Tevedzerai Vaprofita—Zefaniya
1. Zvinhu zvakanga zvakamira sei Zefaniya paakava muprofita, uye akatisiyira muenzaniso wei?
1 Maiva mumakore ekuma600 B.C.E., uye kunamata Bhaari kwakanga kwapararira muJudha. Mambo akaipa Amone akanga achangobva kuurayiwa, uye Mambo Josiya ainge achiri muduku akanga ava kutonga. (2 Mak. 33:21-34:1) Munguva iyi, Jehovha akaita kuti mutongo wake uziviswe naZefaniya. Kunyange zvazvo Zefaniya angangodaro aiva weimba yeumambo hwaJudha, haana kudira mvura mashoko emutongo waJehovha kuvatungamiriri vaiva muJudha. (Zef. 1:1; 3:1-4) Saizvozvowo, tinoedza kutevedzera ushingi hwaZefaniya, uye hatiregi vemumhuri dzedu vachitikanganisa kunamata Jehovha. (Mat. 10:34-37) Zefaniya akazivisa nezvei uye zvakaguma nei?
2. Tinofanira kuitei kuti tiponeswe pazuva rekutsamwa kwaJehovha?
2 Tsvakai Jehovha: Jehovha chete ndiye anogona kununura vanhu pazuva rokutsamwa kwake. Saka Zefaniya akakurudzira vaJudha kuti vatsvake Jehovha, vatsvake kururama uye vatsvake unyoro pachine nguva. (Zef. 2:2, 3) Ndizvowo zvinofanira kuitwa munguva yedu. Sezvakaitwa naZefaniya, tinokurudzira vamwe kuti vatsvake Jehovha, asi isuwo tinofanira kumutsvaka, toramba takatsunga “kutevera Jehovha.” (Zef. 1:6) Tinotsvaka Jehovha kuburikidza nokunyatsodzidza Shoko rake uye kunyengetera kuti atitungamirire. Tinotsvaka kururama nokuva netsika dzakachena. Tinotsvaka unyoro kuburikidza nokuteerera uye kuita zvinotaurwa nesangano raJehovha tisingaverengeri.
3. Nei tichifanira kuramba tiine maonero akanaka muushumiri?
3 Zvakanaka Zvinozoitika: Mashoko aZefaniya ekutonga akakurudzira vamwe vaiva muJudha, asi anofanira kuva akatonyanya kukurudzira Josiya, uyo akatanga kutsvaka Jehovha achiri mudiki. Josiya akazoshanda nesimba kubvisa kunamata zvidhori munyika yacho. (2 Mak. 34:2-5) Kunyange zvazvo mazuva ano dzimwe mbeu dzeUmambo dzichiwira padivi pemugwagwa, pamatombo, uye paminzwa, dzimwe dzinowira paivhu rakaorera, dzova nezvibereko. (Mat. 13:18-23) Tine chivimbo chekuti Jehovha acharamba achikomborera zvatinoita, sezvatinoramba tichishanda nesimba kuparadzira mbeu yeUmambo.—Pis. 126:6.
4. Nei tichifanira ‘kuramba takamirira Jehovha?’
4 Vamwe vaiva muJudha vaifunga kuti Jehovha haana zvaaizoita. Asi Jehovha akavimbisa vose kuti zuva rake rakanga rava pedyo. (Zef. 1:12, 14) Vaya vaipotera kwaari ndivo chete vaizoponeswa. (Zef. 3:12, 17) ‘Sezvatinomirira Jehovha,’ ngatirambei tichifarira kushumira takabatana nevanamati vaMwari wedu mukuru!—Zef. 3:8, 9.