Kutsanangura Zvatinotenda Nezvegore ra1914
Magwaro anotikurudzira ‘kugadzirira kudzivirira’ zvatinotenda, tichiita “izvozvo nounyoro noruremekedzo rukuru.” (1 Pet. 3:15) Zvingatiomera kutsanangura chokwadi chakadzama cheBhaibheri, chakadai sekuti sei tichiti Umambo hwakatanga kutonga muna 1914. Asi pane nyaya mbiri dzakabudiswa dzinotibatsira dzine musoro unoti “Kukurukura Nemuvakidzani—Umambo hwaMwari Hwakatanga Kutonga Riini?” Nyaya idzi dziri mumagazini eNharireyomurindi atichange tichipa vanhu muushumiri muna October naNovember. Pauchaongorora nyaya idzi, tsvaka mhinduro dzemibvunzo iyi pane zvakaitwa nemuparidzi ari munyaya dzacho anonzi Cameron:
Muparidzi uyu . . .
akarumbidza sei Jon kuti vave nezvavanowirirana?—Mab. 17:22.
akaratidza sei kuzvininipisa paaitsanangura zvaanotenda?—Mab. 14:15.
Zvakanga zvakanakirei kuti . . .
aimbotaura muchidimbu zvavainge vadzidza asati awedzera dzimwe pfungwa?
aimbomira pano neapo achibvunza kuti azive kana saimba anzwisisa zvaainge atsanangura?
haana kuedza kukurukura zvakawanda panguva imwe chete?—Joh. 16:12.
Tinotenda chaizvo Jehovha, ‘Murayiridzi wedu Mukuru,’ nokutidzidzisa kutsanangura chokwadi chakadzama cheBhaibheri kune vaya vane nzara yokuchinzwa!—Isa. 30:20.