pashure pekunge Hama Rutherford nevamwe vavo vabudiswa mujeri? (12) Kuona kwawaita vhidhiyo iyi kwadzamisa sei kuonga kwako sangano raJehovha? (13) Vhidhiyo iyi yasimbisa sei chido chako chakasimba chekuramba uchiparidza uchishingaira pasinei nezvipingamupinyi? (14) Tingashandisa sei vhidhiyo iyi kuti tibatsire veukama, vatinodzidza navo Bhaibheri, uye vamwe?
Iyi inhaka yakanakisisa zvikuru pane zvokunamata yatakasiyirwa neVadzidzi veBhaibheri ava! Panguva iyo kunamata kwechokwadi kwakanga kwadzikatidzwa, Vadzidzi veBhaibheri havana kutya kuita kuti chiedza chivheneke uye vakazviita vachishingaira. Dai tikatevedzera mienzaniso yavo ‘toramba tichifamba sevana vechiedza.’—VaEf. 5:8.