Tevedzerai Vaprofita—Mika
1. Muprofita Mika anogona kunge akafunga nezvemubvunzo upi, asi nei mashoko aaizivisa aiva echokwadi?
1 ‘Nyika ino yakaipa ichaguma rini?’ Muprofita Mika anogona kunge akafungawo mubvunzo wakadaro paaizivisa mitongo yaJehovha kuumambo hweIsraeri nehweJudha. Mashoko aaizivisa aiva echokwadi. Mashoko aJehovha nezveSamariya akazadzika muna 740 B.C.E., Mika achiri mupenyu. (Mika 1:6, 7) Jerusarema rakazoparadzwa pave paya muna 607 B.C.E. (Mika 3:12) Tingatevedzera sei Mika sezvatinomirira kuzadzika kwemitongo yaJehovha mazuva ano?
2. Tinoratidza sei kuti takamirira zuva raJehovha uye nei tichidaro?
2 Mirira: Mika akanyora kuti: “Asi ini, ndicharamba ndichitarira kuna Jehovha. Ndichamirira Mwari woruponeso rwangu.” (Mika 7:7) Mika haana kungomirira mugumo asina zvaaiita. Akaramba achishanda nesimba semuprofita waJehovha. Sezvatinomirira zuva raJehovha, tinofanirawo kuramba tichiita “mabasa matsvene omufambiro nemabasa okuzvipira kuna Mwari.” (2 Pet. 3:11, 12) Mwoyo murefu waJehovha unopa vanhu nguva yokupfidza. (2 Pet. 3:9) Saka tinoteerera nemwoyo wese zano raMwari rokutevedzera vaprofita patinenge takamirira kuti nguva yaMwari ikwane.—Jak. 5:10.
3. Nei tichifanira kukumbira Jehovha mudzimu mutsvene wake?
3 Vimba Nesimba raJehovha: Kunyange zvazvo Mika aiva nebasa rakaoma, akavimba naJehovha kuti amupe simba rokuriita. (Mika 3:8) Jehovha anoziva kuti tinoda simba, ndokusaka shoko rake richitikurudzira kuti tivimbe nesimba rake. Anopa vakaneta simba kuti vakwanise kuita mabasa avo ekunamata. (Pis. 84:5, 7; Isa. 40:28-31) Simba raJehovha rinomboshandawo saizvozvo kwauri here paunoita basa dzvene? Unogara uchikumbira Jehovha kuti akubatsire nemudzimu wake mutsvene une simba here?—Ruka 11:13.
4. Mika akatisiira muenzaniso upi wakanaka chaizvo?
4 Kweupenyu hwake hwose, Mika aikoshesa kuita kuda kwaMwari kupfuura zvimwe zvose. Akanga akatsunga kuramba akatendeka kunyange zvazvo airarama nevanhu vaiva netsika dzakaipa. Kuvimbika kwedu kunogara kuchiedzwawo zuva rega rega. Saka ngatitsungei ‘kufamba nezita raJehovha Mwari wedu nokusingaperi.’—Mika 4:5.