Tevedzerai Vaprofita—Jona
1. Jona aiva neunhu hupi hwakanaka?
1 Chii chinouya mupfungwa dzako paunonzwa nezvemuprofita Jona? Vamwe vangamuona sembwende kana kuti semunhu aiva nemwoyo wakaoma. Asi Jona akanyatsoratidza kuzvininipisa, ushingi, uye kuzvipira. Tingatevedzera sei unhu hunoyemurika hwaJona?—Jak. 5:10.
2. Tingatevedzera sei kuzvininipisa kwaJona?
2 Kuzvininipisa: Pakutanga, Jona akatiza achienda kure nekwaakanga atumwa. Izvi hazvishamisi nokuti vaAsiriya vaizivikanwa nechisimba, uye Ninivhi yakasvika pakunzi “guta rokuteura ropa.” (Nah. 3:1-3) Zvisinei, Jehovha akaranga Jona, uyo akazoratidza kuzvininipisa nokubvuma basa racho paakaripiwazve. (Zvir. 24:32; Jona 3:1-3) Akazoita kuda kwaJehovha pasinei nokuti akambotiza pakutanga. (Mat. 21:28-31) Isuwo takatsunga here kuparidza mashoko akanaka pasinei nokuti tarangwa kana kuti tiri kushanda ndima yakaoma?
3. Ndepapi patinofanira kuva neushingi uye kuzvipira muushumiri hwedu?
3 Ushingi Uye Kuzvipira: Jona paakaona kuti chisarudzo chake chakaipa chakanga chava kuurayisa vaiva mungarava, akazvipira kuti afe hake. (Jona 1:3, 4, 12) Gare gare paakanga ava kuita zvaakatumwa kuNinivhi, akaenda pakati chaipo peguta, zvichida achitsvaka nzvimbo yakakodzera yokuti azivise mutongo waJehovha. Izvozvo zvaisazoitwa nembwende, asi nemuprofita akashinga waMwari! (Jona 3:3, 4) Zvakadini nesu? Zvinoda ushingi hunobva kuna Mwari kuti tiparidze tisingatyi patinenge tichipikiswa. (Mab. 4:29, 31) Zvinodawo kuzvipira kuti tishandise nguva nezvatiinazvo muushumiri.—Mab. 20:24.
4. Nei tichifanira kuwana nguva yokufunga muenzaniso wakanaka wevaprofita vaJehovha?
4 Pose paunoverenga nhoroondo yemumwe wevaprofita vaJehovha, uchabatsirwa kana ukaedza kuona zvakaitika kwaari sezviri kutoitika kwauri. Zvibvunze kuti: ‘Ndingadai ndakaita sei? Ndingatevedzera sei unhu hwakanaka hwakaratidzwa nemuprofita uyu?’ (VaH. 6:11, 12) Dzimwe nyaya dzichabuda muUshumiri Hwedu hwoUmambo munguva inotevera dzichakurukura zvimwe zvidzidzo zvinokosha zvatingawana kune vamwe vaprofita vaJehovha vakatendeka.