Mashandisiro Atingaita Bhurocha raNdivanaani Vari Kuita Kuda kwaJehovha Mazuva Ano?
Bhurocha Idzva Iri Rakagadzirwa Kuti Ritungamirire Vadzidzi veBhaibheri Kusangano
1. Ndezvipi zvinangwa zvitatu zvakaita kuti bhurocha raKuda kwaJehovha ribudiswe?
1 Wakatotanga here kushandisa bhurocha idzva iri raNdivanaani Vari Kuita Kuda kwaJehovha Mazuva Ano? Chinangwa charo (1) ndechokuti vadzidzi veBhaibheri vazive kuti isu seZvapupu zvaJehovha tiri vanhu vakaita sei, (2) ndechokuvabatsira kuti vazive mabasa atinoita, uye (3) ndechokuvaratidza kuti sangano redu rinoshanda sei. Bhurocha raKuda kwaJehovha rine chidzidzo chimwe nechimwe papeji imwe chete uye chinogona kukurukurwa mumaminitsi mashanu kusvika kugumi pashure pekudzidza nemunhu Bhaibheri nguva imwe neimwe.
2. Rondedzera zvakaita bhurocha iri.
2 Zvarakaita: Bhurocha iri rakakamurwa kuva zvikamu zvitatu, chimwe nechimwe chichikurukura zvinhu zvitatu nezvesangano raJehovha zvataurwa mundima yokutanga. Musoro wechidzidzo chimwe nechimwe pazvidzidzo 28 zviri mubhurocha iri wakanyorwa somubvunzo. Misoro miduku iri mumashoko matema-tema ndiyo inenge ichipindura mubvunzo wacho. Mune mifananidzo yomunyika dzinopfuura 50 uye mifananidzo yacho yakanyorwa zita renyika kuratidza kuti basa redu rinoitwa munyika dzakasiyana-siyana. Zvimwe zvidzidzo zvine bhokisi rakanzi “Dzidza Zvimwe” iro rine mazano anokurudzira mudzidzi wako kuti aite chimwe chinhu.
3. Tingashandisa sei bhurocha raKuda kwaJehovha?
3 Mashandisiro Acho: Tanga nokumuratidza musoro wezvidzidzo zvirimo. Sezvamunoverenga chidzidzo chacho, simbisai misoro miduku iri mumashoko matema-tema. Pakupedzisira, kurukurai mibvunzo yokudzokorora iri panogumira peji iyoyo. Munogona kuverenga chidzidzo chose mochikurukura kana kuti kuverenga chikamu mochikurukura mobva maenda pane chimwe chikamu. Shandisai uchenjeri pakusarudza kuti magwaro api amuchaverenga. Musakanganwa kukurukurawo mifananidzo uye bhokisi rakanzi “Dzidza Zvimwe.” Nepose pazvinoita, zvidzidzo izvi zvinofanira kukurukurwa nenzira yakarongeka. Asi, sunungukai kuenda pane chimwe chidzidzo chamunoona kuti mudzidzi wenyu angada kunzwa. Somuenzaniso, kana mava pedyo nekuita gungano munogona kusiya zvimwe zvidzidzo moenda pachidzidzo 11.
4. Nei uchifara kuva nebhurocha idzva iri?
4 Patinodzidza nemumwe munhu Bhaibheri tinenge tichimubatsira kuti azive Baba vedu vokudenga. Panguva imwe chete, tinenge tichidawo kumudzidzisa nezvesangano raJehovha. (Zvir. 6:20) Tinofara zvikuru kuva nebhurocha iri, richatibatsira kuti tiite izvi!